Shandisa Zvakanaka Mahendibhiri
1 Mahendibhiri eungano anobetsera kuzivisa vanhu vari munzanga kero yeHoro yoUmambo uye nguva yakarurama yemisangano. Zvingava zvakanaka kusiya hendibhiri rimwe kumunhu wose waunokurukura naye. Nechinangwa ichocho, ungano imwe neimwe inofanira kuchengeta mugove wakakwana wemahendibhiri mudura. Kuungano dzinochinja nguva dzemisangano gore negore, muna January, mahendibhiri matsva anofanira kuodhwa mukati momwedzi waOctober wegore negore kuitira kuti mugove une nguva itsva dzemisangano uwanike nguva dzose. Fomu reKukumbira Mahendibhiri (S-16) rinofanira kushandiswa nokuda kwechinangwa ichi. Kana mangova nawo, mahendibhiri anogona sei kushandiswa zvakanakisisa?
2 Vaparidzi vakawanda vanowana kuti kugamuchidza munhu hendibhiri inzira inobudirira yekuzvisuma uye yekutanga kurukurirano. Kutsanangura nguva dzemisangano kana kuti mashoko ari kurumwe rutivi kunogona kuvhura nzira yekurukurirano yebasa redu uye chinangwa charo. Vabereki vanogona kubatanidza vana vavo vaduku muushumiri kupfurikidza nokuvaita kuti vape mahendibhiri pasuo. Vaparidzi vanogoverana mukupupura kwekunyora tsamba vanofanira kupfigira hendibhiri rimwe mutsamba yavo ndokukoka munhu wacho kupinda misangano. Kungava kuti mahendibhiri anogona kusiyiwa pavasiri pamba, kana kungwarira kuchishandiswa kuaisa pasi pemusuo kuitira kuti asaonekwa chose chose.
3 Mahendibhiri ave achishanda mukutungamirira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuchokwadi. Chimwe chiitiko chine chokuita nemumwe mukadzi uyo, nemhaka yehendibhiri, akakwanisa kuzadzisa chishuvo choupenyu hwake chokunzwisisa Bhaibheri. Pashure pokunge apedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari, varoorani vari Zvapupu vakagogodza suo rake mangwanani. Achitarira nepasuo, akadanidzira kuti yakanga isiri nguva yakafanira kuti azarure musuo. Zvapupu zvacho zvakakanda hendibhiri pasi pesuo. Rairava kuti: “Ziva Bhaibheri Rako.” Akariona ndokuzarura musuo. Fundo yakatangwa nokukurumidza, uye akabhabhatidzwa gare gare. Tisingatomborerutsi simba romudzimu waMwari, nguva dzose ngatishandisei zvakanaka mahendibhiri sezvatinoita zvizere ushumiri hwedu.—Onawo Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1994, peji 1.