RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/95 p. 2
  • Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwembiri yaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwembiri yaMwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Nhandaro—Farikanya Betsero, Dzivisa Misungo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • “Itai Zvinhu Zvese Kuti Mwari Akudzwe”
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Nei Zvichikosha Zvikuru Kuti Tigamuchire Vaeni Zvakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Nhandaro Yakanaka Inozorodza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 9/95 p. 2

Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwembiri yaMwari

1 Kunozorodza sei kusonganirana nehama dzedu nehanzvadzi dzinodiwa! (1 VaK. 16:17, 18) Tinoita ikoku pamisangano, pamagungano, pakokorodzano, uye muushumiri hwomumunda. Tinewo ushamwaridzani panguva dzisina kurongwa, seapo tinova nevaeni vanoshanyira musha wedu. Tichiita kudaro, tinoratidza mutsa uye tinokurudzirana. (VaR. 12:13; 1 Pet. 4:9) Pakuronga svitsa dzemichato, rangarira zano rakaisvonaka riri muNharireyomurindi yaOctober 15, 1984.

2 Kutandara Kwakarongwa: Tingave tichi“dya, kana [ti]chinwa, kana [ti]chiita chinhu chipi nechipi,” tinofanira ku“ita zvose kuti Mwari akudzwe.” (1 VaK. 10:31-33) Iri zano harisati richichengetwa nevamwe, uye zvinetso zvinopfuurira kukura nemhaka yokuungana kwokutandara kwakanyanyokura zvokusagona kutarisirwa. Muzvimwe zviitiko, mazana avanhu anokokwa kukutandara kwakasanorongwa uko varaidzo yenyika inosimbiswa. Pane dzimwe nguva avo vanopinda vanokumbirwa kubhadhara mari yokupinda kana kuti imwewo. Kuungana kwakadaro kwakasanofanana nezvinoitika zvenyika, mudzimu wayo usingawirirani netsika dzakanaka nenheyo dzeBhaibheri.—VaR. 13:13, 14; VaEf. 5:15-20.

3 Kwakashumwa kuti Zvapupu zvakawanda zvakaungana pazvivako zvinorendwa uko varaidzo iri isina kunaka uye iri yenyika uye uko kusina tarisiro yakafanira. Mibato yakafanana yakashambadzirwa sokupera kwevhiki kwe“Zvapupu zvaJehovha” yakaitwa pahotera kana kuti kunzvimbo dzokuzorora. Nemhaka yechinetso chokutarisira zvakanaka mapoka makuru akadaro, zvinetso zvakamuka. Ruzha, kunyanyisa muzvinwiwa zvinodhakisa, uye kunyange unzenza pane dzimwe nguva zvakava migumisiro yacho. (VaEf. 5:3, 4) Kuungana kwokutandara uko mufambiro wakadaro unoitwa hakusati kuchikudza Jehovha. Panzvimbo pezvo, iko kunounza ruzvidzo pazita rakanaka reungano uye kunogumbura vamwe.—1 VaK. 10:23, 24, 29.

4 VaKristu vanokurudzirwa kuratidza mutsa, asi simbiso inofanira kunangidzirwa patsinhano yomudzimu. (VaR. 1:11, 12) Kuungana kwavanhu vashoma kazhinji kazhinji ndiko kwakanakisisa. Bhuku raUshumiri Hwedu rinoti pamapeji 135-6: “Padzimwe nguva, mhuri dzinoverengeka dzingakokwa kuno mumwe musha nokuda kwesonganiro youshamwari yechiKristu. . . . Nenzira ino mufungo, avo vari vachinguri mune zvinoitika zvakadaro vanofanira kunzwa vane mutoro ivo vamene nokuda kwechinoitika. Vachirangarira ikoku, vaKristu vanocherekedza ukama hwokuganhurira hukuru hwamapoka akadaro nourefu hwenguva yokuunganako.” Jesu akaratidzira kuti hapana chinhu chakasanorongwa chinodikanwa apo nharidzano yedu inenge iri yokukurudzira shamwari dzedu mumudzimu.—Ruka 10:40-42.

5 Chinhu chakaisvonaka kuratidza mutsa kuvaKristu biyedu. Zvisinei, pane musiyano mukuru pakati pokuungana kune mwero mumusha wedu nechinoitika chakasanorongwa chinoratidzira mudzimu wenyika munzvimbo yakarendwa. Apo unokoka vamwe kuti vave vaeni vako, unofanira kuva nechokwadi chokuti unogona kugamuchira mutoro wakazara nokuda kwezvinoitika.—Ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1992, mapeji 17-20.

6 Zvirokwazvo, Jehovha akatikomborera nouhama umo tinowana kurudziro inozorodza iyo inotinyandura kupfuurira mumabasa akaisvonaka. (Mat. 5:16; 1 Pet. 2:12) Kupfurikidza nokuratidzira mwero uye kuva nomufungo mumibato yokutandara, tichaunza nguva dzose mbiri kuna Mwari wedu uye kuva vanovaka kuvamwe.—VaR. 5:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe