RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/98 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 1/98 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1985 asati asvika iro ungano ingava naro mudura. Ungano dzisina mugove wemabhuku akadaro dzingagovera bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Isai ngwariro pakutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. April: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi neMukai!

◼ Vaparidzi vose vakabhabhatidzwa vachange vari paMusangano Webasa wevhiki yaJanuary 5 vachapiwa kadhi reAdvance Medical Directive/Release neIdentity Card revana vavo. Pamugumo wemusangano wacho, vaparidzi vanofanira kubhadhara 20¢ pakaunda yemabhuku nokuda kwekadhi rimwe nerimwe.

◼ Kuvambira muna February, uye pasati pari pashure paMarch 1, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichava nomusoro unoti “Unogoverana Murangariro waMwari Woupenyu Here?”

◼ Ungano dzinofanira kuita gadziriro dziri nyore dzokuchengeta Chirangaridzo gore rino nemusi weChitanhatu, April 11, pashure pokuvira kwezuva. Kunyange zvazvo hurukuro ingatanga nokukurumidza, kufambiswa kwezviratidzo zveChirangaridzo hakufaniri kuvamba kutozosvikira pashure pokuvira kwezuva. Nzverai munharaunda kuti muzive kuti zuva rinonyura nguvai munzvimbo yenyu. Kunyange zvazvo zvichishuviwa kuti ungano imwe neimwe iite Chirangaridzo chayo yoga, izvi zvingasabvira nguva dzose. Uko ungano dzinoverengeka dzinowanzoshandisa Horo yoUmambo imwe cheteyo, zvimwe ungano imwe kana kuti dzinopfuura dzinogona kushandisa zvimwe zvivako manheru iwayo. Chirangaridzo hachifaniri kunonoka kutanga zvokuti vanhu vatsva vanozviwana zvakaoma kupinda. Uyewo rudungwe harufaniri kuva rwakatsvikinyidzana zvikuru zvokuti hapana nguva kuchengetwa kusati kwaitwa kana kuti pakunopera yekukwazisa vashanyi, itai gadziriro dzekupfuudzira yamuro yomudzimu kuvanofarira, kana kuti kufarikanya kukurudzirana.

◼ Hurukuro chaiyo yemwaka weChirangaridzo ichapiwa nemusi weSvondo, March 29. Ndaza ichagoverwa. Ungano dzine shanyo yemutariri wedunhu, gungano redunhu, kana kuti zuva chairo regungano mukupera kwevhiki iroro dzichava nehurukuro chaiyo vhiki inotevera yacho. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro chaiyo March 29, 1998 asati asvika.

◼ Mutumbi wevakuru unofanira kungwarira kuti gadziridzo dzinotevera dzinodikanwa apo ungano inopinda magungano emunharaunda: Panenge pakarongwa purogiramu yezuva chairo regungano, ungano inofanira kuva nemisangano yose yenguva dzose muvhiki rose, kunze kwokuti Hurukuro Yavose neFundo yeNharireyomurindi zvinoregwa. Painenge yakarongwa kupinda gungano redunhu kana kuti kokorodzano yoruwa, ungano icharegawo Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari neMusangano Webasa; Fundo Yebhuku Yeungano bedzi ichaitwa munharaunda mukati mevhiki iroro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe