RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/95 p. 2
  • Zvibate Nomutoo Wakafanira Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvibate Nomutoo Wakafanira Mashoko Akanaka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidza Kuonga Imba yaMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Tsika Dzakanaka—Dzinoratidza Vanhu Vakazvipira Kuna Mwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Ratidza Kuremekedza Nzvimbo Inonamatirwa Jehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Iva Netsika Yokubata Nguva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 11/95 p. 2

Zvibate Nomutoo Wakafanira Mashoko Akanaka

1 SeZvapupu zvaJehovha, tinoshuva kuunza rukudzo kuzita raJehovha. Tinoziva kuti mufambiro wedu, kutaura, kushambidzika, uye zvipfeko zvinogona kupesvedzera nzira iyo vamwe vanorangarira nayo kunamata kwechokwadi. Ikoku ndokwechokwadi zvikurukuru kana tiri pamisangano yedu. Tinoda kuva nechokwadi chokuti chinhu chiri chose chinotaurwa uye kuitwa pamisangano chakafanira mashoko akanaka uye chinounza rukudzo kuna Jehovha.—VaF. 2:4.

2 Yakawanda yemipimo yenyika yomupfekero uye kushambidzika haigamuchiriki kuvaKristu. Iyi inhau inofanira kupiwa ngwariro yokungwarira nevashumiri vamashoko akanaka. Nharireyomurindi yaJune 1, 1989, peji 20, yakati: “Zvipfeko zvedu hazvifaniri kuva zvinodhura, asi zvinofanira kuva zvakachena, zvakanaka, uyewo zvine mwero. Shangu dzedu dzinofanira kuvawo dzakagadzirwa zvakanaka nedzinotarisika zvakanaka. Nenzira yakafanana, pamisangano yose, kubatanidza Fundo yeBhuku yeUngano, miviri yedu inofanira kuva yakachena, uye tinofanira kuva takapfeka zvakatsvinda nezvakafanira.”

3 Kusvika panguva chiratidzo chokurangarira kworudo uye kuva nomufungo. Panhambo nenhambo, zviitiko zvisingadzivisiki zvingatidzivisa kusvika panguva nokuda kwomusangano. Asi muitiro wokunonoka kusvika ungaratidzira kusaremekedza chinangwa chinoyera chemisangano uye kukundikana kunzwisisa mutoro wedu wokudzivisa kudzongonyedza vamwe. Vanononoka kusvika kazhinji kazhinji vanotsausa vamwe uye vanovadzivisa kuwana betsero yakazara yepurogiramu yacho. Kusvika panguva kunoratidza kuremekedza kunzwa uye fariro zvavose varipo.

4 Kuda vavakidzani vedu kunofanira kutiita vanongwarira kudzivisa kutsausa mukati memisangano. Kuita zevezeve, kudya, kutsenga chingamu, kuita ruzha namapepa, uye kuita nzendo dzisiri madikanwa kuzvimbudzi, kungadzongonyedza kupa ngwariro kwavamwe ndokubvisa chiremera chinofanirwa nenzvimbo yaJehovha yokunamatira. Hakuna kufanira kuti upi noupi aite nhau dzeungano kana kuti kukurukura nevamwe kutoti kana pane nhau yekurumidziro inoda kuti hama dzibve muzvigaro zvadzo. Zvimwe, vose vanofanira kuva vakagara uye vachiteerera purogiramu kuitira kuti vazvibetsere vamene uye mhuri dzavo. Tsika dzakaipa hadzina nzvimbo muHoro yoUmambo nemhaka yokuti “rudo haruzvibati zvisakafanira.”—1 VaK. 13:4, 5, NW; VaG. 6:10.

5 Kuzvibata kwakaisvonaka kwavana vedu pamisangano kunounzawo rumbidzo norukudzo kuzita raJehovha. Tarisiro yapedyo yavabereki inokosha. Vana vanofanira kukurudzirwa kuteerera ndokugoverana. Vabereki vakawanda vane vana vaduku vanosarudza kugara munzvimbo iyo vanogona kubuda nyore ndokutarisira zvinodikanwa zvavaduku vavo pasina kutsausa vamwe.

6 Pauro akapa zano, kuti: “Zvibate nomutoo wakafanira mashoko akanaka.” (VaF. 1:27, NW) Ngativavarirei, ipapoka, kuva netsika dzakanaka uye kurangarira vamwe pakupinda misangano. Batira pamwe inoitwa navose ichasimbisira kuti pachava noku“nyaradzw[a] pamwe chete . . . mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe.”—VaR. 1:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe