“Govera Magazini Yekare Kana Kuti Bhurocha Rine Nyaya Inofadza Saimba”
Mumwedzi yatiri kugovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei uye patiri kutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri pakushanya kwokutanga, tinokurudzirwa kugovera “magazini yekare kana kuti bhurocha rine nyaya inofadza saimba” kana achitova nebhuku iri asi asingadi kudzidza Bhaibheri. Izvi zvinoitirwei?
Mabhurocha nemagazini ekare ane nyaya dzakasiyana-siyana dzinonyatsoenderana nenguva. Zvichida pangava neimwe inogona kubata mwoyo wasaimba. Saka pamunenge muchirongedza zvamuchanoshandisa pakuparidza, ivaiwo nemabhurocha nemagazini ekare akati oo akasiyana-siyana. Kana musina magazini ekare, munogona kuawana kukaunda yemabhuku. Saka, kana saimba aine bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei asi asingadi kudzidza Bhaibheri, munogona kumuratidza mamwe emagazini kana mabhurocha amunenge munawo momukumbira kuti asarudze raanoda. Zvadaro chirongai kuzodzoka kuitira kuti munhu wacho arambe achifarira. Zvimwe anogona kuzobvuma kudzidza Bhaibheri.