RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w17 March p. 32
  • Zita remuBhaibheri Pachirongo Chekare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zita remuBhaibheri Pachirongo Chekare
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Zita raMwari Mukati Mamazera
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Zita raMwari Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
w17 March p. 32
Mabhii echiKenani ari pachirongo chevhu chine makore 3 000 anoratidza zita remuBhaibheri

Zita remuBhaibheri Pachirongo Chekare

Chirongo chevhu chine makore 3 000

Muna 2012, nyanzvi dzinoongorora matongo dzakachera dzikawana zvimedu zvidiki zvechirongo chine makore 3 000. Vatsvakurudzi vakafara chaizvo. Chii chakaita kuti vafare? Zvainge zvakanyorwa pazvimedu zvacho ndizvo zvakavafadza.

Nyanzvi dzinoongorora matongo padzakazokwanisa kubatanidza zvimedu zvacho, dzakakwanisa kuverenga mabhii echiKenani aiva pachirongo chacho. Chainge chakanyorwa kuti: “Eshba’al Ben Beda,” zvinoreva kuti “Eshbhaari mwanakomana waBhedha.” Aka ndekekutanga kuti nyanzvi dzinoongorora matongo dziwane zita iri rakanyorwa pachinhu chekare.

Zita rekuti Eshbhaari rinowanikwawo muBhaibheri. Mumwe wevanakomana vaMambo Sauro aiva nezita iroro. (1 Mak. 8:33; 9:39) Purofesa Yosef Garfinkel uyo aivapowo pakawanikwa chirongo chacho akati: “Zita rekuti Eshbhaari rinowanika muBhaibheri uye rava kuwanikwawo muzvinyorwa zvevanoongorora matongo. Zvese izvi zvinoratidza kuti zita iroro nderepanguva yaitonga Mambo Dhavhidhi.” Vamwe vanoti zita iroro raingoshandiswa panguva iyoyo chete. Uyu ndemumwe muenzaniso unoratidza kuti zvakawanika pakuongorora matongo zvinotsigira sei Bhaibheri.

Mune dzimwe ndima dzeBhaibheri, zita rekuti Eshbhaari rinonziwo Ishi-bhosheti. Chikamu chinoti “bhaari” chakatsiviwa nechinoti “bhosheti.” (2 Sam. 2:10) Nei zvakadaro? Vatsvakurudzi vanotsanangura kuti: “Mubhuku rechipiri raSamueri angangodaro akarega kushandisa zita rekuti Eshbhaari nekuti raiyeuchidza vaIsraeri nezvaBhaari, mwari wekunayisa mvura ainamatwa nevaKenani. Asi mubhuku rekutanga raMakoronike tinowana zita rekuti Eshbhaari.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe