Bhokisi Remibvunzo
◼ Ndezvipi zvinofanira kurangarirwa pamusoro pokurava ndima pamisangano?
Yakawanda yenguva inogoverwa nokuda kweFundo yeNharireyomurindi neFundo Yebhuku Yeungano inoshandiswa nokuda kwokurava ndima. Ikoku kunoreva kuti hama inogoverwa somuravi inotakura mutoro unorema somudzidzisi. Inofanira kurava nomutoo ucha‘isa revo’ mumashoko acho zvokuti vateereri havasati vachizoanzwisisa bedzi asiwo vachasundirwa kuchiito. (Neh. 8:8) Nokudaro, muravi anofanira kusanogadzirira nokuda kwomugove wake. (1 Tim. 4:13; ona fundo 6 yeBhuku rinoTungamirira reChikoro.) Hezvino zvimwe zvinokosha nokuda kwokurava pachena kune revo.
Shandisa Kusimbisa Pfungwa Kwakarurama: Sarudza pachine nguva mberi kuti mashoko api kana kuti zvikamu zvemashoko zvinofanira kusimbiswa kuti zvigosvitsa nzwisiso yakarurama.
Dudza Mashoko Zvakarurama: Kududza mashoko kwakarurama nokutaura kwakajeka zviri madikanwa kana vateereri vachizonzwisisa mashoko ari muchinyorwa chacho. Nzvera muduramanzwi mashoko asina kurovedzeka kana kuti asingawanzoshandiswi, kana kuti teerera makaseti akarekodwa eSosaiti.
Taura Zvinonzwika uye Nembavarira: Kutaurisa nembavarira kunoparira fariro, kunonyandura mirangariro, uye kunosunda muteereri.
Iva Ane Ushamwari Neanokurukura: Kuva wemuzvarirwo kunouya nokudekudza. Nokugadzirira nokurovedza, muravi anogona kuva akasununguka, uye mugumisiro wacho uchava unofadza panzvimbo pokufinha nokunetesa.—Hab. 2:2.
Rava Mashoko Sokudhindwa Kwaakaitwa: Mashoko omuzasi pamwe chete nemashoko ari mumapereni kana kuti zvikomberedzo anowanzoraviwa zvinonzwika kana achijekesa mashoko akadhindwa. Dzisingabatanidzwi bedzi ndidzo nongedzero dzinongozivisa manyuko emashoko. Mashoko omuzasi anofanira kuraviwa uko anonongedzerwa mundima, muchiasuma nokuti: “Mashoko omuzasi anorava kuti . . .” Pashure pokuarava, ingopfuurira nendima yose yasara.
Apo kurava pachena kunoitwa zvakanaka, ndeimwe yenzira dzinokosha dzatinogona nadzo ‘kudzidzisa vamwe kuchengeta zvinhu zvose zvakarayirwa’ noMudzidzisi wedu Mukuru.—Mat. 28:20.