RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 3/1 p. 23
  • Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari Utatu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari Utatu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Rutivi 1—Jesu Navadzidzi Vake Vakadzidzisa Dzidziso yoUtatu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Unofanira Kudavira Here?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Jesu Kristu—Mwanakomana Anodiwa waMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mwari Utatu Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 3/1 p. 23

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari Utatu Here?

▪ Vanhu vanotsanangura dzidziso yoUtatu zvakasiyana-siyana. Vamwe vanoti: “VanaMwari vatatu (Baba, Mwanakomana, Mweya Mutsvene), vose vanonzi vanoramba varipo nokusingaperi, vose vanonzi vane masimba ose, hapana mukuru kupfuura mumwe, vose ndivanaMwari, uye vose zvavo ndiMwari mumwe chete.” Ndizvo zvinodzidziswa neBhaibheri here?

Vamwe vanowanzotaura nezvaMateu 28:19 kuti vatsigire dzidziso yokuti Mwari utatu. Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi pandima iyi rinoti: “Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene.” Ichokwadi kuti ndima iyi inotaura nezvaBaba, Mwanakomana uye mweya mutsvene (kana kuti mudzimu mutsvene). Asi ndima iyi haina kumbotaura kuti vatatu ava munhu mumwe chete. Jesu paakataura izvi akanga achipa vateveri vake vechiJudha basa rokudzidzisa nokubhabhatidza vanhu muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene. Serudzi, vaJudha vaitenda kuti chii?

VaIsraeri pavakagamuchira sungano yoMutemo iyo inowanikwa muBhaibheri, vakarayirwa kuti: “Usambova nevamwe vanamwari pamberi pangu.” (Dheuteronomio 5:7) Vanhu vangani vakanga vachitaura apa? Dheuteronomio 6:4 inotaura zvakajeka kuti: “Teerera, haiwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete,” kwete vanhu vatatu muna Mwari mumwe chete. VaIsraeri vakanga vachangobva kusunungurwa muIjipiti mainamatwa vanamwari vatatu vakadai saOsiris, Isis naHorus, vari kuratidzwa kuruboshwe. Saka vaIsraeri vakarayirwa kuti vanamate Mwari mumwe chete. Kuteerera murayiro uyu kwaikosha zvakadii? Mumwe aimbova mukuru wevanarabhi Dr. J. H. Hertz akati: “Murayiro uyu wakajeka wokunamata Mwari mumwe chete bedzi wairatidza zvakajeka kuti kunamata vanamwari vakawanda kwaisatombobvumidzwa . . . Shema inosiya dzidziso yechiKristu youtatu nokuti inopesana nokuva naMwari mumwe chete.”a

Jesu akarayirwa kuti atevedzere murayiro uyu sezvo vabereki vake vaiva vaJudha. Pashure pokunge abhabhatidzwa, akaedzwa naDhiyabhorosi uye akamupindura kuti: “Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’” (Mateu 4:10; Dheuteronomio 6:13) Pane zvinhu zvinenge zviviri zvatinodzidza panyaya iyi. Chokutanga, Satani akanga achiedza kufurira Jesu kuti anamate mumwe munhu asiri Jehovha. Saka dai Jesu anga ari iye Jehovha, muedzo waSatani waisazova nezvaunoreva. Chechipiri, Jesu paakati “ndiye oga,” akaratidza pachena kuti kunongova naMwari mumwe chete anofanira kunamatwa. Kudai kuri kuti Jehovha naJesu ndiMwari mumwe chete, Jesu angadai akashandisa shoko rokuti “ndisu.”

Vanhu pavanowana zivo yakarurama pamusoro paMwari vobva vasarudza kumushumira, vanobhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateu 28:19) Izvi zvinoreva kuti vanonzwisisa uye vanobvuma chiremera chaJehovha uye basa raJesu Kristu pakuitwa kwechinangwa chaJehovha. (Pisarema 83:18; Mateu 28:18) Vanonzwisisawo basa romudzimu mutsvene waMwari kana kuti simba rake rinoita basa.—Genesisi 1:2; VaGaratiya 5:22, 23; 2 Petro 1:21.

Dzidziso yokuti Mwari naJesu nemudzimu mutsvene ndiMwari mumwe chete yakavhiringidza vanhu kwemazana emakore. Asi Jesu akaita kuti vateveri vake vazive “Mwari wechokwadi chete,” Jehovha.—Johani 17:3.

[Mashoko Omuzasi]

a Munyengetero wevaJudha unonzi Shema unoratidza kuti Mwari haasi utatu. Munyengetero uyu unotorwa pana Dheuteronomio 6:4 uye vanoukoshesa chaizvo pakunamata pamasinagogi avo.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 23]

Musée du Louvre, Paris

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe