RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/98 p. 2
  • Misangano Yebasa yaMarch

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaMarch
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naMarch 2
  • Vhiki Inotanga naMarch 9
  • Vhiki Inotanga naMarch 16
  • Vhiki Inotanga naMarch 23
  • Vhiki Inotanga naMarch 30
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 3/98 p. 2

Misangano Yebasa yaMarch

Vhiki Inotanga naMarch 2

Rwiyo 3

8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvinobva muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Itai Izvi Muchindirangarira.” Hurukuro inopiwa nemukuru. Tsinhirai nokupfupikisa pamusoro pebhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 80-1, muchisimbisa ukoshi hwokupinda Chirangaridzo.

22 min: “Roverera Muvamwe Tariro Youpenyu Husingaperi.” Kurukurirano yenyaya nevateereri. Tsanangurai nokupfupikisa kuti mibvunzo inogona sei kushandiswa nokubudirira mukupfuudzira kurukurirano. Ipai mienzaniso yeyose iri miviri mibvunzo inotungamirira uye yemirangariro ingashandiswa mumharidzo. (Onai Bhuku Rechikoro, mapeji 51-2, ndima 10-12.) Itai kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire imwe yemharidzo dzokutanga dzinokarakadzwa pamwe neshanyo yedzokerero, achiratidza fundo yeBhaibheri iri kutangwa.

Rwiyo 88 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 9

Rwiyo 60

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

13 min: “Vana—Munotifadza!” Mibvunzo nemhinduro. Rondedzerai chakaitika chiri muNharireyomurindi, yaAugust 1, 1987, peji 25.

22 min: “Tichazviita Zvekare Here?” (Ndima 1-11) Mibvunzo nemhinduro. Rondedzerai mifungo mikuru yenhimbe yokuita upiyona hwebetsero muna March, April uye May, sezvinoshumwa mu1998 Yearbook. Dudzai nhamba yakaita upiyona hwebetsero munzvimbomo munguva iyoyo. Kurukurai betsero dzakananga dzemunhu oga dzatinowana mukupayona, uye ratidzai kuti iyi nhamburiko yokuwedzera inobetsera kufambira mberi kweungano. Tsanangurai gadziriro dzebasa dziri kurongwa munzvimbomo muna April naMay kuti dzibetsere vakawanda kupayona. Vaparidzi vangawana kumbiriso pashure pomusangano wacho.

Rwiyo 195 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 16

Rwiyo 43

8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kokai vose vanofarira kuti vauye kuhurukuro chaiyo yavose musi waMarch 29. Hurukuro yacho ine musoro unoti “Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri.”

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana nguva ichibvumira, kurudzirai ungano kushandisa zvakanaka chinyorwa cheShona chebhuku raVechiduku Vanobvunza uye mabhuku ane mapeji 192 nemutengo wakaderera. Kurudzirai vose kuwana makopi emaraibhurari avo.

22 min: “Tichazviita Zvekare Here?” (Ndima 12-19) Mibvunzo nemhinduro. Hwirudzurai zvikwaniriso zvinotsanangurwa mubhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 113-14. Tsanangurai kuti kuita upiyona hwebetsero kunogadzirira sei munhu kuti aite upiyona hwenguva dzose. Kumbirai vamwe vakaita upiyona hwebetsero muna April akapfuura kuti vataure kuronga kwavakaita rudungwe rwavo kuti vasvitse maawa 60 anodikanwa. Rudungwe rwupi rwomuenzaniso rwuri papeji yokupedzisira yewedzero rwakavaitira zvakanakisisa? Kana nguva ichibvumira, rondedzerai zvakaitika zvemu1987 Yearbook, mapeji 48-9, 245-6. Kurudzirai vaparidzi vose kuwana kumbiriso pashure pomusangano wacho.

Rwiyo 224 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 23

Rwiyo 94

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurudzirai vose kutanga kukoka vanofarira kuChirangaridzo, musi waApril 11. Ratidzai kopi yekokero yacho, uye kurudzirai vose kuwana mugove uye kutanga kudziparadzira vhiki ino. Zivisai mazita avose vari kuita upiyona hwebetsero muna April. Tsanangurai kuti hakusi kunyanyononoka kuendesa kumbiriso. Tsanangurai rudungwe rwose rwemisangano yebasa yakarongwa muna April.

20 min: Rovedza Vatsva Basa Romumunda. Hurukuro uye kurukurirano nevateereri. Avo vari kuitisa fundo mubhuku raZivo vanofanira kurangarira kurovedza mudzidzi wavo kugoverana mubasa romumunda. Taurai zvinodudzwa mubhuku raZivo, mapeji 105-6, ndima 14, uye peji 179, ndima 20. Hwirudzurai muitiro uri muNharireyomurindi, yaNovember 15, 1988, mapeji 16-17, ndima 1-10, kuti vatsva vave vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Rangarirai zvikarakadzo zviri muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, ndima 19, zvokubetsera vatsva vasati vabhabhatidzwa kuti vatange mubasa.

15 min: Bhokisi Remibvunzo. Mibvunzo nemhinduro. Mukuru anohwirudzura mashoko ari mubhuku raHushumiri Hwedu, peji 131, ndima 1 ne2.

Rwiyo 47 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 30

Rwiyo 29

8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Yeuchidzai vose kupinza mishumo yavo yebasa romumunda yaMarch. Ratidzai zvinyorwa zvazvino uno zvemagazini, karakadzai nyaya dzamungasimbisa pakuagovera, uye taurai mamwe mapfundo akananga okukurukura. Hwirudzurai “Zviyeuchidzo zveChirangaridzo,” uye tsanangurai gadziriro dzeChirangaridzo dzemunzvimbomo. Vose vanofanira kuita gadziriro dzokupedzisira dzokubetsera vadzidzi veBhaibheri nevamwe vanofarira kuti vapinde. Yeuchidzai vose kuva nechokwadi chokutevera rudungwe rwokurava Bhaibheri rweChirangaridzo rwaApril 6-11, sezvakarongwa muKunzvera Magwaro Zuva Nezuva.

15 min: Betserwa Zvizere ne1998 Yearbook. Baba vanohwirudzura mapeji 3-6, 31 nemhuri yavo, vachisimbisa basa roubati ushe hwaMwari rakaitwa munyika yose mugore rapfuura. Vanorangarira betsero dzinofarikanywa nemhuri mukurava nokukurukura rugwaro rwezuva nezuva uye zvikamu zveYearbook pamwe chete panguva dzezvokudya, vakatsunga kuramba vachiita saizvozvo mugore rose. Mungashandisa nguva iyi kukurukura mushumo wokupedzisira weMutariri Wedunhu.

20 min: Nzira Dzokurwisa Nadzo Kuneta Mumudzimu. Vakuru vaviri vanokurukura bhokisi riri muNharireyomurindi, yaJuly 1, 1986, peji 19. Nokuda kwechimwe nechimwe che“Zviratidzo Zvokuneta” zvinopiwa, tsanangurai neMagwaro kuti munhu anogona sei kubetserwa ne“Yamuro Dzokutsungirira” dzinoenderana. Ipapo bvunzurudzai vaparidzi vaviri vanotsinhira pamusoro pokuti kushandisa mapfundo akadaro kwakavabetsera sei kuchengeta simba ravo romudzimu.

Rwiyo 140 nemunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe