RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp18 nha. 2 p. 3
  • Kutaura Zvichaitika Mune Ramangwana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutaura Zvichaitika Mune Ramangwana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Chokuti Uvimbe Nouprofita hweBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Uprofita Hwakazadzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Kutsvaka Kufanotaurirwa Zvichazoitika Zvinovimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Pane Anoziva Nezveramangwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
wp18 nha. 2 p. 3
Murume ari kutaura zvichange zvakaita mamiriro ekunze

Kutaura Zvichaitika Mune Ramangwana

Unombonetseka here uchifunga kuti ramangwana rako neremhuri yako richange rakaita sei? Unofunga kuti zvinhu zvichange zvichikufambira here kana kuti uchatambura? Uchararama kwemakore akawanda here kana kuti mashoma? Vanhu vava nezviuru zvemakore vachifunga nezvemibvunzo iyi.

Mazuva ano kune nyanzvi dzinoongorora zvinhu zviri kuitika pasi rese dzoedza kufungidzira zvichange zvakaita ramangwana. Zvakawanda zvavakataura zvakaitika, asi zvimwe hazvina. Semuenzaniso, muna 1912, Guglielmo Marconi uyo akatanga kugadzira telegraph inoshandisa masaisai akati: “Kushandiswa kuchaitwa masaisai kuchaita kuti kusazovazve nehondo.” Muna 1962, mumwe mushandi wekambani inonzi Decca Record akaramba kutsikisa nziyo dzechikwata cheBeatles achiti zvekuridza magitare zvainge zvava kubuda mufashoni.

Vamwe vanoenda kun’anga kuti vaudzwe ramangwana ravo. Vamwe vanotsvaga mazano kune vanoongorora nyeredzi; mabhuku nemapepanhau akawanda anogara achibudisa chikamu chinotaura nezvenyeredzi chinonzi horoscope. Vamwe vanoenda kuvafamberi avo vanoti vanogona kududzira makadhi, manhamba uye mitsetse iri muruoko.

Kare vamwe vaienda kunobvunza vapristi. Vapristi vacho vaiti vane zvavaiudzwa navanamwari vavo. Semuenzaniso, Mambo Croesus wekuRidhiya anonzi akatumira zvipo zvakawanda kumupristi aiva kuDelphi, muGreece, achida kuziva kuti aizohwina here kana akarwisa mambo wePezhiya. Mupristi wacho akati Croesus ‘aizoparadza umambo hune simba.’ Croesus akaenda kuhondo achiti ari kunohwina nepo umambo hwake ndihwo hwakazoparadzwa!

Mupristi uyu haana zvaakabatsira; matauriro aakaita haana kuratidza pachena kuti umambo hwaani hwaizoparara. Croesus akarasikirwa nezvinhu zvakawanda nekuti akafunga zvisiri izvo panyaya yekuti aizokunda ndiani. Izvi handizvo here zviri kuitika kune vakawanda vari kutsvaga kuudzwa ramangwana ravo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe