Purogiramu Yevhiki yaFebruary 8
VHIKI INOTANGA NAFEBRUARY 8
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
lv-CA chits. 16 ¶15-22, bhokisi riri pap. 194
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 11-14
Nha. 1: Vatongi 13:1-14
Nha. 2: Tingadzidzei Pamashoko aJesu Akanyorwa Pana Ruka 16:9-13?
Nha. 3: ‘Kurwadziswa Nokusingaperi’ Kunotaurwa Muna Zvakazarurwa Kunorevei? (rs-CA p. 77 ¶2-3)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Kupindura Mibvunzo Pamusoro Pemazororo. Kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku rinonzi Kukurukurirana, pasi pemisoro miviri inotangira pamapeji 217 ne218. Mazororo api angangochengetwa nevanhu vari mundima yenyu? Ungakwanisa kupupurira pamusoro perimwe remazororo acho rini uye kupi? Ivai nomuenzaniso unoratidza zvingaitwa nomubereki achibatsira mwana wake kuti agadzirire kupindura mubvunzo unoti, Nei musingachengeti Isita?
20 min: “Mapepa Okukokera Chirangaridzo Anofanira Kuparadzirwa Mupasi Rose!” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro. Musati makurukura ndima 2, kana mapepa eChirangaridzo avapo, ipai munhu wose pepa racho, uye tsanangurai zvinhu zvakasiyana-siyana zviri pariri. Pashure pokukurukura ndima 2, itai kuti muparidzi aenzanisire kuti pepa racho richashandiswa sei. Bvunzurudzai mutariri webasa kana kuti mumwe mukuru kuti atsanangure mamwe mashoko ane chokuita neurongwa hwebasa romumunda pamushandirapamwe weChirangaridzo.