RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/98 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 3/98 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Isai ngwariro pakutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. April naMay: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi neMukai! June: Munhu Mukurusa Ati Amborarama, Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, kana kuti bhuku ripi neripi rine mapeji 192 riri kugoverwa nomutengo wakaderera.

◼ Vaparidzi vanoshuva kubatira semapiyona ebetsero muna April naMay vanofanira kuronga zvino ndokuunza kumbiriso dzavo nokukurumidza. Izvi zvichabetsera vakuru kuita gadziriro dzinodikanwa dzebasa romumunda uye kuva nemagazini akakwana uye mamwe mabhuku aripo. Mazita avose vanotenderwa kuita upiyona hwebetsero anofanira kuziviswa muungano.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano musi waMarch 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pezvo. Zivisai ungano pazvinenge zvaitwa.

◼ Sosaiti haiiti odha dzemabhuku dzemunhu oga dzevaparidzi. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chiitwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano isati yatumirwa kuSosaiti kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku emunhu oga vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota yeukai kuti zvinyorwa zvipi zviri zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Mitumbi yevakuru iri kuyeuchidzwa kuti inofanira kugovera mukuru anokwanirisa zvikuru pakati pavo kuti ape hurukuro yeChirangaridzo. Iyi inguva chaiyo naizvozvo tinoda kuti munhu wose aripo abetserwe zvizere.

◼ Musangano bedzi unofanira kuitwa neungano muvhiki regungano redunhu iFundo Yebhuku Yeungano. Hapana kudikanwa kwokuita mimwe misangano sezvo iyoyi ichibatanidzwa mupurogiramu yegungano redunhu. Zvimwe chetezvo zvinoshanda muvhiki regungano reruwa.

◼ Mumwedzi yaMarch, April, naMay kuchava nevaparidzi vakawanda vachaita upiyona hwebetsero. Vose vanokurudzirwa kushandisa chinyorwa chechiShona chebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Mumwedzi iyi mitatu bhuku racho richagoverwa pamutengo chaiwo wakaderedzwa we$6,25. Mapiyona enguva dzose nemapiyona chaiwo angariwana ne$4,50 asi acharigoverawo ne$6,25. Ungano dzinofanira kuodha nokukurumidza mugove wechinyorwa ichi, kana dzisati dzatoita saizvozvo. (Onai tsamba ye“Kuungano Dzose” yemusi wa15 December 1997.)

◼ Zvinyorwa Zvitsva Zviripo:

“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”—chiShona

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe