Kutsigira Zvinotaurwa neMagwaro Nezvemariro—Chikamu 4
Pakuenda Kumariro Anotungamirirwa Nevanhu Vasiri Zvapupu
1. Nei kuenda kumariro anotungamirirwa nezvitendero zvenhema muchechi iri nyaya hombe?
1 Kuenda kumariro anoitwa maererano nedzidziso dzenhema dzechitendero, mungava muchechi kana kuti mumusha, inyaya hombe, sezvinotaurwa mu“Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” muNharireyomurindi yaMay 15, 2002. Zvakanaka kuyeuka kuti mariro anoitirwa muchechi chiito chokunamata uye kazhinji angasanganisira dzidziso kana kuti kutaura kunotsigira zvinopesana nemagwaro, zvakadai sokuti mweya womunhu haufi uye kuti vanhu vose vakanaka vachawana mubayiro wokudenga.
2. Mumwe nomumwe wedu anofanira kuitei kuti akwanise kukunda miedzo inounzwa nevoukama vasingatendi?
2 Dzimwe nguva, vomumhuri vepedyo vanganzi vanofanira kuitawo dzimwe tsika dzemariro. Somuenzaniso, muKristu anenge ari mwanakomana wedangwe angatarisirwa kuti aitire baba vake vasiri Chapupu dzimwe tsika dzemariro. Kana kuti chirikadzi yechiKristu ingatarisirwa kuti iite tsika dzemariro panenge pafa murume wayo. Pakadai, panoda kungwarira kuti munhu asaita zvinhu zvisiri izvo. Zviri pachena kuti hatifaniri kumirira kusvikira paitika rufu kuti vomumhuri vasingatendi vazoziva patimire chaipo panyaya idzi. Kana vakafanoziva patimire chaipo, zvinova nyore zvikuru kuti tirambe takatsiga pakunamata patinenge tichitsungirira kushungurudzika uye kunetseka kunowanzoitika kana pafiwa.
3. Munhu anofanira kufungei kana achizoenda kana kuti achizorega kuenda kumariro emunhu waanoshanda naye, muvakidzani kana kuti woukama asiri Chapupu?
3 Ko kana muKristu achifunga kuti anofanira kuenda kumariro emunhu asingatendi, angava waanoshanda naye, hama yake, kana kuti muvakidzani? Ipapo angazvibvunza kuti: ‘Kuva muboka revanhu vanenge vachiita zvechitendero chenhema kungaita kuti zvindiomere here kuti ndisabatane navo pane zvavanenge vachiita? Kuvapo kwangu kungakuvadza hana dzevamwe vomuungano here? (Mat. 18:6) Kungaita kuti ndinetsane nevaya vasinganzwisisi kuti nei ndichiramba kuita zvavanoita here?’ Hatimbofaniri kukanganwa kunetseka kwatingaita nehana yedu kana tikavapo. Mukana wokuti hana yedu kana kuti yomumwe ikuvare ungapfuura nokure zvinonzi zvakanakira kuva pamariro akadaro.—Enzanisa na1 VaKorinde 8:12, 13.
4. Munhu angasarudza kushanyira mhuri inenge yafirwa rini?
4 Ko kana munhu akaona kuti kuva kwake pamariro kungaita kuti aite zvinhu zvisiri zvechiKristu uye agumbure vamwe kana kuti anetsane nevanhu vasingatendi? Chero chimwe chete cheizvi chinenge chiri chikonzero chakanaka chokuti muKristu asarudze kusava pamariro akadaro. Kana munhu akasarudza kusaenda pamusana pehana yake, hapana munhu ari muungano anofanira kutsoropodza kana kugumburwa nezvaanenge asarudza. Vamwe vakasarudza kushanyira mhuri inenge yafirwa purogiramu yemariro isati yatanga kana kuti pashure pokunge yapera. Panguva dzakadaro, mhuri inenge yafirwa ingave yakagadzikana mupfungwa uye ichida kuteerera zvinotaura Bhaibheri. Kubatsira mhuri yacho nemari panguva yakadaro painenge iri yoga kungangoita kuti mari yatinopa ibatsire mhuri yacho pachayo.
5. Nei kuonekwa pamariro kuchikosheswa zvikuru?
5 Usarerutsa ngozi yacho: Vakawanda vanokoshesa zvikuru kuonekwa pamariro. Naizvozvo, kusava pamariro kungaonekwa sokunogumbura zvikuru mhuri inenge yafirwa. Vamwe vanotofunga kuti kana vakasapota vachienda kumariro evamwe, kumariro kwavo kuchauya vanhu vashomanana! Pamusana peizvi, zvakajairika kuti vanhu vaende kumariro maviri, matatu kana kuti akatowanda pakupera kwevhiki kumwe chete.
6. Ndezvipi zvakaipa zvingaitika kumuKristu anovavarira kuenda kumariro akawanda?
6 Sevanamati vaJehovha vechokwadi, tinofanira kufungisisa kuti kugara tichienda kumariro kungaitei pamanamatiro edu. Kwaizova kuchenjera here kupedza nguva yakawanda tichienda kumariro pakupera kwevhiki zvokuti tinosarirwa nenguva shomanana yokuita basa romumunda uye mamwe mabasa echiKristu? (VaEf. 5:15, 16) Sezvo pamariro okunyika pachiwanzoitwa tsika dzisiri dzechiKristu dzakadai sokunwa doro zvakanyanya, tingada kuzvibvunza kana kuri kuchenjera kuti tive pamariro akadaro. Dzimwe nguva, vaKristu vasina kungwarira vakarerutsa ngozi yacho vachibva vabatanidzwa pakuita zvinhu zvisina kunaka. Vamwe vakarasikirwa neropafadzo dzavo dzebasa.—Zvir. 22:3.
7. Kujoina mabheriya ekwatinogara kune ngozi dzipi?
7 Kune dzimwe nzvimbo, hama dzakajoina bheriya. Masangano aya anowanzova nevanhu vedzinza kana kuti vorudzi rumwe chete. Vanhu vanonzi vabhadhare mari nechinangwa chokutsigira zvirongwa zvemariro avo. Vaya vari mubheriya vanotarisirwa kutsigira uye kuenda kumariro evamwe vavo. Kwaizova kuchenjera here kujoina urongwa hwakadaro? Kune imwe nzvimbo, imwe hanzvadzi yechiKristu yakajoina bheriya vabereki vayo vasingazivi. Payakafa, vanhu vebheriya vakauya kumariro vakawanda kuti vazoridza ngoma, kuimba nokutamba. Kunyange zvazvo mhuri yacho yakaedza kugadzirisa zvinhu, pasina nguva mariro acho akanga asingachadzoreki, zvokuti zvakanyadzisa vabereki vayo uye hama dzechiKristu dzaivapo.
Zvinotaurwa neMagwaro Zviri Pakati Nepakati Asi Zvakajeka
8. Tingashandisa sei pfungwa iri pana 1 VaKorinde 10:21 panyaya dzemariro?
8 Pana 1 VaKorinde 10:21, tinoudzwa kuti: “Hamugoni kudyira pa‘tafura yaJehovha’ uye patafura yemadhimoni.” Vanhu vaMwari havaiti zvokutamba nenyevero iyi. Chii chingaitika kana munhu womuungano akabatanidzwa mutsika dzemariro dzechihedheni pamusana pokumanikidzwa neveukama kana kuti vavakidzani vasingatendi? Kana munhu wacho akanamata chidhori kana kuti akabatana mukutenda nezvimwe zvitendero, uku kungava kutsauka pakutenda, uye matanho angafanira kutorwa kuti ungano irambe yakachena.—Dheut. 18:9-13; Jer. 7:16-19.
9, 10. Chii chichatibatsira kuramba tichiona rufu zviri pakati nepakati uye zvinoitwa pamariro zvakurukurwa muwedzero ino?
9 Kuramba tichiona rufu zviri pakati nepakati: Chii chichatibatsira kuti tirambe tichiona rufu zviri pakati nepakati uye zvinoitwa pamariro zvichangobva kukurukurwa? Nechepasi pemwoyo yedu, tinofanira kuda Jehovha kusvika ‘pakuvenga zvakaipa.’ (Pis. 97:10) Tinofanira kudzivisa zvachose tsika dzemariro dzinobatana nedzidziso yokuti vakafa vane zvavanoita pavapenyu. Ukuwo, kuda kwatinoita vamwe zvikuru kunofanira kuita kuti titambire kure nokuita zvinhu zvinogona kugumbura vamwe vaKristu kana kuti kukuvadza hana dzavo.—1 VaK. 10:32, 33.
10 Kunyatsonzwisisa zvinoitika kana munhu afa kunotibatsira kudzivisa mafungiro uye maitiro evanhu vari murima mune zvokunamata. Saka tinodzivisa kukanganiswa nevaya vanotungamirira mariro okurumbidza uye kukudza vakafa kana kuti ekushamisira nezvavari uye nepfuma yavo. Hatimbofi takabvumira kuti zvirongwa zvemariro zvivhiringidze zvinhu zvinokosha zvine chokuita nokunamata. Uyewo hatizogumburwi kana mumwe munhu akasarudza kusaenda kumariro kana kuti zvimwe akasatibatanidza mune zvimwe zvirongwa zvemariro.
11. (a) Rondedzera kuti tingabatwa sei nevoukama uye shamwari pamusana pokuomerera pane zvinotaurwa neBhaibheri nezvetsika dzemariro. (b) Tinofanira kuita sei?
11 Usatya vapenyu: Kuramba kwatinoita kuitawo tsika dzemariro dzechihedheni kungaita kuti vasingatendi vatitsoropodze, vatinyombe, vatibate zvakaipa kunyange kutotivenga. (1 Pet. 4:4) Vamwe vanamati vaJehovha vakabviswa pawiri, vakasiyiwa vasina rutsigiro uye vakarambwa nehama pamusana pekutsigira zvakarurama. (Joh. 15:19) Vamwe vakafungirwa zvisiri izvo uye vakapomerwa kuti havadi kubatana nevamwe uye kuti havaremekedzi vakafa. Kunyange zvazvo izvi zvisingafadzi, tinotarisira kubatwa saizvozvo, tichiziva kuti takasiyana nenyika. (2 Tim. 3:12) Naizvozvo, pane kuti tiite zvinhu tichitya vanhu, tinotungamirirwa nokutya kwakanaka kwokuti tisagumbura Jehovha Mwari.—Zvir. 29:25; Mab. 5:29.
12. Jesu muenzaniso wedu sei pakusaedza kushamisa vamwe?
12 Ita kuti vaone musiyano wacho: Vamwe vakati, “Zvapupu zvaJehovha hazvichemi vakafa vazvo.” Mashoko akadaro anotirwadza here? Dzimwe nguva tinombonzwa here tichida kuratidza vamwe kuti zvechokwadi tinochema vanhu vatinoda vanenge vafa? Tingayeuka kuti Satani paakaedza Jesu kuti aratidze kuti aiva Mwanakomana waMwari nokuzviwisira pasi achibva parusvingo rwetemberi, Jesu haana kubvuma kuzviita. Haana kunyengedzwa kuti aite chimwe chinhu chakaipa kuti afadze vanhu. (Mat. 4:5-7) Tinofanirawo kudzivisa muedzo wokuedza kuratidza vamwe kuti tinochema vakafa vedu nokutevedzera zvinoitwa nevanhu vasingatendi pamariro avo.
13. Chii chakaitika kuvaIsraeri chinogona kuitikawo kwatiri, uye nei?
13 Kana tikasangwarira, tinogona kupinda mumusungo wokufunga zvisiri izvo sezvakaita vanhu vaMwari munguva dzekare. Tingayeuka kuti vaIsraeri vakagadzira mhuru yendarama kuti vanamate vachibva vauti ‘mutambo unoitirwa Jehovha.’ (Eks. 32:5) Vakazvinyengedza kufunga kuti Mwari aizogamuchira muvhenganiswa wokunamata kwechokwadi nekwenhema. Vakanga vakarasika chaizvo! Kunamata kwakavhengana kwavakaita kwakagumbura Jehovha, zvikaurayisa vaIsraeri 3 000.—Eks. 32:28.
14. Tingabatsira sei vanhu kusiyanisa zvakarurama nezvakaipa?
14 Vanhu vaMwari vanodzivisa tsika dzechihedheni dzakadai sokupupudza, nyaradzo, kurova guva uye dzimwe tsika dzisina kuchena. Kana tikasadaro, vanhu vangafunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvinewo maitiro azvinoita tsika idzi dzechihedheni. (VaG. 6:12; Dheut. 12:30) Asi kana tikaramba tichiratidza patimire chaipo, tinopa vanhu mukana ‘wokuona kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa, kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.’—Mar. 3:18.