Mapiyona Anobetsera Vamwe
1 Jesu akati: “Kucheka kukuru, asi vabati vashoma; naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.” Sezvo vacheki vomuzana remakore rokutanga vakanga vari vashoma uye vaiva nendima yakakura yokufukidza, Jesu angadai akavarayira kutaura nevakawanda sezvaibvira nezvemashoko akanaka kupfurikidza nokuita kuti munhu aende oga. Panzvimbo pezvo, “akavatuma vaviri vaviri.” (Ruka 10:1, 2) Neiko vaviri vaviri?
2 Vadzidzi ivavo vakanga vari vatsva uye vasina unyanzvi. Kupfurikidza nokushanda pamwe chete vaigona kudzidzisana nokukurudzirana. Sokutaura kwakaita Soromoni, “vaviri vanopfuura mumwe.” (Mup. 4:9, 10) Kunyange pashure pokudururwa kwomudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E., Pauro, Bhanabhasi, nevamwe vakaperekedza vamwe vavaitenda navo muushumiri. (Mabasa 15:35) Inofanira kuva yakava ropafadzo yakadini kuna vamwe kuti varovedzwe somunhu oga navarume vane unyanzvi vakadaro!
3 Purogiramu Yakaisvonaka Yokurovedza: Kufanana neimwe yayo yomuzana ramakore rokutanga, ungano yechiKristu yazvino uno isangano rinoparidza. Inotirovedzawo. Somunhu oga oga, chishuvo chedu chomwoyo wose chinofanira kuva chokupa mashoko akanaka nenzira inobudirira sezvinobvira. Kuitira kuti vaparidzi vakawanda vagone kuvandudza kubudirira kwavo, vanobetserwa.
4 PaChikoro Choushumiri hwoUmambo chakaitwa nguva pfupi yapfuura, Sosaiti yakazivisa purogiramu yokuti mapiyona abetsere vamwe muushumiri hwomumunda. Izvi zvinofanira kuitwa here? Hungu. Vaparidzi vanopfuura miriyoni imwe vakabhabhatidzwa mumakore matatu apfuura, uye vakawanda vaivava vanoda kurovedzwa kuti vabudirire zvikuru mubasa rokuparidza. Ndiani anogona kushandiswa kuita izvozvo?
5 Mapiyona enguva yakazara anogona kubetsera. Sangano raJehovha rinovapa mazano akawanda nekurovedza. Mapiyona anorayiridzwa zvinowirirana nezvinoshayikwa zvavo muChikoro Chebasa Roupiyona chemavhiki maviri. Vanobetserwawo nemisangano yavanoita nevatariri vematunhu neveruwa, pamwe chete nenhungamiro inopiwa nevakuru. Kunyange zvazvo asiri mapiyona ose ane unyanzvi sezvakanga zvakaita Pauro naBhanabhasi, akagamuchira kurovedza kunokosha, kwaanofara kupa kune vamwe.
6 Ndiani Achabetserwa? Kubatanidzwa muchirongwa ichi kwakaganhurirwa kuvaparidzi vatsva kana kuti vachangobva kubhabhatidzwa here? Nyangwe! Kune vaduku nevakuru vakaziva chokwadi kwemakore asi vangaonga kana vakabetserwa mune mamwe mativi oushumiri. Vamwe vanoita basa rakaisvonaka mukugovera mabhuku asi vane chinetso pakuita shanyo dzedzokerero kana kuti kutanga fundo dzeBhaibheri. Vamwe vangatanga fundo dzeBhaibheri zviri nyore asi vanoona kuti vadzidzi vavo havafambiri mberi. Chii chiri kuvatadzisa? Mapiyona ane unyanzvi angakumbirwa kubetsera mumativi aya. Mamwe mapiyona anobudirira pakuita kuti mumwe munhu afarire, pakutanga fundo dzeBhaibheri, uye kutungamirira vadzidzi vatsva kusangano. Unyanzvi hwavo huchabetsera muchirongwa chitsva ichi.
7 Unowana kuti rudungwe rwako harukubvumiri kutsigira misangano yebasa romumunda yenguva dzose yeungano zvikuru sezvaungada here? Mumwe piyona angakwanisa kushanda newe padzimwe nguva apo vamwe vaparidzi vanenge vasingawaniki.
8 Kubatira Pamwe Kwakanaka Kunodiwa: Kaviri pagore, vakuru vacharonga kuti vaparidzi vanoshuva kubetserwa somunhu oga vapinde muchirongwa cheMapiyona Anobetsera Vamwe. Kana ukabvuma kubatsirwa nenzira iyoyo, onana nomuparidzi piyona akagoverwa kukubetsera, ronga rudungwe rwebasa rwunoshanda, uye rwutevedzerei. Chengetai nguva imwe neimwe yamakarangana. Sezvamunoshanda pamwe chete, cherekedza nzira dzinoshanda dzokutaura nadzo mashoko akanaka. Nzverai kuti nei mimwe mitoo ichishanda. Funga nezvezvikarakadzo zvingapiwa nomuparidzi piyona zvokuvandudza nazvo mharidzo yako. Sezvaunoshandisa zvinhu zvakadzidzwa, kufambira mberi kwako muushumiri kuchaoneka, kwauri nokuna vamwe. (Ona 1 Timotio 4:15.) Shandai pamwe chete kakawanda sezvinobvira, muchiva nechekuita mumativi ose oushumiri, kubatanidza uchapupu hwamasanga asi muchinyanyosimbisira rutivi chero rupi zvarwo rwaunoda kubetserwa somunhu oga.
9 Mutariri webasa anoda kuziva kufambira mberi kuchaitwa. Panhambo nenhambo, achabvunza muitisi weFundo Yebhuku Yeungano kuti aone kuti uri kubetserwa sei nechirongwa chacho. Nenzira yakafanana mutariri wedunhu achakubetsera paanoshanyira ungano.
10 Jehovha anoda kuti vanhu vake varovedzwe noku“[shongedzerwa zvakakwana, NW] mabasa ose akanaka.” (2 Tim. 3:17) Ona chirongwa cheMapiyona Anobetsera Vamwe segadziriro yakaisvonaka yokubetsera vanoshuva kuvandudza mano avo okuparidza shoko. Kana iri ropafadzo yako kubatanidzwa machiri, zviite nokuonga, kuzvininipisa, uye nomufaro.