Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naAugust 29, 2005. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJuly 4 kusvika kune yaAugust 29, 2005. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Patinoudza vamwe nezvokutenda kwedu, tingaita sei kuti ‘kunzwisisa kwedu kuzivikanwe nevanhu vose,’ uye nei izvi zvichikosha? (VaF. 4:5; Jak. 3:17) [be-CA p. 251 ndima 1-3, bhokisi]
2. Kuziva nguva yokusapikisa kuchatibatsira sei kubudirira kunzwisisana nevamwe? [be-CA p. 252 ndima 5–p. 253 ndima 1]
3. Nei kubvunza mibvunzo nounyanzvi kuchikosha patinobatsira vamwe kunzwisisa imwe nyaya? [be-CA p. 253 ndima 2-3]
4. Ndezvipi zvinofanira kufungwa nezvazvo kana kukurukurirana kuchizonyengetedza? [be-CA p. 255 ndima 1-4, bhokisi; p. 256 ndima 1, bhokisi]
5. Chii chatinofanira kuyeuka kana tikasarudza kushandisa uchapupu hwokuwedzera kuti titsigire kunaka kweMagwaro? [be-CA p. 256 ndima 3-5, bhokisi]
HURUKURO NHA. 1
6. Uchapupu hupi hwakajeka hunopupurira kuti Jesu akavapo zvechokwadi? [w03-CA 6/15 map. 4-7]
7. ‘Muromo wevakarurama unovarwira’ uye imba yevakarurama “inoramba imire” sei? (Zvir. 12:6, 7) [w03-CA 1/15 p. 30 ndima 1-3]
8. Sezvo muBhaibheri musina kunyorwa zvinhu zvose zvinorambidzwa nezvinobvumidzwa, ‘tinganzwisisa sei kuti kuda kwaJehovha chii?’ (VaEf. 5:17) [w03-CA 12/1 p. 21 ndima 3–p. 22 ndima 2]
9. Mitemo yeBhaibheri ipi iyo inoti kana yashandiswa ingabatsira munhu kuti atarisane nourombo kana nezvinetso zvemari? [w03-CA 8/1 p. 5 ndima 3-6]
10. Muenzaniso waJehovha wokuva norupo unofanira kutiita kuti tiite sei? (Mat. 10:8) [w03-CA 8/1 map. 20-2]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Chii chairehwa nembiru mbiri dzaiva nemazita okuti Jakini naBhoazi dzaiva pamukova wetemberi yakavakwa naSoromoni? (1 Madz. 7:15-22)
12. Kupa kwakaita Soromoni chipo chemaguta 20 omunyika yeGarireya kuna Mambo Hiramu weTire kwaienderana here noMutemo waMosesi? (1 Madz. 9:10-13)
13. Chii chatinodzidza kubva mukusateerera kwo“munhu waMwari”? (1 Madz. 13:1-25)
14. Mambo Asa weJudha akaratidza ushingi hwake sei uye chii chatingadzidza mumuenzaniso wake? (1 Madz. 15:11-13)
15. Zvakaitika kuna Mambo Ahabhi naNabhoti zvinoratidza sei kuipa kwokuzvinzwira tsitsi? (1 Madz. 21:1-16)