Ipa Ngwariro Yenguva Dzose Kukudzidzisa Kwako
1 Purogiramu itsva yeChikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari ichavamba muna January 1995. Mukati megore racho mapeji 88 ebhuku raVakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi achahwirudzurwa uye, chokwadika, hurukuro dzakasarudzwa dzinobva muzvimwe zvezvinyorwa zvemagazini eNharireyomurindi dza 1994. Kuchava nemibvunzo yehwirudzuro kumugumo kwehurukuro yomurayiridzo ingava ichitorwa mubhuku raVakabatana Mukunamatwa kana kuti muNharireyomurindi. Tinogona kuitei kuti tipe ngwariro kukudzidzisa kwedu ndokuwana betsero?—1 Tim. 4:16.
2 Kunyange zvavo vakawanda vakatorava bhuku raVakabatana Mukunamatwa, kurangarirwa kwamashoko acho murudungwe rwechikoro kuchabetsera vose kutonzwisisa zvikuru nhaka yavo youbati ushe hwaMwari. (Pis. 71:17, 18) Huregereiko kutsaura nguva yakati vhiki imwe neimwe yokuhwirudzura mashoko akagoverwa mubhuku raVakabatana Mukunamatwa kana kuti Nharireyomurindi?
3 Hurukuro Dzomurayidzo Mhenyu Nedzinofadza: Hurukuro dzomurayiridzo dzinobva mubhuku raVakabatana Mukunamatwa kana kuti Nharireyomurindi dzinofanira kupiwa nenzira mhenyu neinofadza. Dzinofanirawo kusimbisa ukoshi hunoshanda hwamashoko acho, kuashandisa kukudza kuremekedza sangano raJehovha nokuonga ropafadzo dzedu savabatiri vaMwari. Kana mhuri imwe neimwe inopinda chikoro ichiunza kopi yebhuku raVakabatana Mukunamatwa kana kuti Nharireyomurindi kumusangano wacho, mitezo yemhuri inogona kusanotevera hurukuro yomurayiridzo ndokubetserwa nemienzaniso nemifanikiso zvomubhuku racho.
4 Kurava Bhaibheri Kunonyandura Mufungo: Kusanorava, pamwe chete nokusimbisa pfungwa kwakafanira nokunzwa, rutivi runokosha rwokudzidzisa kunobudirira. Mukuwedzera, chitsama chamashoko chakagoverwa kuti chiraviwe muHurukuro Nha. 2 hachisi chikuru, uye nguva yakawanda kazhinji kazhinji ichawanika yetsinhiro dzesumo nemhedziso dzinoitwa nomukurukuri. Sumo inofanira kumutsa fariro mumashoko akagoverwa ndokugadzirira vateereri kunzwisisa ukoshi hwawo hunoshanda. Mhedziso ingabatanidza tsinhiro dzokutsanangura nokushandiswa kwamashoko acho, mukurukuri achishandisa zvakazara nguva yakagoverwa.
5 Mamwe mashoko pamusoro pepurogiramu yechikoro uye pamusoro penzira iyo migove yacho ichaitwa nayo anogona kuwanika mu“Purogiramu yeChikoro choUbati Ushe hwaMwari cha 1995.” Tinopa ngwariro kukudzidzisa kwedu kupfurikidza nokuhwirudzura mirayiridzo iri munyaya ino, kupfurikidza nokusanogadzirira migove yedu, uye kupfurikidza nokushandisa zano ratinopiwa, kuitira kuti tivandudze muunyanzvi hwokutaura nokudzidzisa. Avo vachigere kunyoresa muchikoro vanokokwa noushamwari kuti vaite saizvozvo.