Kurukura Nevakwanyina Vasiri Zvapupu
1 Zvinoparira mufaro mukuru kana vakwanyina vakabatana mukunamata kwechokwadi. Zvisinei, mumhuri dzakawanda mumwe bedzi wevaroorani vacho akagamuchira nzira yechokwadi. Tinogona sei kukurukura nevakwanyina ava vasiri Zvapupu ndokuvakurudzira kunamata Jehovha pamwe chete nesu?—1 Tim. 2:1-4.
2 Nzwisisa Kufunga Kwavo: Kunyange zvazvo vamwe vakwanyina vasiri Zvapupu vangave vachishora, kakawanda chinetso ndechekusakendenga kana kuti kusanzwisisa. Munhu anganzwa achifuratirwa kana kuti ane godo pamusoro pekufarira zvinhu zvomudzimu kuchangowanwa nemukwanyina wake. “Ndiri ndoga mumba, ndainzwa ndasiyiwa,” mumwe murume anoyeuka kudaro. “Ndainzwa sokuti mudzimai wangu nevana vakanga vachinditiza,” anodaro mumwe. Vamwe varume vangafunga kuti vari kurasikirwa nemhuri dzavo dzichienda kurudzidziso. (Onai Nharireyomurindi, yaAugust 15, 1990, mapeji 20-3.) Ndicho chikonzero nei zvakanakisisa kuti, kana zvichibvira, murume abatanidzwe pamwe chete nomudzimai wake mugadziriro yefundo yeBhaibheri yepamusha kubva pakutanga.
3 Shandai Seboka: Vamwe varoorani vari Zvapupu vakashanda pamwe chete nenzira inobudirira mukubetsera vanhu vakaroorana kuwana chokwadi. Pashure pokunge hanzvadzi yacho yatanga fundo nemudzimai wacho, hama yaishanyira murume wacho. Kakawanda yaikwanisa kutanga fundo nemurume wacho.
4 Iva Noushamwari uye Nomutsa: Mhuri dziri muungano dzinogona kubetsera kupfurikidza nokufarira mhuri dzisati dzabatana mukunamata kwechokwadi. Shanyo shomanene dzoushamwari dzingabetsera mukwanyina asiri Chapupu kuti aone Zvapupu zvaJehovha sevaKristu vane ushamwari, vanoitira hanya garikano yevanhu vose.
5 Panhambo nenhambo, vakuru vanogona kuhwirudzura nhamburiko dzichangobva kuitwa dzokukurukura nevakwanyina vasiri Zvapupu ndokusarudza kuti ndezvipi zvimwe zvinogona kuitwa mukukarira kuvaunza kurutivi rwaJehovha.—1 Pet. 3:1.