Misangano Yebasa yaJanuary
Vhiki Inotanga naJanuary 5
8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvinobva muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
17 min: “Fadzwa Nokupa Uchapupu Hwakakwana.” Nyaya inokurukurwa nevateereri. Simbisai zvinokosha zvemharidzo inobudirira: (1) Kwazisa noushamwari, (2) tsinhira kana kuti mutsa mubvunzo pamusoro penhau yefariro yazvino uno, (3) nongedzera kumashoko akafanira oRugwaro, uye (4) tungamirira fariro kuchinyorwa chiri kugoverwa. Itai kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire mharidzo yokutanga yakakarakadzwa uye shanyo yedzokerero inoenderana.
20 min: Gadzirira Zvino Kutsigira Mutemo waMwari Weropa. Mukuru akakwaniriswa anokurukura kukosha kwekuzadza kadhi reAdvance Medical Directive/Release. Nhungamiro yakafuridzirwa iri paPisarema 19:7 inoratidza kuti Mabasa 15:28, 29 kutaurwa kwemutemo wakakwana waMwari weropa. Vanamati vakavimbika vanovavarira kutsigira mutemo iwoyo. Magwaro aya anoita kuti kusarudza kwako kuita saizvozvo kuzivikanwe uye anokutaurira paunenge usingakwanisi kuzvitaurira pachako. (Enzanisa naZvirevo 22:3.) Kadhi idzva rinopa kuzivisa kwazvino uno kwekuramba kwako kuisirwa ropa. Pashure pemusangano uno, Zvapupu zvakabhabhatidzwa zvinoshuva kuva nekadhi idzva zvichapiwa rimwe, uye avo vane vana vaduku vasina kubhabhatidzwa vachagamuchira Identity Card nokuda kwemwana mumwe nomumwe. Makadhi aya haafaniri kuzadzwa usiku huno. Anofanira kuzadzwa nokungwarira kumba asi ASINGASAINWI. Kusaina, kupupurira, uye kuisa musi pamakadhi ose zvichaitwa pashure peFundo Yebhuku Yeungano inotevera, zvichitarisirwa nemuitisi wefundo yebhuku. Avo vanosaina sezvapupu vanofanira kuona chaizvoizvo muridzi wekadhi achisaina gwaro racho. Munhu upi noupi asipo panguva iyoyo uye anoshuva kuzadza ndokusaina kadhi achabetserwa nevaitisi/vakuru paMusangano Webasa unotevera kutozosvikira vaparidzi vose vakabhabhatidzwa vaita kuti makadhi avo azadzwe zvakarurama. (Hwirudzurai tsamba yaJanuary 1, 1991.) Kupfurikidza nokuchinjira mashoko ekadhi rino kumamiriro avo ezvinhu nezvitendero, vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vanganyora kadhi ravo voga rokushandisa nevana vavo.
Rwiyo 142 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 12
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Tsanangurai gadziriro dzebasa romumunda dzokupera kwevhiki.
15 min: “Shandisa Zvakanaka Mahendibhiri.” Kurukurirano nevateereri. Batanidzai chakaitika chiri muNharireyomurindi yaDecember 1, 1996, peji 13, ndima 15.
20 min: “Jehovha Anopa Simba Rinopfuura Renguva Dzose.” Mibvunzo nemhinduro. (Onai w90-CA 7/15 peji 19, ndima 15-16.) Rongai kuti vamwe varondedzere zvakaitika zvinokurudzira zvinoratidza kuti Jehovha akavasimbisa sei.
Rwiyo 81 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 19
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.
15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo.
20 min: Fundo Yemhuri Inounza Mufaro. Varoorani vanokurukura zvinodikanwa zvomudzimu zvemhuri yavo. Vachiitira hanya pesvedzero yenyika iri kutapura vana vavo nenzira yakashata, vanofunga nezvokudikanwa kwekusimbisa umudzimu hwevana vavo asi vanobvuma kuti fundo yavo yemhuri yave isiri yenguva dzose uye kazhinji kazhinji isingabetseri. Pamwe chete, vanohwirudzura zvikarakadzo zvokuitisa fundo yemhuri ine chinangwa izvo zvakapiwa muNharireyomurindi yaAugust 1, 1997, mapeji 26-9. Vose vari vaviri vakatsunga kuronda kuchengetedzwa kwegarikano yomudzimu yevana vavo.
Rwiyo 146 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 26
12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai mabhuku anogoverwa muna February. Dudzai mapfundo anobva mubhuku raMugumo waZvakazarurwa ayo achabetsera pakurigovera.
15 min: “Ratidza Kuremekedza Nzvimbo Inonamatirwa Jehovha.” Mibvunzo nemhinduro. Ichakurukurwa nemukuru, uyo anofanira kushandisa mashoko acho munharaunda nenzira yokunzwisisa.
18 min: Kushuma Kugoverana Kwedu Mubasa Rekuparidza Munyika Yose. (Yakavakirwa mubhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 100-2, 106-10) Hurukuro nekurukurirano inopiwa nomunyori. Pashure pokuratidza muenzaniso wemunguva yakapfuura wekushuma nguva dzose basa redu, anokumbira vabatiri vanoshumira vaviri kuhwirudzura musoro muduku unoti “Chikonzero Nei Tichishuma Basa Redu Romumunda.” Ipapo munyori anosimbisa kukosha kwekupinza nokukurumidza mishumo yakarurama. Anotaura kuti nei zvichibetsera kugadza vavariro dzemunhu oga, anogumisa netsinhiro dzinokurudzira pamusoro pezvikomborero zvinouya kuavo vanogoverana zvizere mubasa rekupupura.
Rwiyo 189 nemunyengetero wokugumisa.