Vana—Munotifadza!
1 Vakomana vaduku navasikana, makarovedzana nomurayiro waJehovha wokuti mubatanidzwe mumibato yeungano here? (Dheut. 31:12; Pis. 127:3) Zvinofadza kuva nemi pedyo nesu sezvatinonamata Jehovha pamwe chete! Munofadza mwoyo yedu pamunogara makanyarara pamisangano uye muchiteerera nokungwarira. Zvinotifadza zvikuru pamunoedza kutsinhira nemashoko enyu pachenyu. Ungano yose inofadzwa pamunopa hurukuro dzakagoverwa paChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, pamunotikumbanira nokudisa mubasa romumunda, uye patinonzwa kuti munopupura noushingi kuvamunodzidza navo uye vadzidzisi.—Pis. 148:12, 13.
2 Tinoda kuti muzive kuti tinodada nemi patinoona tsika dzenyu dzakanaka, rutsvindo rwenyu, mufambiro wenyu wakachena, uye kuremekedza kwenyu vakura. Mufaro wedu unova mukuru zvikuru pamunoratidza kuti muri ‘kuyeuka Musiki wenyu Mukuru’ kupfurikidza nokuzvigadzira vavariro dzoubati ushe hwaMwari.—Mup. 12:1; Pis. 110:3.
3 Tiudzei Vavariro Dzenyu: Mumwe mukomana ane makore masere okukura akaudza mutariri weruwa kuti: ‘Kutanga ndinoda kubhabhatidzwa, pashure pezvo ndinoda kubetsera muungano kupfurikidza nokubetsera kugadzira nokutarisira gudzanzwi, kuva murindiri, kubetsera muimba yemabhuku, kurava pafundo dzebhuku uye Fundo dzeNharireyomurindi. Pashure pezvo ndinoda kuva mubatiri anoshumira, uye mukuru. Ndinodawo kuva piyona uye kuenda kuchikoro chemapiyona. Pashure pezvo ndinoda kuenda kuBheteri, kuva mutariri wedunhu kana kuti mutariri weruwa.’ Kuonga kwakaisvonaka zvakadini kwaakaratidza nokuda kweropafadzo yokubatira Mwari!
4 Sezvamunokura mumuviri uye mumudzimu, tinofara kukuonai muchisvika vavariro dzenyu. (Enzanisa naRuka 2:52.) Gore rimwe nerimwe, zviuru zvenyu zvinova vaparidzi vasina kubhabhatidzwa uye pashure pezvo munokwanirisa nokuda kworubhabhatidzo sevabatiri vakazvitsaurira vaJehovha. Mufaro wedu unokura patinokuonai zvekare muchisvasvavirira kuita upiyona hwebetsero uye kunyange kupinda mubasa renguva yakazara. Chokwadi, vana, munotifadza uye munopa rumbidzo yakaisvonaka kuna Baba vedu vokudenga. Jehovha ngaakukomborerei zvikuru!—Zvir. 23:24, 25.