Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa mukati maDecember: Munhu Mukurusa Ati Amborarama nokuda kwe$15,00. January: Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka . . . kana kuti Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare” nokuda kwe$5,00. Kana ungano dzine mabhuku api naapi amapeji 192 akabudiswa 1982 asati asvika ane mapepa orudzi rwakaderera anoita yero, iwaya angagoverwa pamutengo wakaderera we$2,50. (Ikoku kunoshanda kuvose vari vaviri vaparidzi namapiyona.) Ungano dzingakumbira kubvisirwa chikwereti nokuda kwaaya mabhuku paS-20 radzo pakupera kwaJanuary. February: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi . . . nokuda kwe$15,00 (chinyorwa chiduku: $7,50). Kugoverwa kweiri bhuku kunofanira kuteverwa neshanyo dzedzokerero, uye nhamburiko dzinofanira kuitwa dzokutanga fundo dzeBhaibheri. March: Mibvunzo Inobvunza Vechiduku . . . nokuda kwe$7,50 kana kuti Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! nokuda kwe$15,00.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu akasarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana December 1 kana kuti nokukurumidza sezvingabvira pashure pacho. Itai chiziviso kuungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Chirangaridzo cha 1996 chichava paChipiri, April 2, pashure pokunyura kwezuva. Iyi ziviso yepachine nguva mberi yezuva rechengetwo yeChirangaridzo cha 1996 yapiwa kuitira kuti hama dziite gadziriro dziri madikanwa dzokuhaya kana kuti kuita bvumirano dzehoro dzinowanika apo kunenge kune ungano dzakati kuti dzinoshandisa Horo yoUmambo uye dzichifanira kuwana dzimwe nzvimbo.
◼ Tsamba yeSosaiti yaOctober 22, 1994, yakanyorerwa mitumbi yose yavakuru, yakapa nhungamiro yokuti wedzero mbiri dzinobata nemigariro inoda tarisiro yokukurumidza yezvokurapa, dzakaoneka muzvinyorwa zvaSeptember 1992 naAugust 1994 zvoUshumiri Hwedu hwoUmambo, dzinofanira kuitwa kuti dziwanike kumunhu upi noupi achangobva kubhapatidzwa. Vakuru vachaita iyi nhungamiro.
◼ Vakuru vose navabatiri vanoshumira munyika yose vachave vachipinda Chikoro choUshumiri hwoUmambo kubvira pana December 24-26, 1994. Vakuru vachada kugadziridza nguva dzemisangano yavo kana ivo kana kuti vabatiri vanoshumira vachave vasingawaniki kuti vatarisire misangano. Vangaronga kuti misangano yapakupera kwevhiki iitwe panguva yakati mukati mevhiki. Tine chivimbo chokuti vose vachada kubatira pamwe negadziriro ipi neipi inorongwa.
◼ Pana December 4, 1994 kirasi yechishanu yeChikoro Chokurovedza Vashumiri ichave ichipedza kufunda muLusaka, Zambia. Ikoku kuchasvitsa hwerengedzo yevakapedza kufunda veZimbabwe ku 26. Hausati wachata uye hausi munyengano here? Ipapo pinda musangano chaiwo une chokuita neChikoro Chokurovedza Vashumiri pagungano renyu redunhu rinotevera.
◼ Ruramiso: Ndaza yehurukuro yavose Nha. 40, peji 2, mutsetse 7: Tapota chinjai VaHebheru 3:17, 18 kuva Habhakuki 3:17, 18.