RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp19 nha. 2 pp. 4-5
  • Kana Pakaitika Njodzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Pakaitika Njodzi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUZIVA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI KUNOTIPA TARIRO
  • Wakagadzirira Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kunetseka Kuchapera!
    Mukai!—2001
  • Zvaungaita Kuti Utsungirire Paunenge Uchizvidya Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
wp19 nha. 2 pp. 4-5
Varume vaviri vakagara paimba yaparadzwa nenjodzi

Kana Pakaitika Njodzi

Andrew, wekuSierra Leone anoti: “Pakutanga takapererwa. Zvese zvataiva nazvo zvakaparadzwa nemadhaka aiyerera achibva mugomo uye nemafashamo.”

David, wekuVirgin Islands anoti: “Dutu parakapera takabva tadzokera kumba. Takawana rangova giraundi. Takapererwa. Mwanasikana wangu akabva atanga kuchema.”

KANA wakambowirwa nenjodzi unogona kunzwisisa zvinhu zvinoitika kuvanhu vanenge vawirwa nenjodzi. Zvimwe zvacho zvinosanganisira kuvhunduka, kutadza kuzvibvuma, kuvhiringidzika, kuora mwoyo uye kuvhumuka paunenge wakarara. Vakawanda vanopona padutu vanosara vasisina tariro uye vava kuona sekuti hapana chekuraramira.

Kana wakarasikirwa nezvinhu zvako zvese pamusana penjodzi yakaitika, zvimwe unombonzwawo sekuti hauchagoni kutsungirira kana kuti hapana chikonzero chekurarama. Asi Bhaibheri rinoti upenyu hwako hunokosha uye kuti unogona kuva netariro yeramangwana.

KUZIVA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI KUNOTIPA TARIRO

Muparidzi 7:8 inoti: “Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo.” Kana uchangobva kuwirwa nenjodzi, unogona kuona sekuti hapana chekuraramira. Asi zvishoma nezvishoma uchatanga kuona zvinhu zvichichinja.

Bhaibheri rinoti ichasvika nguva yekuti pachange pasisina ‘inzwi rekuchema kana kuti kutambura.’ (Isaya 65:19) Izvi zvichaitika kana nyika yava paradhiso, Umambo hwaMwari pahuchange hwava kutonga. (Pisarema 37:11, 29) Kuchange kusisina njodzi. Ndangariro dzese dzinorwadza dzichabviswa zvachose nekuti Mwari Wemasimbaose anovimbisa kuti: “Zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”​—Isaya 65:17.

Unozivei? Musiki wedu akakurongera ramangwana rine tariro, paachange ava kutonga pasi rese. (Jeremiya 29:11) Kuziva izvi kunogona kukubatsira kuti uone kuti une chikonzero chekurarama. Sally ambotaurwa munyaya yekutanga, anoti, “Kugara uchiyeuka zvinhu zvakanaka zvatinovimbiswa neUmambo hwaMwari kunogona kukubatsira kuti usaramba uchizvidya mwoyo nezvakaitika kare.”

Tinokukurudzira kuti udzidze zvakawanda zvinovimbiswa neUmambo hwaMwari. Kuita izvi kuchakubatsira kuti uve nechokwadi chekuti pasinei nedambudziko rawakasangana naro, uchine chikonzero chine musoro chekuti urarame. Iye zvino, Bhaibheri rinogona kukubatsira kuziva zvaungaita kuti urarame nedambudziko rako. Inzwa zvimwe zvacho.

Mavhesi Anogona Kukubatsira

Nyatsowana nguva yekuzorora.

“Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”​—Muparidzi 4:6.

Vezveutano vakaona kuti kana munhu akawirwa nenjodzi asi “oshaya nguva yakakwana yekurara, kazhinji kacho zvinogona kukonzera matambudziko eutano.” Saka zvakakosha kuti unyatsowana nguva yekuzorora.

Udza mumwe munhu zviri kukunetsa.

“Kuzvidya mwoyo kuri mumwoyo momunhu ndiko kuchaukotamisa [kana kuti kunouremedza], asi shoko rakanaka ndiro rinoita kuti ufare.”​—Zvirevo 12:25.

Taura nemumwe munhu waunovimba naye, angava wemumhuri kana kuti shamwari. Vanhu ava havangogumiri pakukuteerera chete, asi vanotokukurudzira nekukupa mazano.a

Funga nezveramangwana zvinhu pazvinenge zvanaka.

‘Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvakapikirwa naMwari, uye kururama kuchagara mazviri.’​—2 Petro 3:13.

a Kana munhu ava nenguva yakareba achizvidya mwoyo zvakanaka kuti ambonoonekwa nachiremba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe