Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari choUshumiri vhiki inotanga naApril 26, 2010. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMarch 1 kusvika kuvhiki yaApril 26, 2010.
1. Naomi airevei paakati “Jehovha andininipisa uye zvaari Wemasimbaose aita kuti ndive nedambudziko”? (Rute 1:21) [w05-CA 3/1 p. 27 ndima 1]
2. Unhu hupi hwakaita kuti Rute ave “mukadzi akanaka kwazvo”? (Rute 3:11) [w05-CA 3/1 p. 28 ndima 6]
3. Mashoko aErikana okuti “handisi nani kwauri kupfuura vanakomana gumi here” akasimbisa sei mudzimai wake? (1 Sam. 1:8) [w90-CA 3/15 p. 27 ndima 5-6]
4. Nei kukumbira kwakaita vaIsraeri kuti vave namambo kwakanga kusina kukodzera? (1 Sam. 8:5) [w05-CA 9/15 p. 20 ndima 17]
5. Samueri akaratidza sei muenzaniso wakanaka nokunyengeterera vamwe paakanga ‘akwegura uye achena musoro,’ uye izvi zvinoratidzei? (1 Sam. 12:2, 23) [w07-CA 6/1 p. 29 ndima 14-15]
6. Nei vaKeni vakaratidzwa mutsa chaiwo naSauro? (1 Sam. 15:6) [w05-CA 3/15 p. 22 ndima 10]
7. Chii chakaita kuti Sauro abvunze Dhavhidhi kuti, “Mukomana, uri mwanakomana waani?” (1 Sam. 17:58) [w07-CA 8/1 p. 31 ndima 3, 5]
8. Chii chatinodzidza kubva kuna Dhavhidhi pakugadzirisa kwaakaita dambudziko rakakura raakasangana naro paaiva kuGati? (1 Sam. 21:12, 13) [w05-CA 3/15 p. 24 ndima 4]
9. Rudo uye kuzvininipisa kwaJonatani zvakaratidzwa sei paaifanira kutsigira uye kukurudzira shamwari yake Dhavhidhi? (1 Sam. 23:17) [lv-CA p. 28 ndima 10, mashoko omuzasi.]
10. Chii chatinodzidza pane zvakaitika kuna Sauro paakaenda kunoona svikiro rekuEndori? (1 Sam. 28:8-19) [w05-CA 3/15 p. 24 ndima 7]