Ratidza Kuremekedza Nzvimbo Inonamatirwa Jehovha
1 Patinenge tiri vaeni muimba yemumwe munhu, tinoratidza kuremekedza zvinhu zvemunhu iyeyo, tisingaiti chinhu chipi nechipi chinozvikuvadza, uye hatidzongonyedzi rudungwe rwakarongeka rwemhuri yacho. Izvi zvinofanira kuva zvechokwadi sei patinenge tiri vaeni vaJehovha! Tinofanira kuziva nzira yekuzvibata nayo mumba make. (Pis. 15:1; 1 Tim. 3:15) Musangano wedu wechiKristu ungava uchiitirwa muHoro yoUmambo, mumusha wemunhu, kana kuti munzvimbo yevanhu vose, vazhinjisa vedu nguva dzose tinoratidza kuremekedza nzvimbo yedu yokunamatira sokunge kuti imba yaJehovha, uyo ane “Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.”—Pis. 148:13.
2 Dzimwe hama dzinoratidza kushaya ruremekedzo pamisangano kupfurikidza nokuva noruzha kana kuti kuita sokunge kuti mashoko anopiwa haakoshi. Vanhu vakura vashomanene vanoita kurukurirano dzisiri madikanwa pamusuo, mumukoto, muchimbudzi, kana kuti kunze kweHoro yoUmambo apo misangano inenge ichiitwa. Apo mwana akura anoregwa kuti atarisire mwana muduku, dzimwe nguva vaviri vacho vanotanga kutamba uye havabetserwi zvikuru nepurogiramu. Dzimwe pwere dzakaonekwa kunze kweHoro yoUmambo pashure pemisangano, dzichitamba, dzichiva noruzha zvikuru, kunyange kuita kutamba kwokurwisana. Muzvimwe zviitiko dzakadzongonyedza vavakidzani kana kuti kudzongonyedza motokari munzvimbo yekupaka kana kuti mumugwagwa.
3 Nzira Yokudzivisa Kusava Noruremekedzo: Tichinzwisisa kukosha noutsvene zvokunamata kwedu, pasina mubvunzo hatingadi kutsausa vamwe kupfurikidza nokuzevezera, kudya, kutsenga chingamu, kuita ruzha nemapepa, kuenda kuchimbudzi zvisiri madikanwa, kana kuti kuita muitiro wokunonoka kusvika pamisangano. Vabereki vanoremekedza uye vanoonga havabvumiri vana vavo kusvibisa kapeti, machira, kana kuti madziro eHoro yoUmambo kana kuti musha unoitirwa fundo yebhuku. Uye pasina mubvunzo tose zvedu tinobvuma kuti rudzi rupi norupi rwemufambiro unonyadzisa, kutaura zvoupenzi, kana kuti majee akashata hazvina kufanira zvikuru pamisangano yedu.—VaEf. 5:4.
4 Kana tikayeuka nguva dzose chinangwa chemisangano yedu yechiKristu, tichava nechokwadi chokuti isu nevana vedu tinoratidza kuremekedza zvakafanira kunamatwa kwaJehovha munzvimbo yata“sarudza kuva mairi.”—Pis. 84:10.