Misangano Yebasa yaNovember
Vhiki Inotanga naNovember 4
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai pamusoro pomushumo webasa romumunda waJuly wenyika uye weungano yomunzvimbomo.
15 min: “Uri Kushandisa Shoko raMwari Zvakarurama Here?” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro pa“Zvikonzero zvokurangarira Bhaibheri,” kubva mubhuku raKurangarira, mapeji 39-40.
20 min: “Ikoku Kunoreva Upenyu Husingaperi.” (Ndima 1-5) Pashure petsinhiro pfupi dzokuzarura pandima 1, itai kuti vaparidzi vanokwanirisa vaviri vaenzanisire mharidzo dziri mundima 2-5. Simbisai nharidzano yokutanga fundo yeBhaibheri.
Rwiyo 128 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naNovember 11
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.
20 min: Kupirei Kuna Jehovha? Kurukurirano pakati pavakuru vaviri vachisimbisa mapfundo makuru munyaya iri pamapeji 28-31 eNharireyomurindi yaNovember 1, 1996. Kana kuti mashoko acho anogona kupiwa muhurukuro nomukuru.
15 min: “Ikoku Kunoreva Upenyu Husingaperi.” (Ndima 6-8) Kurukurai betsero dzokushandisa kusvika kwakananga kutanga fundo. Itai kuti vaparidzi vane ruzivo rwokuzviwanira vaenzanisire mharidzo dziri mundima 6-7. Kumbirai vateereri kurondedzera zvakaitika zveuko fundo yakatangwa pashanyo yokutanga. Apo akakarakadzirwa fundo zvakananga, mumwe munhu akapindura, kuti: “Hungu. Pindai. Ndingada kuva nefundo.” Fundo yakatangwa naye, mhuri yake yose yakavapowo vhiki yakatevera, uye nokukurumidza vose vakanga vavakupinda misangano nokugoverana mubasa rokupupura. Kurudzirai vose kuunza kopi yavo yewedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996 kuMusangano Webasa wevhiki inotevera.
Rwiyo 129 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naNovember 18
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai gadziriro dzebasa romumunda dzokupera kwevhiki ino.
15 min: “Tine Basa.” Mibvunzo nemhinduro. Tsinhirai nokupfupikisa pandima 13-16 muNharireyomurindi yaJanuary 1, 1988, mapeji 28-29.
20 min: Kuitisa Fundo dzeBhaibheri Dzinobudirira. Hurukuro inopiwa nomutariri webasa. Tave tichishandisa bhuku raZivo mubasa refundo dzeBhaibheri kwerinopfuura gore. Zvimwe vamwe vadzidzi vakatoripedza, nepo vamwe vafamba chaizvo mubhuku racho. Takakurudzirwa kunangidzira ngwariro pakuitisa fundo dzakarongwa kubetsera vatsva kudzidza chokwadi nokukurumidza, kuchishandisa muupenyu hwavo, uye kuva rutivi rweungano. Wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996 yakagovera zvikarakadzo zvakaisvonaka kutibetsera kuva vanobudirira savadzidzisi. Hwirudzurai nokupfupikisa zvimwe zvezvinhu izvo tinogona kuita kuti tidzidzise vadzidzi nounyanzvi, sezvinofukidzwa mundima 3-13 dzewedzero iyoyo. Tevere, nangidzirai ngwariro pazvinofanira kuitwa kuvabetsera kuva nechimiro chakananga, sezvinoratidzwa mundima 14-22. Ravai ndima 15, 17, 20-1. Hwirudzurai mishumo yakananga inoratidza mawanirwe akaitwa migumisiro yakanaka navaparidzi vomunzvimbomo. Kurudzirai vakawanda kugoverana mubasa refundo dzeBhaibheri.
Rwiyo 85 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naNovember 25
5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.
15 min: “Goverana Navamwe Maererano Nezvinodikanwa Zvavo.” Hurukuro inopiwa nomukuru.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Kurukurai navateereri.
15 min: Hwirudzurai mabhuku anogoverwa nokuda kwaDecember. Govera Bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Muchishandisa mapfundo ari muganhuro 12 ratidzai uchenjeri hunoshanda hunowanika muBhaibheri. Ndima 5-6 dzinoonesa uchenjeri hwokusarudza vasonganiri vane pesvedzero yakanaka. Kuvambira mundima 23-26 mune zano pamusoro poupenyu hwemhuri. Sezvinotaura ndima 31: “Apo vanhu vanotevera fundo yeBhaibheri, vanobetserwa.” Ratidzai uye enzanisirai mharidzo pfupi, muchishandisa mifungo iri papeji 189 yebhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Kupi kana kupi uko fariro inoratidzwa, gadziriro chaidzo dzinofanira kuitwa dzeshanyo yedzokerero.
Rwiyo 180 nomunyengetero wokugumisa.