Zvakawanda Zvinopiwa—Zvakawanda Zvinorayirwa
1 Tiri vanodiwa sei kuti tive nezvokwadi! Nemhaka yetsauriro yedu kuna Jehovha, taka“ronzeswa mashoko akanaka.” (1 VaT. 2:4, NW) Ikoku kunotiita tive nebasa guru zvikuru. Jesu akati: “Wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari.”—Ruka 12:48b.
2 Mashoko iwayo ndeechokwadi sei! Tose zvedu zvatakakomborerwa nezivo yeShoko raMwari, songaniro yakaisvonaka yehama, uyewo tariro inoshamisa, kunogona kutaurwa nenzira yapachokwadi kuti zvakawanda zvakapiwa kwatiri. Nenzira ine mufungo, zvakawanda zvinokarirwawo.
3 Chengeta Murangariro Wakafanira Wezvinodikanwa: Vamwe vakagumisa kuti zvakawandisa zvinokarirwa kwatiri. Somusoro weungano yechiKristu, Jesu Kristu anosarudza “chinodikanwa” kuita kuti ishande zvakanaka. (VaEf. 4:15, 16, NW) Anotivimbisa kuti ‘joko rake inyoro nomutoro wake wakareruka.’ (Mat. 11:28-30) Nenzira yorudo anobvumira nokuda kwaavo vane ganhuriro. (Ruka 21:1-4) Kana tikapa zvakanakisisa zvedu, pasinei zvapo nechitsama, tichakomborerwa.—VaK. 3:23, 24.
4 Zvibvunze umene kuti, ‘Fariro dzoUmambo ndedzekutanga muupenyu hwangu here? Ndiri kushandisa nguva yangu nepfuma yangu munzira inoguma nerumbidzo kuzita raMwari nebetsero kuvamwe here? Ndinowana here kuti mufaro wangu mukurusa unobva mukubatira Jehovha panzvimbo pokubva mukufarikanya nenzira youdyire zvinhu zvokunyama?’ Mhinduro dzedu dzokutendeseka kumibvunzo iyoyi dzinoratidza vavariro dziri mumwoyo yedu.—Ruka 6:45.
5 Dzivisa Kuedzwa Kuita Chiri Chakashata: Nakare kose hakuna kumbova nemiedzo yakadai nedzvinyiriro kukuzvifadza, makaro, uye kuda mufaro wokunyama. Zuva rimwe nerimwe tinotarisana nedenho dzetsika, nemiedzo yokuti tibvumirane pane zvisina kufanira. Kuti tisangane nedenho idzodzi nenzira inobudirira, tinofanira kukumbira Jehovha kutibetsera. (Mat. 26:41) Kupfurikidza nomudzimu wake, anogona kutisimbisa. (Isa. 40:29) Kurava Shoko raMwari zuva nezuva ibetsero huru. (Pis. 1:2, 3) Kuzviranga nokuzvidzora kunotambawo rutivi rukuru.—1 VaK. 9:27.
6 Hakuna kuringana kuda chiri chakanaka, asi tinofanirawo kuvenga chiri chakashata. (Pis. 97:10) Ikoku kunoreva kusasakurira kupanga zvinhu zviya zviri zvakashata. Zvirevo 6:16-19 inoronga ndaza yezvinhu zvinomwe izvo Jehovha anovenga. Sezviri pachena, munhu anoda kufadza Jehovha anofanirawo kuvenga zvinhu zvakadaro. Tichiva takakomborerwa nezivo yakarurama yezvokwadi, tinofanira kuda kuita mukuwirirana nezivo iyeyo, tichichengeta ndangariro dzedu dzakanangidzirwa pazvinhu zvakanaka.
7 Kwakafanira kunyengeterera mamirire ezvinhu anotendera “nguva dzose kuva nezvizhinji zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58) Vazhinji vakawana kuti rudungwe rwakabatikana mubasa raJehovha idziviriro nemhaka yokuti runobvumira nguva shomanene yokuronda zvinhu zvisina maturo.
8 Tarangarira zvinhu zvose, izvo Jehovha anoda kwatiri zvine mufungo zvikuru. (Mika 6:8) Tine chikonzero chiri chose chokuva vanoonga nokuda kweropafadzo imwe neimwe yebasa. (VaEf. 5:20) Naizvozvo, tinopfuurira “kushanda zvakaoma nokuzvishandisa timene,” tiine chivimbo chokuti mubayiro wedu uchava mukuru zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi chinodikanwa kwatiri.—1 Tim. 4:10, NW.