RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/96 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 9/96 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaSeptember: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano nokuda kwe$15,00 (chinyorwa chiduku: $7,50) kana kuti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. October: Kuzvinyoresa kwemagazini eMukai! kana kuti Nharireyomurindi nokuda kwe$25,00 kwegore rimwe kumwe kana kuti $12,50 kwemwedzi mitanhatu. (Cherekedzai: Mukai! i$12,50 kwegore rimwe uye hakuna kuzvinyoresa kwemwedzi mitanhatu.) November: Ripi neripi remabhurocha anotevera nokuda kwe$1,50: Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, kana kuti bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. December: Bhaibheri—iShoko raMwari Kana Kuti Romunhu Here? nokuda kwe$5,00 kana kuti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anogadzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana September 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Itai chiziviso kuungano apo ikoku kunenge kwaitwa.

◼ Vaparidzi vari kuronga kubatira semapiyona ebetsero muna October vanofanira kupinza kumbiriso nokukurumidza. Ikoku kuchabvumira vakuru kuita gadziriro dziri madikanwa nokuda kwemagazini, mabhuku, uye ndima.

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kutevera mirayiridzo inopiwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi, yaApril 15, 1991, pamusoro pevanhu vapi nevapi vakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musonganiro avo vangada kudzorerwa.

◼ Kunokosha kuti mapoka evanhu 30 kana kuti vanopfuura vari kuronga kushanyira zvivako zveSosaiti vatange kunyorerana tsamba neSosaiti. Tapota goverai mashoko pamusoro penhamba iri kuuya uye misi nenguva dzokushanya. Zvisinei, vanhu vamwe nevamwe, kana kuti mapoka asingasviki nhamba yadudzwa pamusoro apa vangashanyira Bheteri panguva ipi neipi mukati memaawa okushanda.

◼ MUNYORI: Kana piyona wenguva dzose akatamira muungano yenyu, kana kuti akachinja zita rake, munofanira kutizivisa nezveiyi chinjo, sezvinokumbirwa seri kweKadhi Remushumo Weungano (S-1). Panguva imwe cheteyo, batanidzai Kadhi rake Rezivikanwo Yapiyona (S-202) uye ipapo tichakutumirai kadhi idzva. Kunokosha kuti mutevere iyi nhungamiro.

◼ Nokusvika kwemazuva anodziya ezhizha uye maawa marefu zvikuru emasikati, tinokurudzira ungano dziri munharaunda umo kupupura kwemanheru kunobvira kuronga nokuda kwaikoku. Vanhu vakawanda vasiri pamusha mukati mezuva vangaonanwa navo neiyi nzira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe