RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 5/1 pp. 4-7
  • Pane Anoziva Nezveramangwana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pane Anoziva Nezveramangwana Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MWARI ANOBUDIRIRA ZVAKADINI?
  • KUSIYANA KWEUPROFITA HWAMWARI NEZVINOFANOZIVISWA NEVANHU
  • RAMANGWANA RAKO
  • Ndiani Angaziva Remangwana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Jehovha—“Mwari Wakarurama noMuponesi”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Nhungamiro Yakavimbika Yenguva Yemberi
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 5/1 pp. 4-7
Amai vari kubatsira mwanasikana wavo basa rokuchikoro

NYAYA IRI PAKAVHA

Pane Anoziva Ramangwana Here?

Tose tinofunga nezveramangwana. Tinoda kuziva kuti upenyu hwedu uye hwevaya vatinoda huchange hwakaita sei. Tinobvunza mibvunzo yakadai sekuti: ‘Vana vangu vachararama munyika iri nani here? Pachaitika njodzi ichaparadza nyika yose here? Pane here zvandingagadzirisa iye zvino kuti ndive neramangwana riri nani?’ Tagara tiine chido chokuziva kuti zvinhu zvichafamba sei uye tinoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka, tisina chekutya. Kudai waizonyatsoziva kuti ramangwana rakamira sei, waizogadzirira zvose zvinodiwa.

Saka ramangwana rako rakamira sei? Pane angaziva here? Nyanzvi dzinombobudirira padzinoedza kutaura zvichaitika asiwo kakawanda dzinokundikana. Asi zvinonzi Mwari anogona kufanozivisa zvichaitika sezvazviri chaizvo. Shoko rake rinoti: ‘Ndinozivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.’ (Isaya 46:10) Ange achibudirira zvakadini?

MWARI ANOBUDIRIRA ZVAKADINI?

Nei uchifanira kufarira kuzadzika kweuprofita hwaMwari hwekare? Hapana mubvunzo kuti waizokangwa mate mukanwa kudai waizoona kuti mumwe munhu anozivisa nezvemamiriro ekunze anogara achibudirira zuva rimwe nerimwe, kwenguva yakareba. Zvimwe waizoteerera zvaanotaura nezveramangwana. Saizvozvowo, kudai waizoziva kuti Mwari ava nenguva achibudirira zvikuru pakuzivisa zvichaitika, hapana mubvunzo kuti waizofarira kuziva zvaanotaura nezveramangwana rako.

Rusvingo rwakazovakwazve rweNinivhi, guta rakanga ramboparadzwa

Rusvingo rwakazovakwazve muungwanda-ngwanda hweNinivhi yekare

KUPARADZWA KWEGUTA GURU:

Somuenzaniso, chaisazova chinhu chokutamba nacho kufanozivisa nemazvo kuti guta rakakura, rava nemazana akawanda emakore riine simba, richaparara nokukurumidza. Mwari akaita izvozvo chaizvo, paakafanozivisa achishandisa muprofita wake, kuti guta reNinivhi raizoparadzwa. (Zefaniya 2:13-15) Vanyori venhoroondo dzekare vanotii? Pashure pemakore anenge 15 kubva pakaziviswa naMwari, mumakore ekuma600 B.C.E., vaBhabhironi nevaMedhiya vakarwisa, ndokuparadza Ninivhi. Mwari akafanotaurawo zvakajeka kuti Ninivhi yaizova “dongo, nzvimbo isina mvura sezvakaita renje.” Mashoko aya akazozadzika here? Hongu. Kunyange zvazvo guta racho nedzimba dzaro raigona kunge rakakura maeka anenge 128 000 (518km2), vapambi vacho havana kuchengetedza uye kushandisa guta racho, sezvaigona kutarisirwa.Vakariparadza. Pane nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika yaigona kufanotaura zviitiko zvakadaro nemazvo here?

MAPFUPA EVANHU ACHATSVA:

Ndiani aizoshinga kuzivisa pachine makore 300, zita chairo uye dzinza remurume aizopisa mapfupa evanhu paatari, uye zita reguta raizova neatari yacho? Kudai mashoko akadaro aizozadzika, zvaizoita kuti munhu akaataura ave nemukurumbira. Munhu aitaura achimiririra Mwari akazivisa kuti: “Imba yaDhavhidhi ichaberekerwa mwanakomana, achatumidzwa kuti Josiya . . . , uye achapisira mapfupa evanhu” paatari mutaundi reBheteri. (1 Madzimambo 13:1, 2) Pashure pemakore anenge 300, mudzinza raDhavhidhi makazova namambo ainzi Josiya, zita risingataurwi kakawanda muBhaibheri. Sezvakafanotaurwa chaizvo, Josiya “akatuma vanhu vakatora mapfupa mumakuva macho, akaapisira paatari” yaiva muBheteri. (2 Madzimambo 23:14-16) Munhu aizogona sei kunyatsodonongodza mashoko akadaro pasina simba rinopfuura revanhu?

Uto raKoreshi riri kupinda nepamagedhi akavhurika sezvakafanotaurwa nemuprofita Isaya

Vaprofita vemuBhaibheri vakafanotaura chaizvo zvakazoitika pakuparadzwa kweBhabhironi

KUGUMA KWEUMAMBO:

Zvaizoshamisa chaizvo kudai munhu aizokwanisa kufanotaura pachine nguva refu, zita remunhu aizoberekwa, uye kuzivisa kuti munhu wacho aizoronga kukunda umambo hune simba munyika yose, uye kutaura nzira isina kujairika yaizoshandiswa nemunhu wacho kuti akunde. Mwari akazivisa kuti murume ainzi Koreshi aizotanga hondo, okunda imwe nyika. Koreshi iyeye aizosunungurawo nhapwa dzechiJudha uye aizotsigira basa rokuvakazve temberi tsvene yevaJudha. Mwari akataurawo kuti nzira yaizoshandiswa naKoreshi pakurwisa yaizosanganisira kuomesa nzizi uye akaratidza kuti magedhi aizosiyiwa akavhurika, zvoita kuti kukunda kwacho kuve nyore. (Isaya 44:27–45:2) Mashoko ose akataurwa muuprofita hwaMwari uhwu akazadzika here? Vanyori venhoroondo dzekare vanobvuma kuti nyaya yokuti Koreshi akakunda ndeyechokwadi. Uto raKoreshi rakashandisa unyanzvi hunoshamisa hwekutsausa mumwe wemigero yemvura yemuBhabhironi, zvikaita kuti nzizi dziome. Uto racho rakabva rapinda muguta nepamagedhi akanga asiyiwa akavhurika. Pashure peizvi, Koreshi akasunungura vaJudha, ndokuzivisa kuti vaigona kuvakazve temberi yavo muJerusarema. Izvozvo zvaishamisa nokuti Koreshi akanga asinganamati Mwari wevaJudha. (Ezra 1:1-3) Ndiani mumwe kunze kwaMwari aizogona kufanozivisa zvinhu zvakadaro nemazvo?

Tataura mienzaniso mitatu inoratidza kuti Mwari akabudirira sei kufanotaura zvinhu chaizvo zvakazoitika. Izvi handizvo zvega. Joshua, uyo aiva mutungamiriri wevaJudha akataura chokwadi chainyatsozivikanwa nevateereri vake vainge vakawanda, chokuti: “Munonyatsoziva nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose kuti hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.” (Joshua 23:1, 2, 14) Vateereri vaJoshua vaisagona kuramba chokwadi chekuti uprofita uye vimbiso dzaMwari zvinozadzika. Asi Mwari anozviita sei? Maitiro aMwari akasiyana neevanhu zvikuru. Zvinokosha kuti uzive kusiyana kwacho nokuti Mwari akazivisa zvinhu zvakakura zvichaitika munguva pfupi iri pedyo izvo zvichava nezvazvichaita kwauri.

KUSIYANA KWEUPROFITA HWAMWARI NEZVINOFANOZIVISWA NEVANHU

Fungidziro dzevanhu dzinowanzobva pakuongorora zviri kuitika, zvesayenzi, uye pane zvinotaurwa nevanozviti vane simba rokuziva remangwana. Kana vangozivisa fungidziro dzavo, hapana zvimwe zvavanozogona kuita kunze kwekungomirira kuti vaone zvichaitika.—Zvirevo 27:1.

Mwari akasiyana nevanhu nokuti anoziva zvose. Anonyatsoziva zvakaita vanhu uye mafungiro avo; saka anogona kuziva chaizvo zvichaitwa nemunhu mumwe nemumwe kana kuti nerudzi rwese, kana akasarudza kuita izvozvo. Asi Mwari anogona kuita zvinopfuura izvozvo. Anogona kutoita zvinoita kuti zvaanenge ataura zviitike. Anoti: ‘Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu harizodzoki kwandiri risina zvaraita, uye richabudirira pane zvandinoritumira.’ (Isaya 55:11) Tinogona kungoti zvimwe zviprofita zvaMwari zvinenge zvichingotizivisa zvinhu zvaachaita. Anovimbisa kuti zvose zvichaitika.

RAMANGWANA RAKO

Pane here mashoko akavimbika anozivisa nezveramangwana rako nemhuri yako? Kana ukafanoziva nezvedutu riri kuuya, unogona kutora matanho ekuti upone. Unogonawo kuita saizvozvo neuprofita hweBhaibheri. Mwari akazivisa kuti kune zvinhu zvakawanda zvichachinja panyika munguva pfupi iri pedyo. (Ona bhokisi rakanzi “Zvakaziviswa naMwari Nezveramangwana.”) Ramangwana iri rakasiyana nezvinotaurwa nedzinonzi nyanzvi dzinodudzira ramangwana.

Tinogona kungoti: Zvichaitika munyika ino zvinozivikanwa. Zvakatonyorwa nechekare, uye unogona kutoziva kuti chii chichaitika pakupedzisira. Mwari akazivisa kuti: “[Ndiri] kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, . . . Zvandakaronga zvichamira, uye ndichaita zvinhu zvose zvandinofarira.” (Isaya 46:10) Iwe nemhuri yako munogona kuva neramangwana rakanakisisa. Bvunza Zvapupu zvaJehovha nezvezvimwe zvichaitika zvinotaurwa muBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha hazvisi vafemberi; hazvitauri kuti zvinonzwa manzwi asinganzwisisiki kana kuti zvine masimba okufanotaura zvichaitika. Zvinodzidza Bhaibheri uye zvinogona kukuudza zvinhu zvakanaka zvauri kurongerwa naMwari mune ramangwana.

Kuongorora uprofita hweBhaibheri kunotidzidzisa zvimwe zvinhu zvinofadza nezvaMwari. Mwari anotiudza zvaanoda, achitiratidza kuti anoda vanhu chaizvo. Anotiratidza kuti ane hanya chaizvo neramangwana redu. Chokwadi ndechokuti anoda kuti tirarame kuti tizoona ramangwana rakanaka.

Zvakaziviswa naMwari Nezveramangwana

Maoko ari kubva kudenga ari kuratidza vanhu vanoteerera nzira inovaendesa kune ramangwana riri nani panyika yakanaka
  • Kusiyana nezvinotaurwa nevaprofita vanotaura nezvekuguma kwenyika, Mwari anotivimbisa kuti pasi redu harisi kuzomboparadzwa.—Pisarema 104:5; Muparidzi 1:4.

  • Vanhu vachange vari mubishi rokuparadza nyika, Mwari paachabva avaparadza.—Pisarema 92:7; Zvakazarurwa 11:18.

  • Mwari ari kuona kuti zvitendero zvakawanda zviri kudzidzisa nhema nezvake uye hazvitevedzeri Bhaibheri, uye achazviparadza.—Zvakazarurwa 18:4-9.

  • Vanhu vakaipa vasingateereri havasi kuzoparadzwa nevanhu kana kuti nenjodzi dzinongoitika dzoga, asi vachaparadzwa nehurumende yaMwari yekudenga. “Nguva yemberi yevanhu vakaipa ichagumiswa.”—Pisarema 37:10, 38; Dhanieri 2:44.

  • Mwari achachengetedza vanhu vaanofarira, uye vachagara panyika yakanaka. “Cherechedza munhu asina chaanopomerwa, urambe uchiona munhu akarurama. Nokuti nguva yemberi yomunhu iyeye ichava norugare.”—Pisarema 37:11, 37; Zvakazarurwa 21:3, 4.

  • Mwari anotsanangura nemutsa achishandisa Bhaibheri zvaungaita kuti akufarire uye kuti ugone “kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika.”—Ruka 21:36; Johani 17:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe