Zviri Mukati
December 15, 2013
© 2013 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
NYAYA DZICHADZIDZWA
FEBRUARY 3-9, 2014
Musakurumidza “Kuzununguswa Pakufunga Kwenyu”!
PEJI 6 • NZIYO: 65, 59
FEBRUARY 10-16, 2014
Uchapa Zvibayiro Zvokutsigira Umambo Here?
PEJI 11 • NZIYO: 40, 75
FEBRUARY 17-23, 2014
‘Ichi Chichava Chiyeuchidzo Kwamuri’
PEJI 17 • NZIYO: 109, 18
FEBRUARY 24, 2014–MARCH 2, 2014
PEJI 22 • NZIYO: 99, 8
NYAYA DZOKUDZIDZA
▪ Musakurumidza “Kuzununguswa Pakufunga Kwenyu”!
Zvinokosha chaizvo kuti tisanyengerwa nezvinhu zvenhema kana kuti zvinofungidzirwa nevanhu. Mutsamba yokutanga neyechipiri dzakanyorerwa vaTesaronika tinowana nyevero dzinotibatsira mazuva ano.
▪ Uchapa Zvibayiro Zvokutsigira Umambo Here?
Zvinotoda kuzvipira chaizvo kuti basa roUmambo rienderere mberi. Munyaya ino tichawana zvidzidzo kubva pazvibayiro zvaipiwa nevaIsraeri kare. Tichakurukurawo mienzaniso yevakawanda vari kupa zvibayiro zvokutsigira Umambo mazuva ano.
▪ ‘Ichi Chichava Chiyeuchidzo Kwamuri’
▪ ‘Itai Izvi Muchindiyeuka’
Panenge panguva imwe chete yegore, vaJudha vanopemberera Paseka uye vaKristu vechokwadi vanochengeta Chirangaridzo cherufu rwaJesu. Nei tichifanira kuziva nezvePaseka? Tinoziva sei musi unofanira kuchengetwa Kudya kwaShe Kwemanheru uye nei tose tichifanira kukoshesa chiitiko ichocho?
KAVHA: Hazvisi nyore kuenda kunoparidzira vanhu vanogara kure nakure munzvimbo ine makomo aya, mamwe acho ane mazitombo anenge akaturikidzana. Asi hama dziri kusvika munzvimbo iyi kuMatobo Hills, kuMatabeleland, muZimbabwe
ZIMBABWE
VAGARI VEMO:
12 759 565
VAPARIDZI:
40 034
VANODZIDZA BHAIBHERI:
90 894
Vanhu vari muZimbabwe vanofarira kuverenga mabhuku edu. Paavhareji, muparidzi mumwe nomumwe anogovera magazini anenge 16 pamwedzi