Ungararama Sei Nemari Shoma Pane Yawaimbotambira?
OBED ane vana vaviri. Akashanda kwemakore gumi pahotera inodhura iri mune rimwe guta guru muAfrica, uye kuriritira mhuri yake rakanga risiri dambudziko. Nguva nenguva aikwanisa kuenda nemhuri yake kunoona nzvimbo dzinochengetwa mhuka munyika iyoyo. Zvose izvi zvakapera paakapererwa nebasa nokuti makasitoma akanga ava mashoma pahotera yaaishanda.
Stephen akashanda kwemakore anopfuura 22 mune rimwe bhengi guru, akakwidziridzwa pabasa kusvikira ava nechinzvimbo chepamusoro-soro. Basa iri raiitawo kuti apiwe imba hombe, motokari, vashandi vepamba, uye kuti vana vake vaendeswe kuzvikoro zvinodhura. Zvinhu pazvakachinja mubhengi racho, Stephen akazongoona agumurwa pabasa. Stephen anoti: “Ini nemhuri yangu takashaya kuti toita sei. Ndakaora mwoyo, ndikagumbuka, uye ndakanga ndava kunetseka kuti zvino tichararama sei.”
Zvataurwa pamusoro apa zviri kuitika kune vakawanda. Kuderera mune zveupfumi munyika yose kuri kuita kuti vakawanda varasikirwe nemabasa avo akanaka. Vazhinji vakakwanisa kuwana mabasa vaitofanira kubvuma ane mari shoma pasinei nokuti mitengo iri kukwira zvakanyanya. Hapana nyika isiri kusangana nematambudziko anokonzerwa nekuderera kweupfumi, ingava yakasimukira kana isina.
Iva Neuchenjeri Hunobatsira
Kana tava kutambira mari shoma kana kuti tapererwa nebasa, zviri nyore kuti pfungwa dzedu dzitange kungofunga zvinhu zvisina kunaka. Hazviiti kuti pakadai munhu usatombonetseka zvachose. Mumwe murume akachenjera akamboti: “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.” (Zvirevo 24:10) Pane kuti tinetseke kana zvoupfumi zvisisina kumira zvakanaka, tinofanira kuedza kubatsirwa ne“uchenjeri hunobatsira” huri muShoko raMwari.—Zvirevo 2:7.
Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku remazano ezvemari, zvarinotaura panyaya dzakadaro zviri kubatsira vanhu vakawanda pasi pose. Ngatimboongororai mamwe mazano anotaurwa muBhaibheri.
Ona kuti mari yako inokwana here? Funga nezvemashoko aJesu ari pana Ruka 14:28 anoti: “Kana munhu achida kuvaka imba yake huru, haatangi agara pasi here achiverenga mari yaanayo, nokuona kuti inokwana here kana kuti haikwani?” (Bhaibheri Rinoera) Pfungwa iyi inoreva kuti unofanira kuva nebhajeti uye kusachinja zvamakaronga pabhajeti yacho. Asi Obed anobvuma kuti izvi hazvisi nyore. Anoti: “Ndisati ndapererwa nebasa, nguva zhinji pataitenga zvinhu taingokumba nezvimwe zvisingakoshi. Hatina kumbobvira tava nebhajeti nekuti taiva nemari yaikwana kutenga chero zvatangoda.” Saka kugara wakaronga bhajeti kuchaita kuti mari shoma iripo ishandiswe pazvinhu zvinokosha zvinodiwa nemhuri.
Chinja mararamiro ako. Kurarama nezvinhu zvishoma kupfuura zvawaimbowana hakusi nyore, asi unotofanira kuzviita. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Munhu akangwara anovanda kana aona njodzi.” (Zvirevo 22:3, Bhaibheri Rinoera) Stephen anoti: “Kuti tichengetedze mari, takatamira kuimba yedu duku yaiva isina kunyatsopera mukati. Takachinjira vana kuzvikoro zvakanga zvisingadhuri asi zvaipa dzidzo yakanaka.”
Kuti mukwanise kuchinja mararamiro enyu zvinoda kuti semhuri mutaurirane muchibudirana pachena. Austin uyo akashanda mubhengi kwemakore 9 asati apererwa nebasa, anoti: “Ndakagara pasi nemudzimai wangu tikanyora pasi zvinhu zvinonyatsokosha zvataida. Taifanira kurega kutenga zvokudya zvinodhura, kurega kuenda kunzvimbo dzokunovhakacha dzinodhura uye kusatenga hembe itsva zvokungoti tadzionerei. Ndinofara chaizvo kuti mhuri yedu yakaisa misoro pamwe pataiedza kuchinja mararamiro edu.” Ichokwadi kuti vana vangasanyatsonzwisisa kuti sei muri kuchinja zvinhu, asi sevabereki munogona kuvabatsira kuti vazvinzwisise.
Usaramba kuita mamwe mabasa. Kana wakajaira mabasa emuhofisi, unogona kufunga kuti haungambokwanisi kuita mabasa emaoko. Austin anoti: “Zvakanga zvakandiomera kubvuma kuita mabasa epasi ini ndakanga ndajaira kuva maneja mukambani yakakura.” Izvi hazvishamisi nekuti Bhaibheri pana Zvirevo 29:25 rinoti: “Kutya munhu ndiko kunounza musungo.” Kugara uchinetseka kuti vamwe vanhu vachatii hakuiti kuti uwane mari yekuriritira mhuri yako. Chii chingakubatsira kuti usava nemafungiro akadaro asina kururama?
Kuzvininipisa ndiwo mushonga. Obed paakapererwa nebasa pahotera, akadaidzwa nemumwe waakamboshanda naye aiva negaraji rake kuti vashande vose. Basa iri raisanganisira kufamba netsoka madaro akareba mumigwagwa isina tara achinotsvaka pendi yemotokari nezvimwe zvaidiwa pakugadzira motokari. Obed anoti: “Basa iri rakanga risingandinakidzi uye ndaiona sokuti zvinhu hazvaizombofa zvakachinja. Kuzvininipisa kwakandibatsira kuti ndiite basa rine mari shoma shoma kudarika yandaimbotambira asi raiita kuti ndiriritire mhuri yangu.” Iwe unogona kubatsirwawo here nemaonero akadaro?
Gutsikana. Rimwe duramazwi rinotsanangura munhu anogutsikana souya asinganyanyi kushushikana uye “anofara nezvinenge zvichiitika.” Tsanangudzo iyi ingaita seisingashandi kumunhu ane dambudziko remari. Asi funga nezvemashoko emuapostora Pauro, mumishinari aiziva kuti kushayiwa kuita sei paakati: “Ndakadzidza kugutsikana, mumamiriro ezvinhu ose andinenge ndiri. Chokwadi ndinoziva zvazvinoreva kuva nezvinhu zvishoma, chokwadi ndinoziva zvazvinoreva kuva nezvizhinji.”—VaFiripi 4:11, 12.
Zvinhu zvinogona kunge zvichitifambira zvakanaka iye zvino, asi munguva ino yatiri kurarama upenyu hunogona kungoerekana hwachinja. Tinogona kubatsirwa kana tikaisa pfungwa dzedu pazano iri rakafemerwa Pauro rokuti: “Chokwadi, kuzvipira kuna Mwari uku pamwe chete nokugutsikana inzira inopfumisa kwazvo. Naizvozvo, kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” Pauro akanga asingakurudziri hake kuva neusimbe, asi aireva kuti tisanyanyisa kukoshesa zvinodiwa pakurarama.—1 Timoti 6:6, 8.
Kunobva Mufaro Wechokwadi
Kuunganidza zvinhu zvakawanda kana kuti kuva neupenyu hwemutambarakede hakusi iko kunoita kuti munhu anyatsofara. Jesu ndiye akataura mashoko aya okuti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” Ichokwadi kuti tinofara uye tinogutsikana kana tikashandisa zvatinazvo kubatsira vamwe uye kuvakurudzira.—Mabasa 20:35.
Musiki wedu, Jehovha Mwari, anonyatsoziva zvose zvatinoda. Anoshandisa Shoko rake Bhaibheri kutipa mazano ayo ari kubatsira vakawanda kuti vavandudze upenyu hwavo uye kuti vasanetseka nezvinhu zvisinganyanyi kukosha. Ndizvo hazvo kuti kushandisa mazano aya hakuzoiti kuti matambudziko emari angoerekana apera. Asi Jesu akavimbisa kuti vanhu vanoramba vachitanga “kutsvaka umambo nokururama” kwaMwari vaizowana zvinhu zvinokosha zvinodiwa pakurarama.—Mateu 6:33.