Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
1 VaKristu vapakuvamba vakaparidza mashoko akanaka kwose kwose. Vakanga vachishingaira kwazvo zvokuti mukati memakore 30 orumuko rwaJesu Kristu, shoko roUmambo rakanga ra“paridzwa muchisiko chose chiri pasi pedenga.”—VaK. 1:23, NW.
2 Vabatiri vaJehovha vanoshingaira vanhasi vane chinangwa chimwe chetecho—kusvika munhu ari wose anobvira nemashoko akanaka oUmambo. Chii chinogona kutibetsera kuita iyi nharidzano? Vanhu vakawanda zvikuru vari kushanda nguva yakazara uye kazhinji kazhinji havasi pamusha apo tinoshanya. Apo vanenge vasiri kushanda, vangave vari kufamba, kutenga, kana kuti kuronda chimiro chakati chenhandaro. Vakafanirwa pakati pavo vari kusvikwa sei neshoko roUmambo?—Mat. 10:11.
3 Vamwe vari kukurukurwa navo panzvimbo dzavo dzebasa. Kunyange mataundi maduku ane chikamu chebhizimisi uko vanhu vakawanda vanopedzera rutivi rukurusa rwezuva. Mumaguta makuru, vanhu vanoshanda munzvimbo dzemaindasitiri kana kuti zvivako zvehofisi zvine nhurikidzwa dzakawanda uye avo vanogara mumafurati anochengetedzwa zvikuru vari kuwana uchapupu—vakawanda kwenguva yokutanga. Pakupera kwevhiki, vamwe vakakurukurwa navo apo vakanga vakafaranuka panzvimbo dzenhandaro, nzvimbo dzokudzika musasa, kana kuti mumakoteji kana kuti panomira mabhazi, kana kuti munzvimbo dzine mashopu akawanda vakawanwa kuva vanoda mashoko akanaka.
4 Nhamba inowedzera yevaparidzi iri kuita nhamburiko chaiyo yokupupura munzvimbo dzavose, kupi nokupi uko vanhu vanogona kuwanwa. Pakutanga, izvi Zvapupu zvakanzwa zvichizengurira uye zvichiti ityei nemhaka yokuva zvakarovedzana nokuparidza mumamirire ezvinhu akarongeka zvikuru, sepaimba neimba. Zvinonzwa sei zvino?
5 “Kwakasimbisazve ushumiri hwangu!” inokuwa kudaro imwe hama ine ruzivo rwokuzviwanira. Imwe inowedzera, kuti: “Kunondichengeta ndakabatikana.” Mumwe piyona akura anotsinhira, kuti: “Kwave kuchisimbisa mundangariro, mumuviri, uye mumudzimu, . . . uye ndichiri kukura.” Mumwe muparidzi anotsinhira kuti zvino ari kusvika vanhu vakawanda avo vasina kutongotaura neZvapupu zvaJehovha kare. Vanhu vaduku vari kuitawo nembavarira iri basa rinofadza. Imwe pwere inozvitaurira imene neiyi nzira: “Kunofadza nemhaka yokuti unosvika pakutaura nevanhu vakawanda kwazvo.” Imwe inoti: “Ndiri kugovera mabhuku akawanda kupfuura nakare kose!” Kwose ikoku kuri kuitika mundima inoshandwa yashandwazve.
6 Vatariri Vanofambira Vari Kutungamirira: Ichibvuma kuti “mugariro wenyika ino unopfuura,” Sosaiti nguva pfupi ichangobva kupfuura iyi yakakarakadza kuti vatariri vanofambira vagadziridze rudungwe rwavo rwebasa romumunda vhiki nevhiki kuti vanhu vakawanda sevanobvira vagosvikwa nemashoko akanaka. (1 VaK. 7:31) Kwemakore akawanda, vatariri vematunhu vaitsaura mangwanani emazuva epakati pevhiki kuti vapinde mubasa repaimba neimba, nepo masikati aipiwa kukuita shanyo dzedzokerero nokuitisa fundo dzeBhaibheri dzepamusha. Mudzimwe nharaunda, rudungwe irworwo rungave rwuchiri kushanda. Mune dzimwe, zvishomanene zvingaitwa kupfurikidza nokushanda paimba neimba mukati memangwanani akati emazuva epakati pevhiki. Muzviitiko zvakadaro, mutariri anofambira angasarudza kuti pakuvamba mukati mezuva kwaizova kwakanaka kuita basa repachitoro nechitoro kana kuti kupupura kwomumugwagwa. Kana kuti angaronga kuti mapoka maduku apupure muzvivako zvehofisi zvine nhurikidzwa dzakawanda, nharaunda dzemashopu, panomira mabhazi, kana kuti dzimwe nzvimbo dzavose. Nokushandisa zvinobudirira zvikuru nguva inowanika nokuda kwebasa romumunda kwevaparidzi, vamwe vanhu vakawanda zvikuru vachakurukurwa navo.
7 Mishumo inoratidzira kuti iyi gadziridzo yakagamuchirwa zvakanaka zvikuru nevatariri vanofambira nevaparidzi zvakafanana. Mitumbi yevakuru yakati yakakumbira mutariri wedunhu kuti arovedze vaparidzi vashomanene mumativi ebasa iro rinoda ngwariro munzvimbomo. Kwave kuchibetsera kuti ava vaparidzi vaende pamwe chete nomutariri anofambira sezvo anoita mumwe weiyi mibato. Ivowo vakakwanisa kurovedza vamwe. (2 Tim. 2:2) Somugumisiro, vanhu vakawanda zvino vari kusvikwa nemashoko akanaka.
8 Chokwadika, hamufaniri kumirira mutariri wedunhu kuti ashanye kuti muedze dzimwe dzeidzi nzira dzokuparidza. Heino mifungo yakasiyana-siyana yamungawana ichishanda mundima yenyu:
9 Kupupura Kwomumugwagwa: ‘Vanhu vose vari kupiko?’ pane dzimwe nguva tinoshamisika sezvatinoshanyira nharaunda inogarwa isina vanhu pamangwanani ezuva romukati mevhiki. Vamwe vangawanwa vachifambira zvebhizimisi kana kuti kutenga. Wati waedza kuvasvika kupfurikidza nokupupura kwomumugwagwa here? Apo runoitwa nenzira yakarurama, urwu rutivi rwoushumiri runogona kuva runobudirira zvikuru. Panzvimbo pokumira panzvimbo imwe nemagazini, kwakanakisisa kusvika vanhu ndokutanga kurukurirano youshamwari. Hakusi madikanwa kupa uchapupu kumupfuuri ari wose. Taura neavo vasiri kumhanya-mhanya, vakadai sevanotarira zvinoratidzirwa mumawindo ezvitoro, avo vari mumotokari dzakapakwa, kana kuti vanhu vakamirira chokufambisa chavose. Kutanga, ungangopa kwaziso youshamwari ndokumirira mhinduro. Kana munhu wacho achidisa kutaura, bvunza mufungo wake pamusoro penhau yaunorangarira kuti ingamufadza.
10 Apo akanga achishanyira imwe ungano, mutariri anofambira akakumbira vaparidzi vatanhatu kukumbanira iye nomudzimai wake mukupupura kwomumugwagwa. Nemigumisiroiko? “Takava nemangwanani akaisvonaka!” anoshuma kudaro. “Pakanga pasina vasiri pamusha. Magazini makumi masere nematurakiti akawanda zvakagoverwa. Takava nekurukurirano dzinoverengeka dzinonyandura. Mumwe wevaparidzi, uyo akanga ari mubasa romumugwagwa kwenguva yokutanga, akakuwa, kuti: ‘Ndave ndiri muzvokwadi kwemakore akawanda uye ndaisaziva chandakanga ndichirasikirwa nacho!’ Pakasvika kupera kwevhiki, mugove weungano waiva nemagazini akanyanyowandisa wakaderera.”
11 Apo akanga achibatira ungano yaitevera, mutariri anofambira mumwe cheteyo akawana kuti vaparidzi vanoverengeka vakanga vagoverana mukupupura kwomumugwagwa pakuvamba mamwe mangwanani asi vakava nebudiriro yakaganhurirwa bedzi. Imwe hanzvadzi yakanga yataura nevanhu vaviri bedzi mukati menhambo yose yokupupura, sezvo munhu ari wosewo zvake wayaisangana naye akanga achimhanyira kubasa. Mutariri anofambira akakarakadza kuti vose vadzokere kumugwagwa mumwe chetewo gare gare mumangwanani acho. Vakadaro, uye vakaramba variko kusvikira pamasikati makuru. Hanzvadzi iyo yakanga yava nekurukurirano mbiri bedzi pakuvamba zvikuru mumangwanani yakaita zviri nani zvikuru apo yakadzokera. Yakagovera magazini 31 nemabhurocha 15, yakawana mazita nekero zvevanhu vanomwe, uye yakatanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha mbiri! Vamwe vaiva muboka racho vakava nemigumisiro inofadza nenzira yakafanana.
12 Apo unowana mumwe munhu anoratidza fariro, edza kuwana zita romunhu wacho, kero, uye nhamba dzorunhare. Panzvimbo pokukumbira mashoko acho zvakananga, ungati: “Ndafarikanya kurukurirano ino. Pane nzira ipi neipi yatinogona nayo kuipfuudzira pane imwe nguva here?” Kana kuti bvunza kuti: “Pane nzira ipi neipi yandinogona kukuwanai pamusha here?” Vakawanda vanokurukurwa navo neiyi nzira vanobvuma shanyo yedzokerero. Iva nechokwadi chokuva nemugove wakakwana wemahendibhiri okushandisa mukukoka vapi nevapi vangada kupinda misangano yedu.
13 Kana ukataura nomunhu anofarira anogara mundima yakagoverwa kune imwe ungano, unofanira kupa mashoko acho kuungano iyoyo kuti hama dziri ikoko dzigogona kutevera fariro yacho. Kupupura kwomumugwagwa kunogona kuva nzira inobudirira yokuparadzira nayo mashoko akanaka munharaunda yenyu here? Kana zvakadaro, hwirudzura nyaya inoti “Kuwana Vanofarira Kupfurikidza Nokupupurira Mumugwagwa Kunobudirira” iri muchinyorwa chaJuly 1994 choUshumiri Hwedu hwoUmambo. Ipapo ronga kuita kupupura kwomumugwagwa panguva yakarurama yezuva iyo ichakugonesa kusvika vanhu vakawanda sevanobvira.
14 Kupupura Muchifambiso Chavose: Mamwe mangwanani mapiyona akati akasarudza kupupura kuvanhu vakanga vakamirira bhazi pedyo nekoreji yomunzvimbomo. Nepo vakava nekurukurirano dzinofadza, pakanga pane chinetso. Paisvika nguva apo kurukurirano yaifambira mberi zvikuru, bhazi raibva rauya, richigumisa kurukurirano yacho nechimbichimbi. Mapiyona acho akapedza chinetso chacho kupfurikidza nokukwira bhazi uye kupfuurira kupupura kuvakwiri sezvo vaienda kune rumwe rutivi rwetaundi. Pakuguma kwerwendo rwacho, mapiyona aidzoka nebhazi, achipupura sezvo aifamba. Pashure penzendo dzinoverengeka dzokuenda nokudzoka, vakahwerengedza migumisiro yenhamburiko dzavo: Magazini anopfuura 200 akagoverwa uye fundo dzeBhaibheri nhanhatu dzakatangwa. Vamwe vakwiri vakapa nokudisa kero yavo nenhamba dzorunhare kuti vagogona kushanyirwa kumba. Vhiki yakatevera, mapiyona acho akadzokera panomira bhazi ndokutevera mutoo mumwe chetewo sewaakamboita. Akagovera magazini 164 ndokutanga imwe fundo yeBhaibheri yepamusha. Pane pamwe panomira bhazi mumwe mukwiri akakwira bhazi ndokugara pachigaro bedzi chaiwanika—pedyo napiyona. Akatarira kuhama yacho ndokuti achinyemwerera: “Ndinoziva, mune Nharireyomurindi nokuda kwangu.”
15 Vaparidzi vakawanda vanopa uchapupu hunobudirira apo vanenge vachifamba nebhazi, chitima, kana kuti ndege. Unogona sei kutanga kurukurirano nomukwiri akagara pedyo newe? Mumwe muparidzi ane makore 12 okukura akangovamba kurava kopi yeMukai! ari mubhazi, achikarira kunyandura kuda kuziva kwomusikana wechiduku akanga akagara pedyo naye. Kwakashanda. Musikana wacho akamubvunza kuti chii chaakanga achirava, uye pwere yacho yakapindura kuti yakanga ichirava pamusoro pemhinduro yezvinetso izvo vanhu vaduku vanofanira kutarisana nazvo. Yakawedzera kuti akanga abetserwa zvikuru nenyaya yacho uye kuti yaigona kumubetserawo. Akagamuchira nokudisa magazini acho. Kurukurirano yavo yakanzwiwa vasiri kuzviziva nedzimwe pwere mbiri idzo dzakakumbirawo makopi emagazini acho. Pana ikoku, muchairi webhazi akatsaukira mumucheto momugwagwa ndokubvunza chikonzero nei pakanga pane kufarira zvikuru kwazvo aya magazini. Apo akaziva, akagamuchirawo makopi. Chokwadika, hapana nokumwe kwaikoku kwaizodai kwakabvira kudai muparidzi muduku akanga asina kuva nemugove wakakwana wemagazini okugoverana nomunhu ari wose airatidza fariro!
16 Kupupura Mumapaka Nomunzvimbo Dzokupaka Motokari: Apo mamirire okunze anobvumidza, kupupura mumapaka nomunzvimbo dzokupaka motokari inzira yakaisvonaka yokusvika nayo vanhu. Wakaedza kupupura munzvimbo yokupaka motokari yenzvimbo yemashopu here? Apo unosvika ipapo, iva nenhambo shomanene dzokucherekedza makakupoteredza. Tsvaka mumwe munhu asiri kumhanya-mhanya kana kuti akamirira ari mumotokari yakapakwa uye edza kutanga kurukurirano youshamwari. Kana kurukurirano ikapfuurira, pinza shoko roUmambo. Edza kushanda uri woga asi uine mumwe muparidzi munharaunda yacho. Dzivisa kutakura bhegi guru, rinorema kana kuti mudzimwe nzira kukwezva ngwariro kubasa rako. Iva akachenjera. Kungava kwakanakisisa kupedza nguva pfupi bedzi munzvimbo imwe yokupaka motokari ipapo ndokuenda kune imwe. Kana mumwe munhu asingadi kukurukura newe, enda hako nenzira yokuremekedza ndokutsvaka mumwe munhu wokusvika. Ichishandisa iyi mitoo, imwe hama yakagovera magazini 90 mumwedzi mumwe apo yakanga ichipupura munzvimbo dzokupaka motokari.
17 Kupupura Kusina Kurongwa Munzvimbo Ine Mashopu Akawanda: Nepo kusingabviri nguva dzose kuparidza nenzira yakarongwa pachitoro nechitoro munzvimbo ine mashopu akawanda nemhaka yeganhuriro dzomunzvimbomo pamibato yakadaro, vamwe vaparidzi vanovamba mikana yokupupura imomo nenzira isina kurongwa. Vanogara pabhenji ndokutanga kurukurirano youshamwari nevamwe vanomira kuti vazorore. Apo fariro inoratidzwa, vanogovera nokuchenjera turakiti kana kuti magazini ndokuedza kuita gadziriro dzeshanyo dzedzokerero. Pashure pokupedza maminiti mashomanene muchikamu chimwe chenzvimbo yacho ine mashopu akawanda, vanopfuurira kune chimwe ndokupinza mumwe munhuwo zvake mukurukurirano. Chokwadika, kungwarira kunofanira kuitwa kuti tisakwezve ngwariro isina kufanira apo tinenge tichipupura zvisina kurongwa neiyi nzira.
18 Apo unenge uchikwazisa munhu, vamba kurukurirano noushamwari. Kana muteereri wako akapindura, bvunza mubvunzo, ipapo sanoteerera sezvo anotaura. Iva nokufarira kwomunhu oga zvaari kutaura. Ratidza kuti unokoshesa mufungo wake. Apo kunobvira, bvumirana naye.
19 Imwe hanzvadzi yakava nekurukurirano inofadza nemumwe mukadzi akwegura kupfurikidza nokududza kuti ndyiko dzokurarama dzazova dzakakwira sei. Mukadzi wacho akabvuma nokudisa, uye kurukurirano mhenyu yakavapo somugumisiro. Hanzvadzi yacho yakakwanisa kuwana zita nekero zvomukadzi wacho, uye shanyo yedzokerero yakaitwa vhiki imwe cheteyo.
20 Kushanda Pachitoro Nechitoro: Dzimwe ungano dzine bhizimisi iro dzinoshanda nguva dzose. Hama inotarisira ndima ingagadzira makadhi chaiwo emapu dzeidzi nzvimbo dzebhizimisi dzakabatikana zvikuru. Makadhi api neapi emapu dzendima dzinogarwa anodzibatanidza anofanira kuratidza zvakajeka kuti mabhizimisi haafaniri kushandwa sorutivi rwendima yacho. Mune dzimwe ndima, nzvimbo dzebhizimisi dzinogona kushandwa pamwe chete nenzvimbo dzinogarwa. Vakuru vangakumbira vaparidzi vanokwanirisa kuti vashande ndima dzebhizimisi nguva dzose zvokuti basa repachitoro nechitoro hariregeredzwi.
21 Kana ukakumbirwa kugoverana muiri basa uye usina kutongoriita kare, nzira yakanaka yoku‘wana ushingi’ ndeyokushanda mashopu maduku zvikuru mashomanene kutanga; ipapo, apo unonzwa une chivimbo zvikuru, shanda makuru zvikuru. (1 VaT. 2:2) Apo unenge uchishanda pachitoro nechitoro, pfeka sezvawaizoita kudai wakanga uri kupinda musangano paHoro yoUmambo. Kana zvichibvira, pinda mushopu macho apo munenge musina vatengi vakamirira kubatsirwa. Kumbira kutaura namanija kana kuti nomunhu anotarisira. Iva ane ushamwari, uye kupfuura zvose, iva anopfupikisa. Hapana kudikanwa kwokunzwa urombo. Mabhizimisi akawanda anoda vatengi uye vakasvika pakukarira dzongonyedzo.
22 Pashure pokukwazisa mutengesi womuchitoro, ungataura izvi: “Vanhu vebhizimisi vane rudungwe rwakazara zvakadaro zvokuti hatiwanzovawana pamusha, naizvozvo tiri kukushanyirai pano panzvimbo yenyu yebhizimisi kuti tikusiyirei nyaya inonyandura kufunga zvikuru yokurava.” Ipapo ita tsinhiro imwe kana kuti mbiri pamusoro pemagazini iri kugoverwa.
23 Kana kuti ungaedza izvi apo unenge uchisvika manija: “Takacherekedza kuti vanhu vebhizimisi vanoedza kusanoziviswa. Chinyorwa chazvino cheNharireyomurindi (kana kuti Mukai!) chinosimbisa nyaya inotapura tose zvedu somunhu oga.” Tsanangura kuti ndeipi, uye gumisa nokuti: “Tine chokwadi chokuti muchafarikanya kuirava.”
24 Kana mune vashandi, uye kunoratidzika kuva kwakarurama, ungawedzera, kuti: “Mungada here kuti ndipe mharidzo pfupi imwe cheteyo kuvashandi venyu?” Kana mvumo ikapiwa, yeuka kuti wavimbisa kuva anopfupikisa, uye manija achakarira kuti uite sezvawataura. Kana vashandi vapi nevapi vachida kukurukura kwenguva yakareba, kwaizova kwakanakisisa kuvashanyira pamusha wavo.
25 Nguva pfupi ichangobva kupfuura iyi, vaparidzi vashomanene mutaundi duku vakakumbanira mutariri wedunhu mubasa repachitoro nechitoro. Vamwe vevaparidzi vacho vakanga vachitya pakutanga, vachiva vakanga vasina kutongoita basa racho kare; asi nokukurumidza vakasununguka ndokuvamba kurifarikanya. Muisingasviki awa, vakataura nevanhu 37 ndokugovera magazini 24 nemabhurocha 4. Imwe hama yakatsinhira kuti kazhinji kazhinji vaisakwanisa kuonana nevanhu vakawanda mumwedzi mumwe webasa repaimba neimba sezvavakaita apo vakanga vachishanda pachitoro nechitoro munguva pfupi iyoyo.
26 Kutanga Mikana Yokuparidza: Jesu haana kuganhurira kupupura kwake kumamirire ezvinhu akarongwa. Akaparadzira mashoko akanaka panhambo iri yose yakafanira. (Mat. 9:9; Ruka 19:1-10; Joh. 4:6-15) Cherekedza kuti vamwe vaparidzi vari kutanga sei mikana yokuparidza.
27 Vamwe vanouita muitiro kupupura kuvabereki vakamirira vana vavo pedyo nepanopindwa napo pechikoro. Sezvo vabereki vakawanda vachikurumidza kusvika nemaminitsi anosvika ku20, pane nguva yokuvapinza mukurukurirano inonyandura pamusoro wepaMagwaro.
28 Mapiyona akawanda anongwarira kusvika vanhu vangafarira chaizvo nhau yakati inobatwa nayo mumagazini edu. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yakawana kudavidza kwakanaka ichishanyira zvikoro zvitanhatu zviri mundima yeungano yayo nenhevedzano ye“Zvikoro Zviri Munjodzi,” iyo yakabuda muMukai! yechiNgezi yaDecember 22, 1995. Yakashanyirawo masangano anobetsera mhuri nemagazini pamusoro poupenyu hwemhuri nokubatwa zvisina kufanira kwevana uye yakapiwa rangano yenguva dzose yokudzokera nezvinyorwa zvenguva yemberi zvine misoro yakafanana. Kudavidza uko yakawana pahofisi yemarovha kuMukai! yaMarch 8, 1996, pamusoro pourovha kwakarondedzerwa se“kwakasimba.”
29 Mumwe mutariri weruwa anoshuma kuti iye nomudzimai wake vanopupura nguva dzose nenzira isina kurongwa apo vanenge vachitenga girosari ravo. Vanotenga panguva yezuva apo chitoro chinenge chisina vanhu vakawanda zvikuru, uye vatengi vacho vari kukwira nokudzika nemunofambwa namo vachifamba zvishoma nezvishoma. Vanoshuma kurukurirano dzakawanda dzakaisvonaka.
30 Vaparidzi vakawanda vanoshuma migumisiro yakanaka apo vanenge vachipupura kuvanhu vari munzvimbo dzavose dzokuwachira zvipfeko. Havangosiyi magazini apo panenge pasina munhu. Nharidzano yavo ndeyokusvika vanhu nemashoko akanaka, naizvozvo vanoedza kutaura pachavo neavo vari kushandisa nzvimbo yacho.
31 Mune dzimwe nzvimbo, vaparidzi vakasarudzwa vane mvumo yokupupura panhandare dzendege. Padzimwe nguva, vakava nomufaro wokupupura kuvafambi vemarudzi akawanda vanogara munyika umo vanhu vaJehovha vari vashomanene. Uko fariro inowanwa, vakagovera turakiti kana kuti magazini.
32 Kana vasingabvumidzwi kupupura pachavo kuvagari vomumafurati anochengetedzwa zvikuru mundima yeungano, vamwe vakaita muitiro wokupupura nokungwarira pakutaura kuvachengetedzi vari pabasa kana kuti kumamanija ari muhofisi dzokurenda. Mutoo mumwe chetewo unoshandiswa munzanga dzavanhu, dzine magedhi. Mumwe mutariri wedunhu nevaparidzi vashomanene vakashanyira zvivako zvemafurati zvinomwe neiyi nzira. Muchiitiko chimwe nechimwe, vakaudza manija kuti kunyange zvazvo vasingabvumidzwi kushanyira mafurati munzira yedu yenguva dzose, vaisada kuti arasikirwe nemashoko ari mumagazini azvino. Mamanija pazvivako zvose zvinomwe akagamuchira nomufaro magazini acho ndokukumbirawo zvinyorwa zvinotevera! Vagari vemuzvivako zvakadaro ipapo vanokurukurwa navo norunhare.
33 Zvishandise Umene Kuti Uparidze Kwose Kwose: Kurarama mukuwirirana netsauriro yedu kunobatanidza kunzwa pfungwa yekurumidziro pamusoro pomugove wedu wokuparidza shoko roUmambo. Kuti tisvike vanhu panguva yakavanakira, tinofanira kuisa parutivi zvatinoda zvedu zvomunhu oga kuti “nomutoo uri wose tigoponesa vamwe.” Vabatiri vose vakazvitsaurira vaJehovha vanoda kukwanisa kutaura, sezvakaita muapostora Pauro, kuti: “Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndigova mugoverani wawo nevamwe.”—1 VaK. 9:22, 23, NW.
34 Pauro akanyorazve, kuti: “Naizvozvo zviri nani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru noutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu. . . . Nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.” (2 VaK. 12:9, 10) Nemamwe mashoko, hapana nomumwe wedu aigona kuita iri basa nesimba rake amene. Tinofanira kunyengetera kuna Jehovha nokuda kwomudzimu mutsvene wake une simba. Kana tikanyengetera kuna Mwari nokuda kwesimba, tinogona kuva nechivimbo chokuti achapindura minyengetero yedu. Ipapo kuda kwedu vanhu kuchatisunda kutsvaka mikana yokuparidza mashoko akanaka kwavari, kupi nokupi kwavangawanwa. Mukati mevhiki inouya, kuregererei kuedza chimwe chezvikarakadzo zvinosimbiswa muwedzero ino?