RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/94 p. 1
  • Muenzaniso Wokusanotevera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muenzaniso Wokusanotevera
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Mano Somudzidzisi
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • “Nyatsotevera Tsoka Dzake”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • “Ndakuitirai Muenzaniso”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Tevedzera Jesu—Dzidzisa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 12/94 p. 1

Muenzaniso Wokusanotevera

1 Jesu pasina kupokana akanga ari munhu mukurusa ati amborarama. Akagadza muenzaniso wakakwana nokuda kwavadzidzi vake. Kunyange zvazvo tisingagoni kusvitsa mupimo wake wokukwana, tinokurudzirwa ku“sanotevera makwara ake.” (1 Pet. 2:21, NW) Tinofanira kushuva kuva vakafanana naJesu zvikuru sezvingabvira, tichigoverana nokushingaira zvokwadi navamwe.

2 Jesu akanga ari zvinopfuura muparidzi; akanga ari mudzidzisi akanakisisa. “Mapoka akashamiswa nenzira yake yokudzidzisa.” (Mat. 7:28, NW) Nemhaka yei iye akanga achibudirira kwazvo? Ngatisanonzverei “nzira [yake] yokudzidzisa.”

3 Nzira Yatinogona Kutevera Nayo Jesu: Jesu akanga adzidziswa naBaba vake. (Joh. 8:28) Vavariro yake yakanga iri yokuremekedza Jehovha nokurumbidza zita Rake. (Joh. 17:4, 26) Mukuparidza kwedu nokudzidzisa, vavariro yedu inofanira kuvawo yokukudza Jehovha uye kusati kuri kukwevera ngwariro kwatiri timene.

4 Chinhu chiri chose icho Jesu akadzidzisa chakanga chakavakirwa paShoko raMwari. Ainongedzera nguva dzose kuchakanga chakanyorwa muMagwaro akafuridzirwa. (Mat. 4:4, 7; 19:4; 22:31) Tinoda kutungamirira vateereri vedu kuBhaibheri; nokudaro tinovaita kuti vaone kuti chatinoparidza nokudzidzisa chakavakirwa pachiremera chakakwirira zvikurusa.

5 Jesu akashandisa kutaura kupfupi, kunoshanda, kusina kuoma. Somuenzaniso, mukutsanangura nzira yatinogona kuwana nayo kanganwiro yaMwari, akatikurudzira kuva vanokanganwira vamwe isu timene. (Mat. 6:14, 15) Tinofanira kuedza kutsanangura shoko roUmambo mumashoko akapfava, ane mufungo.

6 Jesu nenzira younyanzvi akashandisa mienzaniso nemibvunzo kunyandura kufunga kwavamwe. (Mat. 13:34, 35; 22:20-22) Mienzaniso pamusoro pezvinhu zvakarovedzeka, zvezuva nezuva inogona kubetsera vanhu kunzwisisa dzidziso dzeBhaibheri dzakaoma. Tinofanira kubvunza mibvunzo inokurudzira vateereri vedu kufunga pamusoro pezvavanonzwa. Mibvunzo inotungamirira inogona kuvabetsera kusvika kumhedziso dzakarurama.

7 Jesu akatora nguva kutsanangurira zvinhu zvakaoma avo vaikumbira mamwe mashoko. Avo vaifarira zvapachokwadi, vakadai savadzidzi vake, vaikwanisa kuwana mufungo weizvo Jesu akadzidzisa. (Mat. 13:36) Tinofanira nenzira yakafanana kuva vanobetsera apo mibvunzo inobvunzwa nokutendeseka. Kana tisingazivi mhinduro, tinogona kunzvera nhau yacho ndokudzokera tine mashoko gare gare.

8 Jesu akashandisa zvidzidzo zvomuenzaniso kudzidzisa. Muenzaniso waikoku wakanga uri kushambidza kwake tsoka dzavadzidzi vake, kunyange zvake aive Tenzi wavo. (Joh. 13:2-16) Kana tikaratidza mudzimu wokuzvininipisa, avo vanodzidziswa vachasundwa kushandisa zvavari kudzidza.

9 Jesu aifadza mwoyo yavanhu norudo rwavo nokuda kwokururama. Tinoda kusvikawo mwoyo. Tinoedza kufadza chishuvo chomuzvarirwo chorudzi rwose rwomunhu chokunamata munhu akakwirira zvikuru nokugara navamwe murugare nomufaro.

10 Mukati maDecember tinogona kugoverana navamwe zvinhu zvatakadzidza pamusoro paJesu kupfurikidza nokugovera bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Kutevedzera kwedu mavara okudzidzisa aJesu kungasunda vanhu vakatendeseka kuteerera sezvo tinotsanangura zvaakadzidzisa.—Mat. 10:40.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe