Misangano Yebasa yaSeptember
Vhiki Inotanga naSeptember 4
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo Nezviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.
20 min: “Betseranai Kubatira Nguva Dzose.” Hurukuro inonyandura. Simbisai kudikanwa kwokuti vose varambe vakasimba mumudzimu kupfurikidza nokugoverana nguva dzose mubasa romumunda uye kushuma ikoku mwedzi nomwedzi. Uyewo kudikanwa kwokubetsera vamwe kuita zvimwe chetezvo.
15 min: “Betsera Vamwe Kuti Vazvibetsere Vamene.” Hwirudzurai mharidzo dzakarakadzwa, uye ipapo ivai nemienzaniso miviri mipfupi.
Rwiyo 204 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 11
5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.
22 min: “Kuchengeta Murangariro Wakadzikama Woruzivo Rwamakomupiyuta.” Wedzero. Mibvunzo nemhinduro. Ravai ndima dzinokosha, dzakadai sendima 4-8 uye 12-13, kana nguva ichibvumira. Kana iyi nyaya isingashandi muungano yenyu, kurukurai nyaya inoti, “Kudzinga—Igadziriro Yorudo Here?” inobva muNharireyomurindi yaJuly 15, 1995, mapeji 25-7.
18 min: “Inharidzanoi Dzamakagadzira Vana Venyu?” Mibvunzo nemhinduro. Itai kuti pwere imwe kana kuti mbiri dzomuenzaniso kana kuti vakura avo vakabatira Jehovha kubva paupwere hwavo varondedzere nokupfupikisa kubetserwa kwavakaitwa navabereki vavo kusarudza nharidzano dzakakodzera dzakanangidzirwa pafariro dzoUmambo.
Rwiyo 187 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 18
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.
15 min: “Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu.” Hurukuro ine upenyu inopiwa nomutariri webasa, yakavakirwa pandima 1 kusvikira ku12 dzewedzero.
20 min: “Tevera Fariro Yose Kuti Ubetsere Vamwe.” Hwirudzurai mharidzo dzinokarakadzwa nokuda kweshanyo dzedzokerero. Hama inoitisa urwu rutivi inokurukura nevaparidzi vaviri kana kuti vatatu chavachataura uye ipapo inovakumbira kuenzanisira mharidzo dzavo.
Rwiyo 162 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 25
5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.
15 min: “Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwembiri yaMwari.” Hurukuro nekurukurirano navateereri inoitiswa nomukuru. Kana nguva ichibvumidza, itai tsinhiro dzokuwedzera dzakavakirwa paNharireyomurindi yaAugust 15, 1992, mapeji 15-20.
10 min: “Kunzverwa naJehovha—Nei Kuchibetsera?” Hurukuro inokurudzira inopiwa nomukuru.
15 min: “Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu.” Kurukurai navateereri ndima 13 kusvika ku16 dzewedzero. Simbisai kuita nhamburiko chaiyo yokuparadzira Nharireyomurindi neMukai! mukati maOctober. Sezvo magazini acho achibudiswa mumitauro yakasiyana-siyana, tinofanira kuudza vanhu vanotaura mutauro wokumwe kuti magazini anowanikwa mumutauro wavo. (Ungano yomunzvimbomo inotaura mutauro wokumwe yakagoverwa kundima iyoyo inofanira kuziviswa.) Mundima inoshandwa kazhinji kazhinji, kuparadzira magazini edu kunogona kuva nzira inobudirira zvikurusa yokusakurira nayo fariro, sezvo achigovera mashoko matsva pahwaro hwevhiki nevhiki. Uko fariro inowanwa pashanyo dzedzokerero, govera kuzvinyoresa. Ita kuti boka remhuri riratidzire rusando rwerovedzo, sezvinorondedzerwa mundima 13. Uyewo, ratidzirai zvimwe zvikarakadzo zvinoshanda zvokuwedzera zvinogoverwa.
Rwiyo 193 nomunyengetero wokugumisa.