RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/98 p. 6
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 3/98 p. 6

Zviyeuchidzo zveChirangaridzo

Kuchengetwa kweChirangaridzo kuri paChitanhatu, April 11. Vakuru vanofanira kungwarira zvinhu zvinotevera:

◼ Mukuronga nguva yemusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kutozosvikira pashure pokudoka kwezuva.

◼ Munhu wose, kubatanidza mukurukuri, anofanira kuziviswa nguva chaiyoiyo nenzvimbo yokuchengetera.

◼ Rudzi rwakarurama rwechingwa newaini rwunofanira kuwanwa ndokugadzirirwa.—Onai Nharireyomurindi, yaFebruary 15, 1985, peji 17.

◼ Ndiro, magirazi, uye tafura nejira rakafanira repatafura zvinofanira kuunzwa kuhoro ndokuiswa munzvimbo yazvo pachine nguva.

◼ Horo yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo inoitirwa misangano inofanira kucheneswa zvakakwana pachine nguva.

◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kusarudzwa ndokurayiridzwa pachine nguva pamusoro pomuitiro wakafanira uye mabasa avo.

◼ Gadziriro dzinofanira kuitwa dzokugovera vapi nevapi vevakazodzwa vari ndonda uye vasingakwanisi kuvapo.

◼ Apo ungano dzinopfuura imwe dzinenge dzakarongwa kushandisa Horo yoUmambo imwe cheteyo, panofanira kuva nokutsinhirana kwakanaka pakati peungano kuitira kudzivisa kutsvikinyidzana kusiri madikanwa mumukoto, musuo, pokufamba napo, uye pokupaka motokari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe