RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/06 pp. 5-6
  • Urongwa Hwedu Huri Nyore Hwokugovera Mabhuku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Urongwa Hwedu Huri Nyore Hwokugovera Mabhuku
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Mabhuku Edu Nokuchenjera
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Rinowanirwa Mari Sei Rose?
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 3/06 pp. 5-6

Urongwa Hwedu Huri Nyore Hwokugovera Mabhuku

1. Kubvira muna November 2005, tave tichiita sei pakugovera mabhuku edu kune vanhu munyika ino, uye nei tichidaro?

1 Urongwa huri nyore hwokugovera mabhuku pasina kutaura mari hwave huripo iye zvino kwemakore matanhatu. Uyezve kubvira muna November 2005, takaudzwa kuti tisataura nezvourongwa hwemari yezvipo pakushanya kwokutanga muno muZimbabwe pamusana pokuti mitemo yomuno yemitero haibvumidzi kuti tikumbire chero chinhu zvacho kune munhu pamabhuku anenge apinda munyika ino pasina kubhadhara juti. Urongwa uhwu hwave huchibudirira here? Mishumo yebasa romumunda inoratidza kuti zvinhu zvose zvinogoverwa zvakawedzera. Kutaura zvazviri, mamiriyoni evanhu ari kupiwa mukana ‘wokuuya kuti atore mvura youpenyu asingatengi.’—Zvak. 22:17.

2. Nei tisingafaniri kungopa mabhuku edu zvachero kune vanhu? (Enzanisa naMateu 7:6.)

2 Zvisinei, hatimanikidzirwi, uye hachisi chido chedu kuti tingopa mabhuku edu chero munhuwo zvake achaagamuchira. Sokushandisa kwatinongoita zvinhu zvedu nokuchenjera, mumwe nomumwe wedu anofanira kushandisa nokuchenjera mabhuku aanowana asingabhadhari achibva kuhofisi yebazi ouya kungano. Zvisinei, pfungwa yokuti sangano rinoita kuti mabhuku awanike nevaparidzi pasina kubhadhara mari, zvechokwadi hairevi hayo kuti hapana mari inoshandiswa mukugadzirwa nomukuparadzirwa kwawo. Vanhu vose vanofanira kuonga chaizvo kukosha kwemabhuku mukubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka pakutsvaka kwavo zivo yakarurama yaJehovha Mwari noMwanakomana wake Jesu Kristu.—Joh. 17:3.

3. Mari yokudhinda uye yokuparadzira mabhuku edu inobva kupi uye izvozvi zvinoita kuti mumwe nomumwe wedu aitei?

3 Ko hofisi yebazi inozviita sei kuti ipe mabhuku kuvanhu vose pasina kubhadharisa mari? Mari inoshandiswa mukugadzirwa uye kuparadzirwa kwawo inobva kumari yezvipo. Vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira ndivo vanonyanya kutsigira. Zvapupu zvaJehovha hazvina kumbotarisira kuti vanhuwo zvavo vatsigire iri basa rokuzivisa Umambo rinofanira kukurumidza kuitwa. Hatina kumbotsvaka mari kune vanhu, uye hatisi kuitsvaka iye zvino.—2 VaK. 2:17.

4. Urongwa hwokugovera mabhuku hunoda kuti muparidzi mumwe nomumwe aitei?

4 Kusarudza Kuti Wopa Bhuku Here Kana Kuti Kwete: Kuti urongwa uhwu hubudirire, zvakawanda zvinobva pamano ako okuona munhu ari kufarira zvepachokwadi. Kufarira kwakadaro kungaonekwa sei? Kuda zvikuru kukurikurirana newe chingava chiratidzo chakanaka chokuti munhu wacho anofarira. Kutaura newe achikuremekedza, somuvakidzani ane ushamwari, zvingaratidza unhu hwakanaka. Kutarisawo muBhaibheri paunenge uchiverenga kungareva kuti anoremekedza Shoko raMwari. Mhinduro yakanaka ingaratidzawo kuti anofarira. Kufarira kwakadaro nomwoyo wose pakunenge kwaonekwa, zvimwe munhu wacho achashandisa zvakanaka mabhuku api neapi aanowana. Chokwadi, muparidzi anofanira kuona kana saimba achifanira kupiwa bhuku kwete kuti saimba angofarirawo zvokuti apiwe chimwe chinhu mahara.

5. Chii chinofanira kuitwa kana saimba akaratidza kuti haanyatsofariri zvokuti tingamusiyira bhuku?

5 Patinotaura nevanhu tiine chinangwa chokuvapupurira, tinofanira kunge takanyatsogadzirira kukurukura nyaya yeBhaibheri navo. Sumo dzakasiyana-siyana dzinonakidza, pamwe chete nenyaya dzakawanda dzakakodzera dzeBhaibheri, dzinowanika mubhuku raKurangarira muMagwaro. Kana kuti tingashandisa misoro yokutanga kukurukurirana yakarongwa papeji yokupedzisira yoUshumiri Hwedu hwoUmambo. Zvichibva pakuti munhu wacho anenge ati chii nezvemashoko oUmambo, muparidzi anofanira kusarudza kuti oenderera mberi sei maererano nokugovera mabhuku. Kana uchiona kuti munhu wacho haanyatsofariri zvokuti ungamupa bhuku kana kuti chimwe chinhu, ungarega kukurukurirana naye nokungwarira woenda kunotaura nomumwe munhu. Kana kuti ungada kumusiyira hendibhiri kana turakiti kana munhu wacho achivimbisa kuti achaverenga mashoko acho. Iva nechokwadi chokucherechedza kana afarira kuitira kuti ugozoshanyazve. Izvozvo zvingaitwa pamunenge musina nguva yakakwana yokunyatsokurukurirana nomunhu nokuti ane zvaari kuita kana kuti nguva yatauya haina kukodzera.

6. Zvapupu zvaJehovha zvakasiyana papi nemasangano anoita “mabasa okuyamura achiita zvokukumbira?”

6 Urongwa huri nyore hwokugovera mabhuku hunobatsira kuti munhu wose aone kuti patinenge tichiita basa redu rokudzidzisa Bhaibheri hatisi kumboita bhizimisi. Hunotibatsirawo kuti tiite kuti chinangwa chedu chokuparidza mashoko akanaka oUmambo uye chokuita vadzidzi chirambe chiri panzvimbo yokutanga. Kusiyana nokure nemasangano anoita “mabasa okuyamura achiita zvokukumbira,” Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuita kuti vanhu vawane mabhuku vasingabhadhari. Mari inotsigira basa romunyika yose haifaniri kumbokumbirwa kune vaya vasingafariri mashoko edu nomwoyo wose. (Ona Nharireyomurindi yaDecember 1, 1990, pamapeji 22, 23.) Kunyange chiri chokwadi kuti tingataura urongwa hwemari yezvipo kune vaya vanenge vakamboratidza kuti vanofarira uye kuti vangada kudzidza Bhabheri, tapota ngatiyeuke kuti hatifaniri kutaura nezvemari yezvipo pakushanya kwokutanga. Kutaura nezvemari yezvipo pakushanya kwokutanga kungatitadzisa kupinza mabhuku edu munyika muno pasina juti uye zvingadhurira sangano redu zvikuru.

7. Zvikomborero zvipi zvatingazowana kana tikatevedzera mirayiridzo yesangano?

7 Sezvatinowedzera ushumiri hwedu tichishingaira uye tichishandisa nokuchenjera mabhuku esangano anokosha, Jehovha acharamba achiita kuti tiwedzere. Vanhu vane mwoyo yakanaka kwose kwose vachaonga patinovatsanangurira zvakanaka maitirwo oushumiri hwedu uye vachafara kuratidza kutsigira kwavo nemari yavanopa nokuzvidira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe