RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/94 p. 3
  • Zvikomborero Zvinobva Mukushanda Navamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvikomborero Zvinobva Mukushanda Navamwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Mapiyona Anobetsera Vamwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Ungabatsirawo Here Pabasa Rekuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Farira Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 11/94 p. 3

Zvikomborero Zvinobva Mukushanda Navamwe

1 Unonzwa kuti kune betsero dzichafarikanywa mukushanda navamwe muushumiri here? Jesu akadaro. Kunyange zvazvo kucheka kwakanga kuri kukuru uye vashandi vakanga vari vashoma, akatuma vadzidzi 70 kuti vapinde mumunda vari “vaviri vaviri.” Vose zvavo vakava nenguva inotusa zvakadini vachiparidza mu“maguta ose, uye kwose kwaakanga achida kuenda”!—Ruka 10:1, 17; Mat. 9:37.

2 Kushanda navamwe kunonyandura. Vamwe vedu vanonyara uye vanokuwana kwakaoma kusvika vaenzi. Kuva nomumwe munhu parutivi pedu kungatipa chivimbo chokutaura Shoko raMwari noushingi. Apo tinenge tine mumwe munhu, kungava kuri nyore zvikuru kuti tiite basa racho nenzira yatakarovedzwa nayo. (Zvir. 27:17) Murume akachenjera akati: “Vaviri vanopfuura mumwe.”—Mup. 4:9.

3 Kwakanaka kushanda navaparidzi namapiyona vakasiyana-siyana. Shamwari dzebasa dzomuapostora Pauro dzaibatanidza Bharnabhasi, Sirasi, Timotio, uye Johane Marko, uye vakafarikanya zvikomborero zvakawanda apo vakanga vachiparidza pamwe chete. Zvimwe chetezvo zvinogona kuva zvechokwadi nhasi. Wakashanda nomumwe munhu ave ari muzvokwadi kwenguva yakareba here? Pashure pokucherekedza unyanzvi hwake mukupa uchapupu, sezvingabvira wakawana mifungo yakanaka iyo yakakubetsera kuvandudzika. Wakaperekedza vaparidzi avo vari vatsva zvikuru here? Ipapo ungave wakakwanisa kugoverana zvimwe zvezvawakadzidza uye nokudaro ungave wakavabetsera kuva vanobudirira zvikuru uye kuwana mufaro mukuru zvikuru muushumiri hwavo.

4 Uri kuitisa fundo yeBhaibheri pari zvino here? Kana zvakadaro, kuregererei kukoka mumwe wavakuru kana kuti mutariri wedunhu kuti akuperekedze? Kunobetsera kuti vadzidzi vedu veBhaibheri varovedzane navatariri. Kana uchizengurira kuitisa fundo yacho mukuru aripo, zvichida angava anodisa kuyiitisa ndokuita kuti ucherekedze. Pashure pacho, inzwa wakasununguka kumukumbira zvikarakadzo pamusoro penzira yaunogona kubetsera nayo mudzidzi kufambira mberi nokukurumidza zvikuru.

5 Iva shamwari inokurudzira apo unoshanda navamwe. Iva anobetsera mutsinhiro dzako pamusoro pendima. Usatongoita makuhwa pamusoro pavamwe kana kuti kunyunyuta pamusoro pegadziriro dzeungano. Chengeta ndangariro yako yakanangidzirwa paushumiri uye pazvikomborero zvinobva kuna Jehovha. Kana ukadaro, mose muri vaviri iwe neshamwari dzako muchadzokera kumusha mamutsidzirwa mumudzimu.

6 Mamirire ezvinhu zvako angaita kuti kuve kwakakuomera kushanda nguva dzose nedzimwe hama nehanzvadzi. Zvisinei, kana zvichibvira, kuregererei kuronga kuva nenguva yokushanda nomumwe muparidzi? Mose muri vaviri muchakomborerwa!—VaR. 1:11, 12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe