Fundo dzeBhaibheri Dzinoguma Nevadzidzi
1 “Chinyiko chingandidzivisa [kuti] ndirege kubhabhatidzwa?” akabvunza kudaro mukuru mukuru weEtiopia pashure pokunge Firipo a“muparidzira pamusoro paJesu.” (Mabasa 8:27-39) Muchiitiko chomukuru mukuru, akanga achitova norudo rwemanyoro akafuridzirwa aMwari, uye pashure pokubetserwa mumudzimu naFiripo, akanga agadzirira kuva mudzidzi. Asi havasi vanhu vose vanopwiswa kuti vanofanira kuzvinzverera Magwaro.
2 Tinoonga kuti sangano raJehovha rakagovera bhurocha idzva, Mwari Anodei Kwatiri?, kuti rikurudzire vanhu kunzvera shoko reBhaibheri nokuda kwezuva redu. Mashoko ari mubhurocha racho anofanira kufadza vanhu vakatendeseka vangava vakadzidza asi vasingazivi zvakawanda pamusoro peBhaibheri. Ichi chishandiso chakaisvonaka chakagadzirirwa kusunda vanhu kuda kunzvera Bhaibheri.
3 Pakutanga fundo yeBhaibheri, zvingava zvinobetsera kuhwirudzura zvikarakadzo zvakaisvonaka zvakabudiswa muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996 pamusoro pokuti fundo inobudirira inogona kuitiswa sei mubhuku raZivo. Mufundo yacho, rangarira kufambira mberi kuri kuitwa nemudzidzi kuitira kuti ugone kuziva kuti inharaunda dzipi dzinoda imwe ngwariro. Kurudzira mudzidzi kugadzirira zvidzidzo zvake pachine nguva, achinzvera magwaro. Tsinhiro dzinoitwa nemashoko ake dzingaratidzira kunzwisisa kwake chokwadi nemwoyo wose. Kufambira mberi kwekukurumidza kakawanda kunoitwa neavo vanorava zvinyorwa zvokuwedzera zveSosaiti uye vanopinda misangano yeungano nguva dzose. Mukurudzire kutaura nenzira isina kurongwa kuvamwe pamusoro pezvaari kudzidza. Muratidze nomutsa zvaanofanira kuita kuti afambire mberi mumudzimu. Hatifaniri kuitisa fundo kwenguva isingazivikanwi kuvasingaiti chisarudzo. Vadzidzi vanofanira kutanga kudzidza, kutsigira chokwadi zvakasimba, uye kufambira mberi kusvika kutsauriro norubhabhatidzo.
4 Mudzimwe mhuri, inopfuura fundo imwe iri kuitiswa, sezvo mitezo yemhuri yakasiyana inova nefundo dzakaparadzana. Zvisinei, kuva nefundo yemhuri yakabatana kungasarudzwa muzviitiko zvakawanda, sezvo zvingabetsera kubatanidza mhuri yacho mumudzimu.
5 Murayiro waJesu ndewokuti tiende kunoita vadzidzi. (Mat. 28:19) Kuti tiite kudaro, tinofanira kuitisa fundo dzeBhaibheri dzinobetsera vadzidzi kufambira mberi kusvika panguva yavangagona kubvunza kuti, “Chinyiko chingandidzivisa [kuti] ndirege kubhabhatidzwa?”