RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 11/15 p. 13
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Hondo yeJeriko—Ingano Kana Kuti Idi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Testamente Yekare” Yakavimbika Zvakadini?
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Vimba neMutungamiriri Wedu—Kristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 11/15 p. 13
Vapristi vachiridza nyanga dzemakondohwe, Joshua achishevedzera, uye rusvingo rweJeriko rwuchitanga kukoromoka

MIBVUNZO INOBVA KUVAVERENGI

Uchapupu hupi huripo hwekuti guta rekare reJeriko harina kukombwa kwenguva yakareba kuti rizokundwa?

Maererano naJoshua 6:10-15, 20, masoja evaIsraeri aifora achitenderera guta reJeriko kamwe chete pazuva kwemazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe, vakatenderera guta racho kanomwe, uye Mwari akaita kuti masvingo eJeriko akanga akakura, akoromoke. Izvi zvakaita kuti vaIsraeri vakwanise kupinda muguta reJeriko vachibva varikunda. Zvii zvakawanikwa nevanochera matongo zvinotsigira Bhaibheri kuti Jeriko rakakombwa kwenguva pfupi?

Munguva dzekare, masoja aiwanzokomba guta raiva nemasvingo kuti arirwise. Guta paraikombwa kwenguva refu, vanhu vaiva muguta racho vaishandisa chikafu chakawanda chavainge vakachengeta zvokuti paiwanzosara chishoma. Masoja paaikunda, aibva atora zvese zvaaida kusanganisira chikafu. Zvisinei, vanochera matongo vakawana muJeriko muine chikafu chakawanda. Nezvenyaya iyi magazini inonzi Biblical Archaeology Review yakati: “Kuwedzera pamidziyo yevhu, zviyo zvakawanda zvakawanikwa munzvimbo yaimbova neguta reJeriko rekare. . . . Vanochera matongo muPalestine vakanyora kuti izvi zvaisawanzoitika. Zvichida mudziyo mumwe chete kana kuti miviri yezviyo inogona kuwanika, asi hazviwanzoitiki kuti pawanikwe zviyo zvakawanda.”

Maererano nenhoroondo yemuMagwaro, vaIsraeri vakanga vaine chikonzero chakanaka chekuti vasatore zviyo muJeriko. Jehovha akanga arayira kuti vasaite kudaro. (Josh. 6:17, 18) VaIsraeri vakarwisa guta reJeriko vanhu vachangobva kukohwa, zviyo pazvainge zvakawanda. (Josh. 3:15-17; 5:10) Kuwanikwa kwakaitwa zviyo zvakawanda muJeriko kunoratidza kuti vaIsraeri vakakomba guta racho kwenguva pfupi sezvinotsanangurwa neBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe