RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/97 p. 2
  • Misangano Yebasa yaJanuary

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaJanuary
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJanuary 6
  • Vhiki Inotanga naJanuary 13
  • Vhiki Inotanga naJanuary 20
  • Vhiki Inotanga naJanuary 27
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 1/97 p. 2

Misangano Yebasa yaJanuary

Vhiki Inotanga naJanuary 6

Rwiyo 6

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai pamusoro pemushumo webasa romumunda waSeptember wenyika noweungano yomunzvimbomo.

20 min: Nguva Yokumutsidzira Kadhi reAdvance Medical Directive/Release. Mukuru akakwaniriswa anokurukura ukoshi hwokuzadza kadhi zvakakwana ndokuritakura nguva dzose. Gwaro iri rinokutaurira kana usingakwanisi kuzvitaurira mumamiriro ezvinhu anoda betsero yokukurumidza. (Enzanisa naZvirevo 22:3.) Kadhi idzva rinofanira kuzadzwa gore riri rose kupa kuzivisa kwazvino uno kwokuramba ropa, sezvo vamwe vanachiremba nevamwe vakataura kuti magwaro agara rinopfuura gore rimwe angasaratidzira chitendero chomunhu chazvino. Pashure pomusangano, vaparidzi vose vakabhabhatidzwa vachapiwa kadhi reAdvance Medical Directive/Release, uye avo vane vana vaduku vasina kubhabhatidzwa vachagamuchira Identity Card yomwana mumwe nomumwe. Tsanangurai kuti makadhi aya haafaniri kuzadzwa zuva iroro. Anofanira kuzadzwa nokungwarira kumba asi KWETE kusainwa. Kusainwa, kupupurirwa, uye kuiswa musi kwemakadhi ose kuchaitwa pashure peFundo Yebhuku Yeungano inotevera, mukutarisira kwomuitisi wefundo yebhuku. Achanzvera kuva nechokwadi chokuti vose vakagoverwa kuboka rake vakagamuchira kadhi uye vane rubatsiro runodikanwa. Avo vanosaina sezvapupu vanofanira kuona chaizvoizvo muridzi wekadhi achisaina gwaro racho. Munhu upi noupi asipo panguva iyoyo achabetserwa nomuitisi/vakuru paMusangano Webasa unotevera kutozosvikira vaparidzi vose vakabhabhatidzwa vazadza makadhi avo zvakafanira nokusainwa. (Hwirudzurai tsamba yaOctober 15, 1991.) Vaparidzi vasina kubhabhatidzwa, kana vachida, kupfurikidza nokuchinjira mutauro uri pakadhi iri kumamiriro ezvinhu zvavo nezvitendero, vanganyora rayiro yavo vamene kuti vashandise ivo vamene nevana vavo. Kushandisa uchenjeri mukutarisa uhu udzame hunokosha kuchafanirwa nezvakanaka zvinobva kuna Jehovha.—Zvir. 16:20.

15 min: “Takakwaniriswa Nokushongedzerwa Kudzidzisa Vamwe.” (Ndima 1-6) Itai tsinhiro pfupi pandima 1-2, muchisimbisa kudikanwa kwokuti tive nechivimbo chokuti nebetsero yaJehovha tinogona kudzidzisa vamwe nenzira inobudirira. Itai kuti vaparidzi vaviri navanasaimba vaviri vaenzanisire mharidzo dziri mundima 3-6, vaviri vamwe nevamwe vachiratidza nzira yokuita nayo shanyo yokutanga neshanyo yedzokerero.

Rwiyo 14 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 13

Rwiyo 16

13 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Simbisai mapfundo okutaura ari mumagazini azvino uno. Goverai zvikarakadzo pamusoro penzira yatinogona kuzvisuma nayo timene pakusvika vanhu kuti tipupurire nenzira isina kurongwa. Kumbirai vateereri kurondedzera mashoko okuzarura avakashandisa pakutaura kuvamwe muzvitoro, mumugwagwa, mupaka, muzvokufambisa zvavose, zvichingunodaro. Ratidzai gadziriro dzebasa romumunda dzokupera kwevhiki.

15 min: “Takakwaniriswa Nokushongedzerwa Kudzidzisa Vamwe.” (Ndima 7-9) Rondedzerai chakaitika pamusoro pokuita shanyo dzedzokerero chinowanwa mu1995 Yearbook, peji 45, muchisimbisa ukoshi hwokutevera fariro ipi neipi inenge yawanwa. Itai kuti muparidzi ane ruzivo rwokuzviwanira aenzanisire mharidzo dziri mundima 7-8. Kunyange zvazvo zvimwe zvinyorwa zvichitanga kugoverwa, tinofanira kunangidzira ngwariro panhamburiko dzedu pakuitisa fundo pakupedzisira mubhuku raZivo. Kurudzirai vose kuronga nguva yakati mukati mevhiki iri kuuya kuita shanyo dzedzokerero.

17 min: “Kugovera Vemhuri Yako—Kunangana Nedenho Yacho Munyika Dziri Kubudirira,” inobva muNharireyomurindi yaOctober 1, 1996, mapeji 29-31. Hurukuro inopiwa nomukuru nokutora rutivi kwavateereri. Mishumo inoratidza kuti mukuedza kuwana chokurarama nacho, dzimwe hama nehanzvadzi dzinopedza nguva yakawanda dzisina mhuri dzadzo. Somugumisiro, vana vazhinji vomumhuri idzi havasi kufambira mberi muchokwadi. Zvisinei, vabereki vanosarudza kushivirira mamiriro ezvinhu oupfumi akaipa panzvimbo pokusava nemhuri dzavo nguva dzose vakawana uchokwadi hwaVaH. 13:5, 6. Shandisirai mashoko aya munzvimbomo.

Rwiyo 15 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 20

Rwiyo 21

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

15 min: “Marudzi Ose Avanhu Achaponeswa.” Mibvunzo nemhinduro. Kumbirai vateereri kurondedzera nokupfupikisa zvimwe zvakaitika zvinoratidza mawanire avakaita davidzo yakanaka yakabva kuvanhu vemarudzi oupenyu hwakasiyana-siyana.

20 min: “Kupupurira Nomufambiro Wakanaka.” Mukuru anoita kurukurirano nepwere mbiri kana kuti nhatu. Kurukurirano yacho yakavakirwa paNharireyomurindi, yaAugust 15, 1987, mapeji 10-20. Batanidzai zvakaitika zvakabudiswa pamwe chete nezvakaitika munzvimbomo zvipi nezvipi zvinoratidzira nzira iyo vacherekedzi vakaororwa nayo nenzira yakanaka nomufambiro wakarurama wepwere dzechiKristu.

Rwiyo 23 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 27

Rwiyo 20

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

10 min: Hwirudzurai Bhokisi Remibvunzo nemunyori.

15 min: “Tino‘paridza Shoko.’” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro dzinoratidza chikonzero nei tichionga zvikuru ukoshi hweShoko raMwari.—Onai Mukai! yechiNgezi, yaMarch 22, 1984, mapeji 9-11.

15 min: Hwirudzurai Mabhuku Anogoverwa Nokuda kwaFebruary. Onesai mativi anofadza ebhuku racho, akadai se:(1) Misoro yemaganhuro inoorora, (2) mifananidzo ine mavara ose, (3) mabhokisi okudzidzisa nemachati, uye (4) mibvunzo yakadhindwa inonyandura kufunga. Mutsinhirano norutivi rwomusangano rwatangira rwuno, kurudzirai kushandiswa kwerugwaro rwakanyatsosarudzwa mumharidzo yacho. Itai kuti mharidzo imwe pfupi kana kuti mbiri dzienzanisirwe, muparidzi achigovera bhuku nokuda kwemupiro wenguva dzose. Yeuchidzai vose kutora mabhuku okushandisa vhiki ino.

Rwiyo 26 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe