RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/05 p. 4
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 8/05 p. 4

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naAugust 29, 2005. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJuly 4 kusvika kune yaAugust 29, 2005. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Patinoudza vamwe nezvokutenda kwedu, tingaita sei kuti ‘kunzwisisa kwedu kuzivikanwe nevanhu vose,’ uye nei izvi zvichikosha? (VaF. 4:5; Jak. 3:17) [be-CA p. 251 ndima 1-3, bhokisi]

2. Kuziva nguva yokusapikisa kuchatibatsira sei kubudirira kunzwisisana nevamwe? [be-CA p. 252 ndima 5–p. 253 ndima 1]

3. Nei kubvunza mibvunzo nounyanzvi kuchikosha patinobatsira vamwe kunzwisisa imwe nyaya? [be-CA p. 253 ndima 2-3]

4. Ndezvipi zvinofanira kufungwa nezvazvo kana kukurukurirana kuchizonyengetedza? [be-CA p. 255 ndima 1-4, bhokisi; p. 256 ndima 1, bhokisi]

5. Chii chatinofanira kuyeuka kana tikasarudza kushandisa uchapupu hwokuwedzera kuti titsigire kunaka kweMagwaro? [be-CA p. 256 ndima 3-5, bhokisi]

HURUKURO NHA. 1

6. Uchapupu hupi hwakajeka hunopupurira kuti Jesu akavapo zvechokwadi? [w03-CA 6/15 map. 4-7]

7. ‘Muromo wevakarurama unovarwira’ uye imba yevakarurama “inoramba imire” sei? (Zvir. 12:6, 7) [w03-CA 1/15 p. 30 ndima 1-3]

8. Sezvo muBhaibheri musina kunyorwa zvinhu zvose zvinorambidzwa nezvinobvumidzwa, ‘tinganzwisisa sei kuti kuda kwaJehovha chii?’ (VaEf. 5:17) [w03-CA 12/1 p. 21 ndima 3–p. 22 ndima 2]

9. Mitemo yeBhaibheri ipi iyo inoti kana yashandiswa ingabatsira munhu kuti atarisane nourombo kana nezvinetso zvemari? [w03-CA 8/1 p. 5 ndima 3-6]

10. Muenzaniso waJehovha wokuva norupo unofanira kutiita kuti tiite sei? (Mat. 10:8) [w03-CA 8/1 map. 20-2]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Chii chairehwa nembiru mbiri dzaiva nemazita okuti Jakini naBhoazi dzaiva pamukova wetemberi yakavakwa naSoromoni? (1 Madz. 7:15-22)

12. Kupa kwakaita Soromoni chipo chemaguta 20 omunyika yeGarireya kuna Mambo Hiramu weTire kwaienderana here noMutemo waMosesi? (1 Madz. 9:10-13)

13. Chii chatinodzidza kubva mukusateerera kwo“munhu waMwari”? (1 Madz. 13:1-25)

14. Mambo Asa weJudha akaratidza ushingi hwake sei uye chii chatingadzidza mumuenzaniso wake? (1 Madz. 15:11-13)

15. Zvakaitika kuna Mambo Ahabhi naNabhoti zvinoratidza sei kuipa kwokuzvinzwira tsitsi? (1 Madz. 21:1-16)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe