Kuzvipa Timene Nokudisa Nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka
1 Chimwe chinyorwa chokunyika chakaita nongedzero kuZvapupu zvaJehovha, chichiti: “Kwaizova kwakaoma kuwana mitezo yerimwe boka ripi neripi inoshanda zvakaoma parudzidziso rwayo sezvinoita Zvapupu.” Nei Zvapupu zvaJehovha zvichishanda zvakaoma kwazvo uye nomudzimu wokudisa wakadaro?
2 Chimwe chikonzero ndechokuti izvo zvakazadzwa nepfungwa yokukurumidzira. Jesu akaziva kuti iye akanga ane nguva yakaganhurirwa yokupedza basa rake pasi pano. (Joh. 9:4) Nepo Mwanakomana anokudzwa waMwari achikunda pakati pavavengi vake nhasi, vanhu vaJehovha vanoziva kuti vane nguva yakaganhurirwa yokuita basa ravo. Naizvozvo, ivo vanoramba vachizvipa vamene nokudisa nokuda kwebasa rinoyera. (Pis. 110:1-3) Navashandi vakawanda vanodikanwa kupinza mukohwe, hapagoni kuva nokurega munhamburiko dzavo. (Mat. 9:37, 38) Nokudaro, ivo vanovavarira kutevedzera Jesu, uyo akagadza muenzaniso wakakwana wokuva anodisa uye anoshingaira mubasa rake.—Joh. 5:17.
3 Chimwe chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichishanda nomwoyo wose sokuna Jehovha ndechokuti sangano razvo romunyika yose rakasiyana namamwe mapoka ose. Masangano orudzidziso enyika anoda zvikurukuru nguva shomanene yakaganhurirwa bedzi uye nhamburiko zvinobva kuvateveri vawo. Zvavanodavira zvine tapuro shoma kana kuti hazvina paupenyu hwavo hwezuva nezuva, kubata kwavo nevamwe, kana kuti zvirondwa zvavo muupenyu. Vachishayiwa simba rinosunda rokutenda kwechokwadi, vakataura kuti vafudzi vavo ‘vavaudze zvinhu zvinofadza,’ vachivavimbisa kuti nhamburiko yavo yokunze yezvachero yakakwana. (Isa. 30:10) Vafundisi vavo vakabvuma kupfurikidza ‘nokufadza nzeve dzavo,’ vachiroverera mudzimu wokusakendenga nousimbe hwomudzimu.—2 Tim. 4:3.
4 Musiyano wakadini pakati pavanhu vaJehovha! Chinhu chiri chose pamusoro pokunamata kwedu chinobatanidza nhamburiko, kushanda nesimba, uye basa. Zuva riri rose uye muchinhu chiri chose chatinoita, tinoshandisa zvatinodavira. Nepo zvokwadi ichitiunzira mufaro mukuru, inobatanidza “kudziviswa kukuru” nokuda kwedu kuti tiite zvainoda. (Enzanisa na1 VaT. 2:2.) Kungotarisira mitoro yokurarama kwezuva nezuva kwakakwana kuchengeta vanhu vakawanda zvikurusa vakabatikana. Zvisinei, hatibvumiri idzi itiro hanya kutidzivisa kuisa fariro dzoUmambo pakutanga.—Mat. 6:33.
5 Zvatinopiwa kuti tiite mubasa raJehovha zvinobetsera zvikuru uye ndezvekurumidziro zvokuti tinosundwa ku‘tenga’ nguva kubva muzvimwe zvirondwa ndokuishandisa zvinobetsera zvikuru pazvinhu zvomudzimu. (VaEf. 5:16) Tichiziva kuti kuzvipira kwedu kwoumwari uye mudzimu wokudisa unofadza Jehovha, tine sundo huru zvikurusa yokupfuurira nebasa redu rakaoma. Nezvikomborero zvakapfuma zvatinogamuchira zvino uye kariro dzoupenyu huchauya, vavariro yedu ndeyokupfuurira ku“tambudzikira noku[zvi]rwira” timene mufariro dzoUmambo.—1 Tim. 4:10.
6 Kuzvipira uye Mudzimu Wokuzvibayira: Vanhu vakawanda zvikurusa nhasi vanopa zvinodikanwa zvokunyama nefariro nzvimbo yokutanga kupfuura chimwe chinhu chiri chose. Vanonzwa vachiruramiswa zvizere mukunangidzira ngwariro pane zvavachadya, zvavachanwa, kana kuti zvavachapfeka. (Mat. 6:31) Vachiva vasingagutswi nezvinodikanwa, vanosundwa nechinangwa chokufarikanya magariro akanaka zvakazara zvino uye ‘kuva nezvinhu zvizhinji zvakanaka zvakachengeterwa makore akawanda, kuitira kuti vagogona kuzorora, kudya, kunwa, uye kufarikanya vamene.’ (Ruka 12:19) Muendi kuchechi chaiye anonzwa kuti nhamburiko ipi neipi yomunhu oga inodikanwa norudzidziso rwake kudzongonyedza maruramiro. Pfungwa yokurega kana kuti kunyange kuganhurira chinorondwa chokudisa zvenyika kana kuti kurega fariro inofadza yakaipa. Ane kufunga kwake kwakanangidzirwa paari amene, kusakurira mudzimu wokuzvibayira hakusi kwechokwadi, hakushandi.
7 Tinorangarira iyi nhau nomutoo wakasiyana. Shoko raMwari rakakwidza kufunga kwedu kuitira kuti tifunge mifungo yaMwari panzvimbo peiyo yavanhu. (Isa. 55:8, 9) Tine zvinangwa muupenyu izvo zvinokurira zvirondwa zvenyama. Kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha uye kutsveneswa kwezita rake ndidzo nhau dzinokosha zvikurusa muchisiko chose. Ukuru hweidzi nhau hwakakura kwazvo zvokuti, mukuenzanisa, marudzi ose “akaita pamberi pake sapasina chinhu.” (Isa. 40:17) Kuedza kupi nokupi kurarama upenyu hwedu munzira inofuratira Mwari kunofanira kurangarirwa soupenzi.—1 VaK. 3:19.
8 Naizvozvo nepo zvimwe zvinhu zvokunyama zvichidikanwa uye zvimwe zvichishanda kupfuuridzira mibato yedu yoUmambo, tinonzwisisa kuti izvozvi hazvisi “zvinhu zvinokosha chaizvoizvo.” (VaF. 1:10, NW) Tinonamatira kumudzimu wa1 Timotio 6:8 mukuganhurira kuronda kwedu fariro dzokunyama uye kuedza nenzira yokuchenjera kuchengeta mwoyo yedu yakanangidzirwa pa‘zvinhu zvisingaoni izvo zvisingaperi.’—2 VaK. 4:18.
9 Kana tikafunga zvikuru nezvemifungo yaMwari, tinova nefunganyo shoma pamusoro pezvinhu zvokunyama. Apo tinorangarira izvo Jehovha akatotiitira uye zvikomborero zvinoshamisa zvaakapikira nokuda kweramangwana, tinodisa kurega chinhu chipi nechipi chaanotikumbira. (Marko 10:29, 30) Kuvapo kwedu kumene kunotsamira paari. Dai dzanga dzisiri ngoni dzake norudo, tingadai tisingafarikanyi upenyu zvino uye tisitongorina ramangwana. Tinosungirwa kuzvipa timene, sezvo chinhu chiri chose chatinoita mubasa rake ‘chiri icho tinofanira kuva tichiita.’ (Ruka 17:10) Chinhu chipi nechipi chatinokumbirwa kudzosera kuna Jehovha, tinochipa nomufaro, tichiziva kuti ticha“kohwa zvakawanda.”—2 VaK. 9:6, 7, NW.
10 Vashandi Vanodisa Vanodikanwa Zvino: Kubva pakuvamba kwayo kumene, ungano yechiKristu yakapinda munhambo yomubato wakakomba. Uchapupu hwakakwana hwaifanira kupiwa Jerusarema risati raparadzwa muna 70 C.E. Mukati menguva iyoyo vadzidzi vaJesu vakanga vachi“manikidzwa neshoko.” (Mabasa 18:5) Kufutunuka kwokukurumidza kwakakuita kuti kuve madikanwa kurovedza vaevhangeri vakawanda uye vafudzi vanounyanzvi uye kutsvaka betsero yavo. Varume vane ruzivo rwokuzviwanira mukubata nezviremera zvenyika pamwe chete nevanokwanisa avo vanokwanisa kutarisira kuunganidzwa nokuparadzirwa kwezvinhu zvokunyama vaidikanwa. (Mabasa 6:1-6; VaEf. 4:11) Nepo vashoma vaibatira nenzira yakatanhamara, vakawanda zvikurusa vakaramba vasina kutanhamara. Asi vose zvavo ‘vakazvishandisa vamene nesimba,’ vachishanda pamwe chete nemwoyo wose kuti basa riitwe.—Ruka 13:24.
11 Kunyange zvazvo pakanga pane dikanwo shoma zvikuru yomubato wesimba pamwero wenyika yose mukati mamazana amakore akawanda akatevera, kumutsiridzwa kukuru kwomubato woUmambo kwakavamba apo Jesu akawana simba rake roUmambo muna 1914. Pakutanga, vashoma vakaziva kuti dikanwo yavashandi nokuda kwefariro dzoUmambo yaizova yakakura zvikuru kwazvo, ichida betsero yamamiriyoni avanodisa munyika kupote pasi rose.
12 Nhasi sangano rinobatanidzwa zvikuru mumhatsa huru yegadziriro dzakashandisa pfuma yedu zvikuru. Mubato woUmambo uri kupfuurira mberi pamwero mukuru. Kurumidziro yenguva dzedu inotisunda kuzvishandisa timene uye kushandisa chinhu chiri chose chatinogona kuti tiite basa riri kuda kuitwa. Nomugumo wetsika yose yakaipa uri kuswedera pedyo kwazvo, tinokarira mubato unotova wakakomba zvikuru mumazuva anotevera. Mubatiri ari wose akazvitsaurira waJehovha ari kukumbirwa kuti azvipe amene nokudisa mubasa rokuunganidza rokukurumidzira.
13 Chii Chinofanira Kuitwa? Tinogona zvapachokwadi kutaura kuti kune “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58, NW) Mundima dzakawanda kukohwa kwasvika, asi vashandi vashoma. Tinokumbirwa kuita rutivi rwedu kwete bedzi mukuva vanosanoita zvikuru mundima yose yedu timene asiwo mukunangana nedenho yokubatira uko kune kushayiwa kukuru zvikuru.
14 Kunorumbidzwa kuona nzira iyo Zvapupu mumativi ose enyika zvinozvipa zvimene nokuda kwemimwe mibato. Izvozvi zvingatambanuka kubva pakuzvipira mukuvakwa kwenzvimbo dzokunamatira, kubatira pakokorodzano, uye kubetsera munhamburiko dzokubetsera munguva dzengwavaira kusvikira kukuchenesa Horo yoUmambo yomunzvimbomo pahwaro hwenguva dzose. Pamusoro pomubato wapashure, pane nhau yokuva nechokwadi nguva dzose chokuti Horo yoUmambo inosiyiwa iri mumamirire akachena uye akarongeka pashure pomusangano mumwe nomumwe. Kupedza mabasa angarangarirwa seakaderera kunoratidzira kunzwisisa kwakarurama mashoko aJesu pana Ruka 16:10: “Wakatendeka pazvinhu zviduku duku wakatendekawo pazvikuru; asi usakarurama pazvinhu zviduku duku, haangaruramiwo pazvikuru.”
■ Kupa Tsigiro Kumibato yeUngano: Nepo ungano imwe neimwe ichishanda sorutivi rwesangano rose uye ichigamuchira nhungamiro kubva ku“muranda akatendeka uye akachenjera,” iyo inoumbwa navaparidzi voUmambo vamwe navamwe. (Mat. 24:45, NW) Mabasa eungano anotsamira zvikurukuru pakuti Chapupu chimwe nechimwe chinodisa uye chinokwanisa kuita zvakadini. Inonangidzira ngwariro pakutaura kuti mashoko akanaka aparidzirwe mundima yeungano, kuita vadzidzi vatsva, uye ipapo kuvasimbisa mumudzimu. Mumwe nomumwe wedu anogona kugoverana muiri basa. Tinogonawo kuzvigadzira timene zvinangwa mufundo yomunhu oga, goverano ine revo mumisangano, uye kubetsera vamwe vanoshayiwa mukati meungano. Iyi mibato inogovera mikana yakawanda yakaisvonaka kuti isu tiratidzire kudisa kwedu.
■ Kutungamirira Munzvimbo Dzoutarisiri: Jehovha akaronzesa kutarisirwa kweungano imwe neimwe kuvakuru vayo vakagadzwa. (Mabasa 20:28) Ava varume vakasvasvavirira kuti vakwanirise nokuda kweiyi ropafadzo. (1 Tim. 3:1) Inenge hama iri yose muungano ine imwe bviro yokukwanirisa nokuda kwemitoro mikuru zvikuru. Hama dzakawanda dziri kukura mumudzimu uye dzinofanira kuramba dzichikura munhungamiro uye betsero yorudo yevakuru veungano. Ava varume vanofanira kuva vadzidzi vanoshingaira veBhaibheri nezvinyorwa zvedu. Ivo vanogona kuratidzira kudisa kwavo kupfurikidza nokuva vanozviisa pasi pavakuru vakagadzwa nomudzimu, kutevedzera kutenda kwavo, uye kusakurira mavara anotsvagwa muvatariri.—VaH. 13:7, 17.
■ Kutora Basa Renguva Yakazara: Ungano inoshanda zvikurukuru kuti iparidze mashoko akanaka. (Mat. 24:14) Chikomborero chakadini apo vanoshingaira vanosimbisa nhamburiko dzavo kupfurikidza nokunyoresa samapiyona! Ikoku kunowanzobatanidza kuita chinjo muupenyu hwavo hwomunhu oga. Chinjo dzokuwedzera dzingadikanwa kuti vapfuurire muuyu munda chaiwo webasa. Asi avo vanoomerera kuiyi ropafadzo panzvimbo pokurega pashure pegore kana kuti kupfuura nemhaka yokuodzwa mwoyo kwechinguvana vane chokwadi chokuwana chikomborero chikuru chaJehovha. Vakuru vane rudo uye vamwe vakakura mumudzimu vanogona kuwedzera kubudiriro yemapiyona, vachivakurudzira neshoko uye chiito. Mudzimu wakaisvonaka zvakadini unoratidzirwa navanhu vaduku avo vanopinda zvakananga mubasa roupiyona pakupedza chikoro! Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvavakuru avo vanonyoresa samapiyona enguva dzose nokukurumidza pashure pokunge misengwa yenyika yaderedzwa. Igutsikano yakadini yakunounza kumuKristu akazvitsaurira apo iye nokudaro anobatira pamwe nokukurumidzisa kwaJehovha basa rokuunganidza!—Isa. 60:22.
■ Kugoverana Mukuvakwa Uye Kuchengetwa Kwenzvimbo Dzemisangano: Mazana chaiwoiwo eHoro dzoUmambo dzazvino uno pamwe chete neHoro dzaMagungano dzakawanda zvakavakwa. Nenzira inoshamisa, rinenge basa rose rakaitwa nehama dzedu nehanzvadzi idzo dzakazvipa nokudisa nguva yadzo nounyanzvi. (1 Mako. 28:21) Zviuru zvavashandi vanodisa zvinochengeta idzi nzvimbo mumugariro wakanaka kupfurikidza nokuita mabasa api naapi angave achidikanwa. (2 Mako. 34:8) Sezvo iri basa riri rumwe rutivi rwebasa rinoyera, avo vanobetsera vanozvipa vamene nokudisa, vasingakumbiri kubhadharwa nokuda kwebasa ravo muna ikoku, sezvavaisazokumbira kubhadharwa kuti vaparidze paimba neimba, kupa hurukuro dzavose muungano, kana kuti kubetsera nebasa remagungano kana kuti kokorodzano. Ava vazvipiri vanopa pachena basa ravo mukuronga uye kuvaka nzvimbo dzokunamata kurumbidzwo yaJehovha. Ivo vanobetsera nokudisa nezvinhu zvakadai sokuzadza magwaro pamutemo, kuchengeta zvinyorwa zveakaunzi, kuita onano dzokutenga, uye kuverenga chitsama chezvinhu zvinodikanwa. Ava vabatiri vakavimbika vaJehovha havawedzeri rudzi rwakati rwemhindu kana kuti nenzira ipi kana ipi havatsvaki kuita chimuko mune zvokunyama zvimwe nenzira yakananga kana kuti isina kunanga mumabasa avanoita, sezvo mano avo nepfuma zvakatsaurirwa kuna Jehovha. (Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1992, peji 4, ndima 10.) Uyu mubato unoda vashandi vanoshingaira avo vanoita mabasa avo “nomwoyo wose, sokunaShe.”—VaK. 3:23.
15 Chii, ipapoka, chinoita kuti kudisa kwavanhu vaJehovha kuve kwakasiyana? Ndiwo mudzimu wokupa. Kupa kwavo kworupo kunobatanidza zvinopfuura mari kana kuti zvinhu zvokunyama—ivo “vanozvipa nomwoyo wose.” (Pis. 110:3) Ichi ndicho chinokosha chetsauriro yedu kuna Jehovha. Tinotuswa munzira chaiyo. Tinowana “mufaro mukuru” uye tino“cheka zvizhinji” nemhaka yokuti zvatinoita zvinoongwa nevamwe, avo vanozotipawo. (Mabasa 20:35; 2 VaK. 9:6; Ruka 6:38) Mubetseri wedu mukurusa ndiye Baba vedu vokudenga, Jehovha, uyo “unoda munhu unopa nomufaro.” (2 VaK. 9:7) Iye achatibhadhara kakapetwa rune zana, nezvikomborero zvichagara nokusingaperi. (Mar. 3:10; VaR. 6:23) Naizvozvo apo ropafadzo mubasa raJehovha dzinowanika kwauri, uchazvipira umene nokudisa here uye kupindura nokudisa sezvakaita Isaya, kuti: “Ndiri pano ini, nditumei”?—Isa. 6:8.