RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 11/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Ita Kuti Zuva Romuchato Wako Riwedzere Kufadza uye Kukudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Zvamungaita Kuti Muronge Muchato Unokudza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Michato Inofadza Inokudza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Michato Inokudza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 11/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvakakodzera here kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha aende kumuchato wehama kana shamwari isiri Chapupu?

Michato inonakidza uye zvinonzwisisika kuti muKristu angada kuva panguva inonakidza kudaro. Chokwadi, vaduku vanenge vakokwa vanofanira kuteerera vabereki vavo kana kuti vavanogara navo, avo vachasarudza kuti voenda here. (VaEfeso 6:1-3) Ko kana murume asiri Chapupu chaJehovha akakumbira mudzimai wake muKristu kuti amuperekedze kumuchato unenge uchiitirwa muchechi? Hana yake ingamubvumira kuti aende ongonoonawo zviri kuitwa asi asingabatanidzwi muzvinhu zvine chokuita nokunamata.

Saka munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira kuti oenda here kune mumwe muchato kana kuti oregedza. Zvisinei, muKristu mumwe nomumwe anofanira kuziva kuti achazvidavirira kuna Jehovha uye anofanira kufunga zvinotaurwa neMagwaro paanenge achisarudza kuti oenda here kumuchato womunhu asiri Chapupu.

MuKristu anofanira kunyanya kukoshesa kufadza Mwari. Jesu akati: “Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Saka Zvapupu zvaJehovha hazvibatani nezvimwe zvitendero pazvinhu zvakadai seminamato kana kuti dzimwe mhemberero dzisingawirirani nechokwadi cheBhaibheri.—2 VaKorinde 6:14-17.

MuKristu anoziva kuti zvaanosarudza zvingavhiringidza kana kubatsira vamwe. Kana ukasarudza kuva pamuchato wacho, voukama vangagumbuka here kana ukasaita zvose zvinenge zvichiitwa ipapo? Unofanirawo kufunga nezvokuvhiringidza kwazvingaita vaunonamata navo. (VaRoma 14:13) Kunyange zvazvo iwe kana kuti vamwe vomumhuri mako mungasarudza kuti kuenda kumuchato womunhu asiri Chapupu hakuna kuipa, hama nehanzvadzi dzamunonamata nadzo dzingavhiringidzwa nazvo here? Zvingakuvadza hana dzevamwe here?

Michato yevoukama vasiri Zvapupu ingaita kuti pave nemamiriro ezvinhu akaoma. Ko kana ukakumbirwa kuti uperekedze muchato wacho? Zvakadini kana murume wako kana kuti mudzimai asiri Chapupu achida kuita zvose zvinenge zvichiitwa? Kana vanhu vacho vachichatiswa namejasitiriti kana mumwe munhu wehurumende, kuenda kumuchato wacho hakuna kumbonyanya kusiyana nokupupurira zvinhu zvepamutemo.

Zvisinei, muchato unoitirwa muchechi kana kuti unoitiswa nomufundisi ungamutsa zvimwe zvinetso. Kuti utevere hana yako yakadzidziswa neBhaibheri worega kuita zvinopesana nezvaunotenda kana zvinganyadzisa vanenge varipo, ungasarudza kurega kuenda. (Zvirevo 22:3) Ungaita kuti mhuri yako isanetseka kana ukagara watsanangura zvaunotenda zvinobva muBhaibheri, uchitaura zvaunokwanisa kuita.

Mushure mokunyatsoongorora, vamwe vaKristu vangasarudza kuti hazvina kuipa kuenda kumuchato womunhu asiri Chapupu kungonoona. Asi kana muKristu akaona kuti kuenda kungamuisa pamuedzo wokuita zvisingawirirani neShoko raMwari, angasarudza kuti zviri nani kurega hake. Kana akasarudza kurega kuenda kumuchato wacho asi somunhu akakokwa, oenda hake kumabiko acho, anofanira kuona kuti ‘aita zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.’ (1 VaKorinde 10:31) Pakadaro, “mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.” (VaGaratiya 6:5) Naizvozvo pasinei nezvaungasarudza, yeuka kuti kuramba uine hana yakanaka pamberi paJehovha Mwari ndiko kunokosha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe