RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/97 p. 2
  • Misangano Yebasa yaSeptember

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaSeptember
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naSeptember 1
  • Vhiki Inotanga naSeptember 8
  • Vhiki Inotanga naSeptember 15
  • Vhiki Inotanga naSeptember 22
  • Vhiki Inotanga naSeptember 29
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 9/97 p. 2

Misangano Yebasa yaSeptember

Vhiki Inotanga naSeptember 1

Rwiyo 26

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Isa Zvinhu Zvinokosha Zvikuru Pakutanga.” Mibvunzo nemhinduro. Kana nguva ichibvumidza, tsinhirai pamusoro po“Kuronga Zvinhu Zvakafanira Zvinofanira Kutanga” inobva muMukai! yaFebruary 22, 1987 yechiNgezi, mapeji 8-9.

20 min: “Kugoverana Nevamwe Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.” Hurukuro inofukidza ndima 1 ne6-8. Enzanisirai ndima 2-5. Simbisai kuti tinofanira kufunga nezvekuita vadzidzi ndokusvika vavariro yekutanga fundo.

Rwiyo 107 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 8

Rwiyo 27

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

10 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo.

10 min: “Fundo dzeBhaibheri Dzinoguma Nevadzidzi.” Hurukuro.

15 min: Mukuru anokurukura “Nyandurira Vadzidzi Kutsauriro Norubhapatidzo” (wedzero yeUshumiri hwa6/96, ndima 20-2).

Rwiyo 109 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 15

Rwiyo 30

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

15 min: Shandisa Zvakanaka Mavhidhiyo. Hwirudzurai zvikarakadzo zvekushandiswa kwemavhidhiyo eSosaiti uye rondedzerai zvakaitika zvomunzvimbomo zvinoratidzira nzira yekushandisa nayo zvikuru mavhidhiyo, mose muri muviri mumhuri dzedu uye muushumiri hwedu. Ungano dzekumaruwa dzingashandisa nguva iyi kukurukura mapfundo emushumo wekupedzisira weshanyo yemutariri wedunhu.

20 min: Uri Kushandisa Bhurocha raSchool Here? Mukuru anokurukura Nharireyomurindi yechiNgezi yaOctober 1, 1985, mapeji 30-1, nevabereki vakati nevana. Vanorondedzera zvakaitika zvavo zvemunhu oga vachishandisa bhurocha raSchool.

Rwiyo 112 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 22

Rwiyo 32

8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurudzirai vose kuunza bhuku raHushumiri Hwedu paMusangano Webasa wevhiki inouya.

17 min: Nzira Yokutanga Nayo Kurukurirano. Kubudirira kwedu kukuru muushumiri kunotsamira pakukwanisa kubatanidza vamwe vanhu mukurukurirano dzine revo. Patinokwanisa kutaura chimwe chinhu chinoita kuti vamwe vateerere, tinenge takurira imwe yemhinganidzo hurusa dzatinotarisana nadzo mukupupura. Kurukurai nevateereri zvikarakadzo zvinokosha zviri muBhuku rinoTungamirira reChikoro, fundo 16, ndima 11-14. Itai kuti vaparidzi vane unyanzvi uye vanobudirira mukutanga kurukurirano varondedzere mashoko okutanga avanoshandisa pakutaura kuvanhu vakadai se(1) munhu ari mumugwagwa, (2) ari mubhazi, (3) mutengesi wemuchitoro, (4) mutengi anosanganwa naye munzvimbo yekupaka motokari pazvitoro, (5) munhu akamirira chiremba, uye (6) mumwe anosanganwa naye mukupupura kusina kurongwa.

20 min: Hwirudzurai Mushumo Weungano Wegore Rebasa ra1997. Mutariri webasa anorumbidza ungano nokuda kwenhamburiko yakaisvonaka, zvikurukuru muna March, April, naMay. Anogovera zvikarakadzo zvekuwedzera basa remumunda uye mubato wefundo dzeBhaibheri zvinobva mumushumo wemutumbi wevakuru neweshanyo yokupedzisira yemutariri wedunhu. Tsanangurai dzimwe vavariro dzinoshanda dzegore idzva rebasa, muchibatanidza kutanga nokuitisa fundo dzeBhaibheri uye kuita upiyona hwebetsero mumwedzi ine kupera kwevhiki kushanu—November, May, August.

Rwiyo 113 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 29

Rwiyo 37

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Yeuchidzai vose kuunza mishumo yebasa remumunda. Dudzai kuti tichatanga kufunda bhuku raMufarwa Wemhuri vhiki inotevera pafundo yebhuku. Mukugadzirira basa remagazini muna October, kurukurai kudikanwa kweku“Ongorora Ndima Yako,” “Zvirovedzanis[a] Umene Nemagazini Acho,” “Gadzirira Mashoko Ako Okutanga,” “Chinjika kuna Saimba,” uye “Batsirana,” zvinobva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996, peji 8.

15 min: “Michato Inokudza Jehovha.” Hurukuro inopiwa nemukuru iri muNharireyomurindi yaApril 15, 1997, mapeji 23-6.

15 min: Kudza Ushumiri Hwako. Kurukurirano nevateereri yebhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 81-3. Bvunzai mibvunzo iyi kuti musimbise mapfundo makuru: (1) Tinobetserwa sei nokutevera muenzaniso waJesu? (2) Basa redu rekuparidza rinokosha sei? (3) Zvinhu zvipi zvakatisunda kutsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha? (4) Rudzii rwomufambiro unodikanwa kana munhu achizobatira Mwari? (5) Chii chatinogona kudzidza mukuparidza kwaJesu?

Rwiyo 121 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe