Bhokisi Remibvunzo
◼ Munhu akaita sei watingapa mabhuku?
Kufarira kunoita munhu ndiko kunoita kuti timupe mabhuku. Kana akanyatsoratidza kufarira, tinogona kumupa magazini maviri, bhurocha, bhuku, kana zvimwewo zvatiri kugovera. Asi hatipi mabhuku edu anokosha kuvanhu vasingaakoshesi.—Mat. 7:6.
Tingaona sei kuti ari kufarira? Nokucherechedza mateerere aari kuita. Kunyatsoteerera kwaanoita patinenge tichitaura, kupindura mibvunzo, uye kutaura zvaanofunga zvinoratidza kuti tiri kukurukura pamwe chete. Kana akaverengawo patinenge tichiverenga Bhaibheri zvinoratidza kuti anoremekedza Shoko raMwari. Kazhinji zvakanaka kumubvunza kuti achaverenga here bhuku ratiri kuda kumupa. Vaparidzi vanofanira kunyatsocherechedza kuti vaone kuti munhu ari kufarira here. Somuenzaniso, patinenge tichiparidza mumugwagwa, hazvina kukodzera kuti munhu wose watangoona tomupa magazini, mabhurocha kana mabhuku. Kana tiri kutadza kunyatsoona kuti munhu ari kufarira zvechokwadi here, zviri nani kumupa turakiti.
Saka muparidzi paanotora mabhuku pakaunda yemabhuku, anofanira kutora anoenderana neaanokwanisa kuzoshandisa muushumiri, kwete nokuti abvisa mupiro wakawanda sei. Mipiro yatinobvisa haisi yekubhadhara mabhuku asi ndeyekutsigira zvose zvinoitwa zvine chokuita nebasa rekuparidza riri kuitwa munyika yose. Pasinei nokuti tinowana marii, kuonga kwatinoita kuchaita kuti tipe mipiro nemwoyo wose kubva pamari yatinenge tichida kutenga zvimwe zvinhu, kwete pane yemuraudzo. (Mako 12:41-44; 2 VaK. 9:7) Zvichaitawo kuti titore mabhuku atinoda kushandisa chete, tisingapambadzi mari inoshandiswa nesangano.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 2]
Vaparidzi vanofanira kucherechedza kuti vaone kuti munhu ari kufarira here