Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Isai ngwariro pakutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. April naMay: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi neMukai!
◼ Munyori nemutariri webasa vanofanira kuhwirudzura basa remapiyona ose enguva dzose. Kana vapi nevapi vachiva nezvinetso mukusvitsa maawa anodikanwa, vakuru vanofanira kuronga kuti vabetserwe. Nokuda kwezvikarakadzo, hwirudzurai tsamba dzeSosaiti (S-201) dzaOctober 1, 1993, uye October 1, 1992. Uyewo onai ndima 12-20 dzewedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1986.
◼ Kuvamba nevhiki yaMay 4, 1998, uye kusvika kuvhiki yaSeptember 14, 1998, bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu richarangarirwa paFundo Yebhuku Yeungano.
◼ Mapoka evaparidzi vakaronga kushanda mundima isina kugoverwa mumwedzi iri kuuya vanofanira kuronga kugovera bhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo mubasa ravo remumunda.
◼ Nguva pfupi yapfuura Sosaiti yakatumira mugove weMakadhi Emushumo Weungano (S-1) kuungano dzose pamwe chete nemahamvuropu okushandisa mukati ma1998. Munyori anofanira kuchengeta makadhi aya munzvimbo yakakotsekana uye mahamvuropu acho haafaniri kushandiswa nokuda kwezvimwe zvinhu kunze kwekutumira mushumo weungano netsamba dzipi nedzipi dzinopfigirwa pamwe chete nekadhi reS-1.
◼ Gadziridzo: Papeji 17, ndima 1, mutsetse wechina mubhuku raChakavanzika Chomufarwa Wemhuri muShona, tapota chinjai shoko rokuti “Pangava” kuti riti “Pangasava.” Ipapo mashoko acho acharava kuti: “Pangasava nechinhu. . . .”