Bhokisi Remibvunzo
◼ Kwakafanira here kuripira chokufambisa chinogoverwa navamwe?
Vamwe vedu tine mamiriro ezvinhu anoda kuti titsamire pavamwe nokuda kworubatsiro mukupinda misangano nguva dzose uye kugoverana mubasa romumunda. Hama nehanzvadzi dzakawanda nenzira yomutsa dzinoita nhamburiko chaiyo ndokushandisa nguva yavo nenzira yorudo, motokari dzavo, uye zvimwe zvinhu kuti dzigovere chokufambisa nokuda kwedu. Kunyange zvazvo vangafanira kugadzirira nokukurumidza kupfuura zvavaizoita uye vanononotswa kudzokera kumba, ivo vanogovera chokufambisa chacho nomudzimu wokudisa.
Somune rumwe rutivi rwuri rwose rwoushumiri hwedu hwechiKristu, nheyo inowanwa pana VaGaratia 6:5 inoshanda: “Mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.” Naizvozvo, kana mumwe munhu nguva dzose achitigovera chokufambisa, tinofanira kuratidza kuonga kwedu kwete bedzi kupfurikidza namashoko edu asiwo, kana sezvinobvira tichigona, kupfurikidza nomupiro une mufungo wokubetsera kutarisira ndyiko dzinobatanidzwa.—Mat. 7:12; 1 VaK. 10:24.
Kunyange kana munhu ari kushandisa motokari yake asingakumbiri rubatsiro rwezvemari uye asingaratidziki kuva anoda rwakadaro, kupiwa kwapachokwadi kwomupiro nguva dzose kunoongwa. Mutyairi angaramba kugamuchira chinhu chipi nechipi; uye, chokwadika, ichocho chinofanira kuva chisarudzo chake chokuita. Asi kwakarurama kuti iwe upe. Kana usingakwanisi kupa chinhu chipi nechipi panguva yacho, unogona kukurangarira; ungakwanisa kupa chimwe chinhu chomuraudzo nguva inotevera yaunobvuma kutakurwa.—Ruka 6:38.
Rudo rukuru zvikuru nokuda kwaavo vane motokari kugovera chokufambisa nokuda kwavamwe zvimwe vangadai vasina kukwanisa kupinda misangano kana kuti kugoverana muushumiri hwomumunda. (Zvir. 3:27) Panguva imwe cheteyo, rudowo nokuda kwaavo vanobetserwa nomutsa wakadaro kuratidza kuonga kwavo kupfurikidza nokuripira mukuwirirana nemamiriro avo ezvinhu.—VaK. 3:15.