Ratidza Kuonga Imba yaMwari
1 Munguva dzeBhaibheri Jehovha akarayira vanhu vake kuungana pamwe chete nguva dzose paimba yake. (Revh. 23:2) Kuungana ikoku kwakavabetsera kuchengeta ndangariro dzavo dziri pashoko raMwari, kugovera nguva yokufungisisa, kusonganirana, uye kukurukurwa kwoMutemo waJehovha. Ndangariro dzavo dzakava dzinozadzwa nemifungo yaMwari, iyo yakaunza zvikomborero zvakapfuma zvomudzimu. Idzodzi dzakanga dziri nhambo dzinofadza zvirokwazvo. Gadziriro yacho yakatsigira chinzwano nokunamata kwakachena. Kuungana muimba yaMwari hakusati kuchikosha zvishoma nhasi.
2 Tinogona Sei Kuratidza Kuti Tinoonga Misangano? Dzimwe ungano dzinoshuma vanopinda misangano vakaderera. Panguva nenguva mugariro womunhu ungamudzivisa kupinda musangano. Asika iwe wakabvumira zvinetso zviduku zvikuru kudzongonyedza kupindwa kwemisangano kwenguva dzose here? Vamwe vangasarudza kugara kumba kana vachirwadziwa zvishoma nomusoro kana kuti kunzwa vakaneta pashure pezuva rokubatikana. Vamwe vakanzwa vane musengwa wokuvaraidza hama dzisingatendi idzo dzinoda kushanya. Vamwe vakatopotsa misangano kuitira kuti vaone purogiramu yeTV yavanoda kana kuti mutambo wakati. Mwero wokuonga unoratidzirwa mumigariro iyoyi sezvinooneka unoperevedza pachishuvo chomwoyo wose chakataurwa navanakomana vaKora, vakati: “Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha.”—Pis. 84:2.
3 Kunyange zvazvo pane zvokudya zvomudzimu zvakawanda zvinogoverwa pamisangano, vamwe vanopinda vane chinetso chokupa ngwariro. Vangazviwana vamene vachirotomoka, vachifunga pamusoro pefunganyo dzezuva racho, kana kuti kunyange kutsimwaira. Vakawanda vakawana kuti kunyora zvinonyorwa zvipfupi kunovabetsera kuramba vakasvinura ndokupa ngwariro kune zviri kutaurwa. Kunyora zvinhu kunorovererawo mashoko acho pandangariro. Mukuwedzera, gadziriro yapachine nguva mberi iyamuro kukubetserwa zvizere. Kana tikasanogadzirira, tichakwanisa “kupa ngwariro inopfuura yenguva dzose.”—VaH. 2:1, NW.
4 Vana pamwe chete navakuru vanofanira kugamuchira murayiridzo unogoverwa pamisangano. Izvo vana vanodzidza zvichava zvakaganhurirwa zvikuru kana vabereki vachigovera zvokutambisa kana kuti kuvaita kuti vanyore mavara mumabhuku kuvachengeta vakabatikana uye vakanyarara. Pane kushayika kwechirango chakafanira apo vana vanobvumirwa kutamba, kutaura, kuchema, kana kuti kuita zvimwe zvinhu zvinodzongonyedza avo vakagara pedyo. Nzendo dzakawanda nedzisiri madikanwa kuchimbudzi kana kuti kupombi yemvura mukati memisangano dzinowanzoderedzwa apo mwana anoziva kuti nguva dzose mumwe wavabereki vake achamuperekedza.
5 Kusvika Panguva Kunokosha: Panguva nenguva, migariro isingadzivisiki ingatidzivisa kusvika pamusangano panguva, asika kunonoka nguva dzose kusvika pashure perwiyo rwokuzarura nomunyengetero kunoratidza kushayika kwokuremekedza chinangwa chinoyera chemisangano nebasa redu rokudzivisa kudzongonyedza vamwe. Yeuka kuti kuimba nokunyengetera nehama dzedu pamisangano yeungano rutivi rwokunamata kwedu. Kunonoka nguva dzose kunowanzova mugumisiro wokusarongeka kana kuti kukundikana kuronga pachine nguva mberi. Kusvika panguva kunoratidza kuti tinoremekedza uye tinoonga misangano yedu.
6 Sezvo zuva rinoswedera pedyo zvikuru nguva dzose, dikanwo yokuungana pamwe chete inogona bedzi kuva huru zvikuru. (VaH. 10:24, 25) Ngatiratidzei kuonga kwedu kupfurikidza nokugaropinda, kugadzirira pachine nguva mberi, kusvika panguva, ngwariro huru, uye ipapo kushandiswa kwezvatinodzidza.