Tichazviita Zvekare Here? Kumwe Kukumbira Mapiyona Ebetsero
1 Chii chatichaita zvekare? Tichaita upiyona hwebetsero munguva yeChirangaridzo here? Wedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1997 yakabata ngwariro yedu nemusoro wakanyorwa nemabhii matema waiti: “Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000.” Takanga tine chivimbo chokuti maizorangarira zvakakomba kokero iyoyo. Pakaitwa mushumo webasa waApril 1997, takafadzwa kuziva kuti 3 128 vakanga vanyoresa mubasa roupiyona hwebetsero! Kana tikawedzera panhamba iyoyo mapiyona enguva dzose 2 105 uye mapiyona chaiwo 94 akashuma mwedzi iwoyo, tinowana kuti 20 muzana yevaparidzi vose vakanga vari mubasa roupiyona. Tichazviita zvekare munguva ino yeChirangaridzo here?
2 Tinorumbidza nemwoyo wose vose vakaita nhamburiko yokuwedzera kuti vawedzere mubato wavo webasa romumunda munguva yeChirangaridzo yakapfuura. Nenzira yakajeka, mose makasundwa nokuda Jehovha Mwari kusina udyire nemuvakidzani wenyu. (Ruka 10:27; 2 Pet. 1:5-8) Vaparidzi vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana muupenyu vakaronga zvinhu kuti vaite upiyona hwebetsero. Muimwe ungano, vaparidzi 51 vakapayona pamwe chete mumwedzi mumwe chetewo, kubatanidza vakuru vazhinjisa, amai vane mwanasikana ane mwedzi 15 yokukura, hanzvadzi yakarega basa rayo ndokuwana basa renguva isina kuzara kuti igone kupayona, uye hanzvadzi yakura yakanga isati yambopayona. Mutariri wedunhu akanyora kuti: “Nhamburiko huru mubasa rokuparidza iri kuitwa. . . . Izvi hazvisi kungova nepesvedzero bedzi mundima asi ungano dziri kupupira nembavarira. Hama dziri kufarikanya kuzivana zviri nani pamwe chete nokuwana migumisiro yakanaka muushumiri.”
3 Vanhu vaduku havana kusiyiwa nguva yeChirangaridzo yakapfuura. Mumwe muparidzi asina kubhabhatidzwa ane makore 13 okukura akanga achikarira nguva yaaigona kuratidzira kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha. Pashure pokubhabhatidzwa muna February, akanyora nezvechishuvo chake chokuita upiyona hwebetsero muna March: “Zvino ndisina chinondidzivisa, nokukurumidza ndakaendesa kumbiriso yangu. . . . Zviitiko zvakaisvonaka zvakawanda zvatakafarikanya zvingadai zvisina kumboitika kudai kwakanga kusiri kuti makatikoka norudo kupayona. Ndinoonga Jehovha kuti ndakava neropafadzo iyi yokuva pakati peavo vakabvuma.” Akaita vavariro yokuzviita zvekare.
4 Zvimwe wakanga uri pakati pe2 947 vakaita basa roupiyona hwebetsero muna March akapfuura, kana kuti pakati pe3 128 muna April, kana kuti 1 489 muna May. Uchazviita zvekare gore rino here? Kana usina kukwanisa kupayona nguva yeChirangaridzo yakapfuura, unogona kuzviita gore rino here? Tingagona kupfuura 4 196, nhamba yeavo vakaita upiyona hwebetsero muna April 1992 here? Iyoyo yakanga iri nhamba hurusa yemapiyona ebetsero mumwedzi mumwe upi noupi muZimbabwe.
5 Isa Ngwariro pana April naMay: Gore rino, Chirangaridzo chiri paChitanhatu, April 11, zvichiita kuti April ave mwedzi wakaisvonaka womubato wakawedzerwa muushumiri. (2 VaK. 5:14, 15) Mumazuva 11 okutanga emwedzi wacho, tichaisa ngwariro pakukokera vanofarira vakawanda sevanobvira kuti vapinde Chirangaridzo. Kana uchironga kuita upiyona hwebetsero, tapota endesa kumbiriso yako pachine nguva zvikuru musi waunoda kutanga usati wasvika.—1 VaK. 14:40.
6 Sezvo May ane kupera kwemavhiki mashanu akazara, vaparidzi vanoenda kuchikoro kana kuti vanoshanda basa rokunyika nguva yakazara vangazviwana zviri nyore kuita upiyona hwebetsero mwedzi iwoyo. Kupfurikidza nokuronga maawa gumi ebasa remumunda mukupera kwemavhiki mashanu kumwe nokumwe, ungada kuzoronga mamwe maawa gumi bedzi mumwedzi wacho kuti usvitse maawa 60 anodikanwa.
7 Mumwedzi yose iri miviri April naMay, tichave tichigovera kuzvinyoresa kweNharireyomurindi neMukai! Izvi zvinofanira kukurudzira vakatowanda vedu kuvavarira kupayona. Nei tichitaura izvozvo? Magazini ari nyore kugovera uye anofadza kushandisa muushumiri. Anogona kushandiswa zvakakodzera mumativi ose ebasa—pabasa repaimba neimba uye pachitoro nechitoro, pamwe chete nepatinosvika vanhu vari mumugwagwa, mokupakira motokari, uye mumamwe mamiriro ezvinhu asiri enguva dzose. Zvinokosha zvikurusa, Nharireyomurindi neMukai! anotsigira zvokwadi dzoUmambo. Anokwevera ngwariro kukuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri, achibvumikisa kuti Umambo hwaMwari huri kutonga. Anotapurawo upenyu hwavaravi kupfurikidza nokukurukura zvinogutsa zvinodikanwa chaizvoizvo zvevanhu. Kana tikafunga nezvokupesvedzerwa kwatakaitwa muupenyu hwedu nemagazini aya anokosha, tichasundwa kugoverana mukuparadzira zvikurusa sezvinobvira kugoverwa kwekuzvinyoresa muna April naMay.
8 Mukugadzirira mubato uyu wakawedzerwa, uchabetserwa nokuhwirudzura nyaya idzi: “Nharireyomurindi naMukai!—Magazini Akakodzera Nguva Ezvokwadi” (Nharireyomurindi, yaJanuary 1, 1994), “Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu” (Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1995), uye “Gadzirira Mharidzo Yako Umene Yamagazini” (Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996).
9 Vakuru Tungamirirai: Kuti ibetsere vaparidzi vakawanda vakanga vachipayona munguva yeChirangaridzo yakapfuura, Sosaiti yakasimbisa Chitanhatu, April 5 sezuva chairo rebasa remagazini munyika yose. Muimwe ungano, gadziriro dzakaitwa dzokusangana panguva dzinoverengeka dzakasiyana-siyana mukati mezuva, zvichipa vose vari muungano mukana wokugoverana muzvimiro zvakasiyana-siyana zvokupupura. Izvi zvaibatanidza kushanda mumabhizimisi, kupupura mumugwagwa, kushanyira imba neimba, kuita shanyo dzedzokerero, kunyora tsamba, uye kupupura norunhare. Kudavidza kwacho kwakanga kwakatanhamara, vaparidzi 117 vachitora rutivi mubasa romumunda mukati mezuva. Vakaita hwerengedzo yemaawa 521 akapedzerwa muushumiri uye magazini, mabhurocha, uye mabhuku 617 akagoverwa! Mufaro weChitanhatu ichocho wakapfuurira musi weSvondo wakatevera, pachiva nenhamba yakanga isati yambovapo paHurukuro Yavose neFundo yeNharireyomurindi.
10 PaMusangano Webasa wemwedzi mumwe nomumwe muna April naMay, ungano inofanira kuyeuchidzwa nezvenguva uye nzvimbo ichaitirwa misangano yebasa romumunda muvhiki riri kuuya, zvikurukuru kana kwakaitwa dzimwe gadziriro dzinopfuura idzo dzinorongwa nguva dzose. Mapiyona enguva dzose pamwe chete nevaparidzi vasiri mapiyona ebetsero vanokurudzirwa kutsigira idzi gadziriro dzeboka kana mamiriro avo ezvinhu achibvumira.
11 Mutariri webasa achafanira kusangana nehama inogovera ndima kuti vaite gadziriro dzokushanda ndima dzisingawanzofukidzwa. Ngwariro yakawedzerwa ingapiwa kuvasiri pamba uye kupupura mumigwagwa uye pachitoro nechitoro. Kupupura manheru kunogona kusimbiswa. Migove yakakwana yemagazini inofanira kuodwa nokuda kwaApril naMay mukukarira mubato wakawedzerwa.
12 Vaparidzi Vakawanda Vanogona Kukwanirisa: Mutsetse wokutanga pakumbiriso youpiyona hwebetsero unoti: “Nemhaka yokuda kwangu Jehovha nechishuvo changu chokubetsera vamwe kudzidza pamusoro pake namadonzo ake orudo, ini ndingada kuwedzera kupinda kwangu mubasa romumunda kupfurikidza nokunyoresa sapiyona webetsero.” Kuda Jehovha uye kuda kubetsera vamwe mumudzimu zvinokosha kukuzvitsaurira kwedu. (1 Tim. 4:8, 10) Kuti akwanirise kuita upiyona hwebetsero, munhu anofanira kuva akabhabhatidzwa, ane tsika dzakanaka, uye achikwanisa kupa maawa 60 kuushumiri mukati momwedzi wacho. Sezvo tose zvedu tinorangarira mamiriro edu ezvinhu, vamwe vedu vasati vambopayona vangagona kuita saizvozvo gore rino muna April kana kuti May here?
13 Vakawanda vari muungano vangaziva kuti ivowo vanogona kupayona pavanoona vamwe vachinyoresa vane mamiriro ezvinhu akafanana neavo. Vana vechikoro, vakura, vanoita basa rokunyika renguva yakazara, kubatanidza vakuru nevabatiri vanoshumira, uye vamwe vakaita upiyona hwebetsero nokubudirira. Mumwe mudzimai wepamba uye amai wevana vaviri ane basa renguva yakazara akasvika maawa 60, akagovera magazini 108, uye akatanga fundo dzeBhaibheri 3 mumwedzi mumwe chete waakaita upiyona hwebetsero. Akazviita sei? Akashandisa maawa ake enguva dzezvokudya zvamasikati kubasa kupupura mundima yakanga iri pedyo, akapupura nokunyora tsamba, uye akagoverana mukupupura munomisirwa motokari uye mumugwagwa. Akashandisawo zvakanaka zuva rake rokusava pabasa vhiki imwe neimwe kupfurikidza nokugoverana neungano mubasa romumunda. Kunyange zvazvo pakutanga akafunga kuti kuita upiyona hwebetsero kwakanga kuri vavariro isingagoni kusvikwa, nekurudziro yevamwe uye rudungwe runoshanda, mhinganidzo dzacho dzakakurirwa.
14 Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Joko rangu inyoro, uye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:30, NW) Iwoyo ndiwo wakanga uri musoro wenyaya yaikurudzira iri muNharireyomurindi, yaAugust 15, 1995. Inotaura nezvahanzvadzi vakanga vane basa rokunyika rinonetesa, renguva yakazara. Vakafunga here kuti kuita upiyona hwebetsero kwakanga kusingatombobvira kwavari? Aiwa. Kutaura idi, vakakwanisa kuita upiyona hwebetsero mwedzi yose. Nei? Nokuti vainzwa kuti kupayona chaizvoizvo kwaivabetsera kuchengeta dzikamo yavo. Kuyamura vanhu sezvavaidzidza chokwadi cheBhaibheri uye kuvaona vachichinja upenyu hwavo kuti vawane kutendera kwaMwari kwakanga kuchivapa mufaro zvikurusa muupenyu hwavo hwakabatikana.—Zvir. 10:22.
15 Kurega zvimwe zvinhu zvemunhu oga kupi nokupi uye gadziridzo dzinofanira kuitwa nomumwe munhu kuti apayone zvinotuswa zvikuru nezvikomborero zvinofarikanywa. Imwe hanzvadzi yakanyora chakaitika kwairi nokuita upiyona hwebetsero: “Kwakandibetsera kusazvipa ngwariro uye kuisa ngwariro zvikuru pakubetsera vamwe. . . . Ndinozvirumbidza kuavo vanogona kuzviita.”
16 Zvinoda Rudungwe Rwakanaka: Papeji yokupedzisira yewedzero ino, tabudisazve marudungwe omuenzaniso akabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1997. Zvimwe rumwe rwaiwaya runowirirana nemamiriro ako ezvinhu. Sezvaunoahwirudzura, rangarira rudungwe rwako rwenguva dzose rwemubato wemwedzi nemwedzi. Mabasai epamba anogona kufanoitwa usati wapayona kana kuti anogona kumboregwa kwechinguvana kutozosvikira pashure? Imwe yenguva yaunopedzera muvaraidzo, nhandaro, kana kuti zvimwe zvimiro zvenhandaro inogona kubviswa here? Panzvimbo pokutarira hwerengedzo yemaawa 60 anodikanwa, ronga rudungwe rwako pahwaro hwezuva nezuva kana kuti vhiki nevhiki. Maawa 2 bedzi pazuva kana kuti maawa 15 pavhiki anodikanwa kuti uite upiyona hwebetsero. Tarira marudungwe omuenzaniso, uye une chinyoreso muruoko, ona zvaunogona kuronga norudungwe rwemunhu oga rwebasa runokodzerana zvikuru zviri nani newe uye nemhuri yako.
17 Kudavidza kwakaisvonaka uye tsigiro yokuwedzera yeungano zvakaratidzwa muushumiri mumwedzi waApril akapfuura zvakasimbisa mbavarira yemumwe piyona wenguva dzose akanyora kuti: “Ndinokuongai zvikuru kwazvo nokuda kwegadziriro yenyu yorudo yokushandisa nhamburiko yokuwedzera mukutsigira upiyona hwebetsero. . . . Marudungwe enyu akakarakadzwa akabetsera vakawanda vakanga vasina kumbopayona kuti vazive kuti vanogona kuzviita. . . . Ndinofara kwazvo kuva rutivi rwesangano raJehovha uye kutevera nhungamiro yorudo inofadza yemuranda akatendeka neakachenjera.”
18 Zvirevo 21:5 inotivimbisa kuti: “Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji.” Zvirevo 16:3 inotikurudzira kuti: “Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, zvawakarangarira zvigoitika.” Hungu, kupfurikidza nokubatanidza Jehovha nokunyengetera muchisarudzo chedu uye kutsamira paari zvakasimba kuti atibetsere kubudirira, tinogona kuva nechivimbo pamusoro pokuronga kwedu kuita upiyona hwebetsero. Zvingava kuti mushure mokuona kuti rudungwe rwedu runoshanda zvakanaka sei mumwedzi mumwe kana kuti miviri yokuita upiyona hwebetsero, tichakwanisa kutara mubhokisi riri pakumbiriso youpiyona hwebetsero rinorava kuti: “Tarai umu kana muchida kupfuurira kubatira sapiyona webetsero kusvikira imwezve ziviso.” Kunyange zvakadaro, tinotarisira kuita upiyona hwebetsero zvekare muna August, umo mune kupera kwemavhiki kushanu. Sezvatinogumisa gore rebasa muna August, nhamburiko yakabatana ichaitwa kuti munhu wose agoverane zvizere sezvinobvira muushumiri.
19 Jesu akaporofita kuti: “Unotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye uchaaitawo, uchaita makuru kunawawa.” (Johane 14:12) Iropafadzo yedu inofadza kubatira sevashandi pamwe naMwari apo uporofita uhu huri kuzadzikwa zvakaisvonaka. Zvino ndiyo nguva yokuparidza mashoko akanaka nesimba gurusa zvikuru, tichitenga nguva yakafanira kuti tiite basa iri. (1 VaK. 3:9; VaK. 4:5) Kugoverana kakawanda sezvinobvira mubasa roupiyona hwebetsero inzira yakaisvonaka yokuita rutivi rwedu sevazivisi voUmambo. Tinomirira nokudisa kuona kuti rwiyo rwokurumbidza munguva ino yeChirangaridzo ruchava rwakakura sei kubva kumapiyona ebetsero. (Pis. 27:6) Tichifunga nezvemigumisiro yaApril akapfuura, tinoshamisika kuti, ‘Tichazviita zvekare here?’ Tine chivimbo chokuti tichadaro!
[Bhokisi riri papeji 3]
Unogona Kuita Upiyona Hwebetsero Here?
“Ipi kana ipi ingava migariro yako umene, kana wakabhabhatidzwa, uri wechimiro chetsika dzakanaka, unogona kugadzirira kusvitsa chinodikanwa chemaawa 60 pamwedzi muhushumiri hwomumunda uye uchidavira kuti ungabatira mwedzi mumwe kana kuti inopfuura sapiyona webetsero, vakuru veungano vachafara kurangarira kumbiriso yako nokuda kweiyi ropafadzo yebasa.”—Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, peji 113.
[Bhokisi riri papeji 6]
Marudungwe Apiyona Webetsero
Nzira Dzomuenzaniso Dzokuronga Nadzo Maawa 15 Ebasa Romumunda Vhiki Imwe Neimwe
Mangwanani—Muvhuro kusvika kuChitanhatu
Svondo ingatsiviwa nezuva ripi neripi
Zuva Nhambo Maawa
Muvhuro Mangwanani 2 1⁄2
Chipiri Mangwanani 2 1⁄2
Chitatu Mangwanani 2 1⁄2
China Mangwanani 2 1⁄2
Chishanu Mangwanani 2 1⁄2
Chitanhatu Mangwanani 2 1⁄2
Hwerengedzo Yemaawa: 15
Mazuva maviri akazara
Mazuva maviri api neapi evhiki angasarudzwa
Zuva Nhambo Maawa
Chitatu Zuva Rakazara 7 1⁄2
Chitanhatu Zuva Rakazara 7 1⁄2
Hwerengedzo Yemaawa: 15
Madekwana Maviri Nokupera Kwevhiki
Madekwana maviri emazuva omukati mevhiki api neapi angasarudzwa
Zuva Nhambo Maawa
Muvhuro Madekwana 1 1⁄2
Chitatu Madekwana 1 1⁄2
Chitanhatu Zuva Rakazara 8
Svondo Hafu Yezuva 4
Hwerengedzo Yemaawa: 15
Masikati Omukati Mevhiki neChitanhatu
Svondo ingatsiviwa nezuva ripi neripi
Zuva Nhambo Maawa
Muvhuro Masikati 2
Chipiri Masikati 2
Chitatu Masikati 2
China Masikati 2
Chishanu Masikati 2
Chitanhatu Zuva Rakazara 5
Hwerengedzo Yemaawa: 15
Rudungwe Rwangu Rwomunhu oga Rwebasa
Sarudza nhamba yemaawa nokuda kwenhambo imwe neimwe
Zuva Nhambo Maawa
Muvhuro
Chipiri
Chitatu
China
Chishanu
Chitanhatu
Svondo
Hwerengedzo Yemaawa: 15