Nzira Yokubetsera Nayo Vakaora Mwoyo Kuwanazve Mufaro
EPAFRODHITO, mudzidzi wechiKristu womuzana rokutanga ramakore, akaora mwoyo. Iye akanga atumwa kuzotarisira zvinodikanwa zvomuapostora Pauro aiva mutorongo asi akarwara zvakakomba. Kunyange zvazvo Epafrodhito akanga anaya, akaora mwoyo nemhaka yokuti ungano yokumusha kwake, iyo yakanga yamutumira Roma, yakanga “yanzwa kuti akanga arwara.” (VaFiripi 2:25, 26, NW) Ari kure kwazvo asi achida kunyaradza ndangariro yavo pamusoro paikoku kwakaunza kuora mwoyo. Sezvingabvira, iye akanzwawo kuti ivo vaimurangarira kuva akakundikana. Iye aigona sei kubetserwa kuwanazve mufaro wake?
Epafrodhito akadzorerwa kumusha kwake muFiripi achitakura tsamba yakabva kumuapostora Pauro. Imomo, Pauro akaraidza ungano, kuti: “Mumugamuchirei munaShe nomufaro wose, mukudze vakadai.” (VaFiripi 2:27-30) MaKristu eFiripi akakurudzirwa kuswededza Epafrodhito pedyo nawo nenzira yaizobetsera vara rakatanhamara roruwadzano reungano yechiKristu chaiyoiyo. Mashoko avo anonyaradza aizomuratidza kuti aikosheswa zvikuru, hungu, ‘aidiwa.’ Iyi ngwariro yomufaro yaizoita zvakawanda mukumubetsera kuwana rusununguko mukuora kwake ndangariro.
Uyu muenzaniso unoratidza kuti kunyange zvazvo maKristu ose zvawo “achifara munaShe,” mamwe ari pakati pawo anotambura zvimiro zvakasiana-siana zvokuora mwoyo. (VaFiripi 4:4) Kuora mwoyo kwakakomba ihosha yemirangariro yakakomba iyo yakatotungamirira kukuzviuraya. Padzimwe nguva, kemesitiri youropi nezvimwe zvinhu zvomuviri zvinobatanidzwa. Kunyanguvezvo, kuora mwoyo kunogona kazhinji kazhinji kuderedzwa kupfurikidza nebetsero yokunzwisisa inogoverwa navamwe. Nokudaro, Pauro akapa zano, achiti: “Taurai nenzira inonyaradza kumweya yakaora mwoyo.” (1 VaTesaronika 5:14, NW) Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinofanira, naizvozvo, kugoverana nomufaro tsigiro yemirangariro kumweya yakaora mwoyo. Uyu mutoro wakazivikanwa nesangano rechiKristu razvino uno shure muna 1903, nokuti The Watch Tower panguva iyeyo yakati nezvemweya yakaora mwoyo, kana kuti vakapera mwoyo: “Vakapera mwoyo navakaneta, vaizoda yamuro, tsigiro, kurudziro.” Asi iwe unogona sei kubetsera mweya yakaora mwoyo?
Kutanga, kupfurikidza nokuratidza “tsitsi,” ungakwanisa kubetsera akaora mwoyo kuzivisa “funganyo” iri mumwoyo make. Pashure paikoko, “shoko rakanaka” rinobva kwauri ringamubetsera kufara. (1 Petro 3:8; Zvirevo 12:25) Kungomurega chete achitaura norusununguko ndokunzwa itiro hanya yako kungaunza sununguko huru. “Ndaiva neshamwari mbiri dzandaigona kutaura chaizvoizvo zviri pamwoyo pangu kwadziri,” akatsanangura Mary, muKristu asina kuroorwa uyo akarwisana nokuora mwoyo. “Ndaida mumwe munhu wokuteerera.” Kuva nomumwe munhu wokugoverana naye mifungo yomukati-kati pamusoro pamadambudziko oupenyu kunogona kureva zvakawanda zvikuru.
Zvakawanda zvinodikanwa, zvisinei, kupfuura kungoteerera chete nokupa zano rapamusoro rakadai, “Rangarira rutivi rwakanaka rwoupenyu” kana kuti, “Funga nenzira yakananga.” Kutaura kwakadaro kungagona kuratidzira kushaikwa kwetsitsi ndokuva chose chose kusina kufanira apo mumwe munhu anenge aora mwoyo, kunyange sezvo Zvirevo 25:20 ichiratidzira mukuti: “Somunhu unobvisa nguvo kana kuchitonhora, . . . ndozvakaita munhu unoimbira mwoyo unorwadza nziyo.” Tsinhiro dzine tariro dzisiri dzechokwadi dzingasiyawo munhu akaora mwoyo achinzwa atovhiringidzika zvikuru. Neiko? Nemhaka yokuti nhamburiko dzakadaro hadzibati nezvikonzero zvokuora mwoyo kwake.
Simbisa Namashoko
Munhu aora mwoyo zvakakomba haasati achingonzwa zvake akasuruvara asi zvimwe asina maturo uye asina tariro. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mweya yakaora mwoyo” chaizvoizvo rinoreva “vane mwoyo muduku.” Imwe nyanzvi yechiGiriki inorondedzera shoko racho neiyi nzira: “Munhu ari kubishaira munhamo yakadaro, zvokuti mwoyo wake unonyura mukati make.” Nokudaro, mano ake emirangariro aoma, uye kuzviremekedza kwake kwaderera.—Enzanisa naZvirevo 17:22.
Tateguru Jobho akati: “Ndingakusimbisai nomuromo wangu.” (Jobho 16:5, NW) Shoko rechiHebheru nokuda kwo“kusimbisa” pane dzimwe nguva rinoshandurwa “kuti kusimbaradza” kana kuti “kusimbisa.” Rinoshandiswa kurondedzera kuti tembere ‘yakasimbiswa’ sei kupfurikidza nokugadzira. (Isaya 41:10; Nahumi 2:1; 2 Makoronike 24:13) Mashoko ako anofanira kuvakazve nenzira younyanzvi kuzviremekedza kwomunhu akaora mwoyo, chidhina nechidhina, sokunge zvakadaro. Kuita ikoku kunoda kuti iwe ufadze “simba [rake] rerangariro.” (VaRoma 12:1, NW) Chinyorwa cha 1903, cheThe Watch Tower chanokorwa mashoko pakuvamba chakataura pamusoro pavakaora mwoyo, kuti: “Vachishaiwa . . . kuzviremekedza, ivo vanoda kusaidzirwa pamberi zvishomanene, nokuda kwokubudisa mano ayo vanawo chaizvoizvo, nokuda kwekurudzirwo yavo vamene uye nokuda kwokukomborerwawo kwemhuri yose yokutenda.”
Muenzaniso weBhaibheri waErikana nomudzimai wake akaora mwoyo Hana unoratidzira kuti unogona kusimbisa sei namashoko, sezvakaita Jobho. Erikana aiva navadzimai vaviri. Mumwe wavo, Penina, aiva navana vanoverengeka, asi Hana akanga ari ngomwa. Sezvingabvira, Hana akazvirangarira amene kuva asina maturo. (Enzanisa naGenesi 30:1.) Sokunge uyu mutoro wakanga usingaremi zvakakwana, Penina akamunetsa kusvikira papfundo rokuti akachema ndokurasikirwa nechishuvo chake chezvokudya. Kunyange zvazvo Erikana akanga asingazivi nezvoukuru hwokuora mwoyo kwake, pakuona mugariro wake, akabvunza, achiti: “Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? Mwoyo wako une shungu nei?”—1 Samueri 1:1-8.
Mibvunzo yomutsa isingapomeri, yaErikana, yakapa Hana banza rokuisa mirangariro yake mumashoko. Kana iye akapindura kana kuti kwete, akabetserwa kukamuranisa nei iye sezvingabvira ainzwa asina maturo. Naizvozvowo, mweya wakaora mwoyo ungati, ‘Ndinongova zvangu munhu akashata.’ Ungagona kubvunza, kuti: ‘Neiko uchinzwa saizvozvo?’ Ipapo sanoteerera sezvo anotaura kwauri zvaanonzwa mumwoyo make.—Enzanisa naZvirevo 20:5.
Erikana ipapo akabvunza Hana uyu mubvunzo unosimbisa zvikuru: “Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?” Hana akayeuchidzwa nezvechidakadaka chake nokuda kwake, pasinei zvapo noungomwa hwake. Iye akamurangarira kuva anokosha, uye iye aigona naizvozvo kugumisa, kuti: ‘Eya, handisi asina maturo kwazvo pashure pokurangarira zvose. Ndine chaizvozvo rudo rukuru rwomurume wangu!’ Mashoko ake akasimbisa Hana, nokuti iye akavamba kudya uye akapfuurira kuenda kutembere.—1 Samueri 1:8, 9.
Sezvo Erikana akanga akananga uye akakwevera ngwariro yomudzimai wake kuchikonzero chakarurama chokuti anzwe zviri nani pamusoro pake amene, avo vanoda kubetsera vanhu vakaora mwoyo vanofanira kuita zvakafanana. Somuenzaniso, mumwe muKristu anonzi Naomi akataura izvi pamusoro pezvakamuyamura kuwanazve mufaro wake: “Dzimwe dzeshamwari dzakarumbidza nzira yandakanga ndarera nayo mwanakomana wangu, nzira yandaichengeta nayo musha wangu, uye kunyange nzira yandaichengeta nayo chitarisiko changu pasinei zvapo nokuora mwoyo kwangu. Iyi kurudziro yakareva zvakawanda kwazvo!” Hungu, rumbidzo yakafanirwa inobetsera mweya wakaora mwoyo kuona mavara ake akanaka ndokuita kuyerwa kwakafanira kwefaniro yake.
Kana mudzimai wako aora mwoyo, kuregerereiko kutsvaka kumuvaka mutsinhirano namashoko aZvirevo 31:28, 29? Ipapo tinorava, kuti: “Murume wakewo unomurumbidza, achiti: Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.” Zvisinei, mudzimai akaora mwoyo angasagamuchira kuyerwa kwakadaro, sezvo iye anganzwa saakakundikana nemhaka yokusakwanisa kutarisira mabasa emhuri zvakanaka sezvaanofunga kuti anofanira. Kupfurikidza nokumuyeuchidza nezvomukadzi waari mukati, uye zvaakanga akaita asati atambura kuora mwoyo, zvisinei, ungakwanisa kumupwisa kuti rumbidzo yako haisati iri mafadzahanzvadziwo zvawo. Iwe ungabvumawo kuti icho anoita zvino chinomirira nhamburiko hurusa. Ungagona kuti: ‘Ndinoziva chakwakada kuti uite ikoku. Kunorumbidzwa sei kuti uri kushandisa nhamburiko huru yakadaro!’ Kugamuchira tendero nerumbidzo zvomukwanyina womunhu navana, avo vanomuziva zvakanakisisa, kunokosha nokuda kwokuvakazve kuzviremekedza.—Enzanisa na 1 VaKorinte 7:33, 34.
Kushandiswa kwemienzaniso yeBhaibheri kungabetsera munhu akaora mwoyo kuona kuti ichinjoi mukufunga dzingava dziri madikanwa. Somuenzaniso, zvichida mumwe munhu anotapurika zvikuru pamusoro pemifungo yavamwe. Ungakurukura muenzaniso waEpafrodhito ndokubvunza, kuti: ‘Neiko uchifunga kuti iye akaora mwoyo apo akaziva kuti ungano yokumusha kwake yakanga yanzwa nezvechirwere chake? Iye akanga akundikana chaizvoizvo here? Neiko Pauro akati mudei? Ko ukoshi chaihwoihwo hwaEpafrodhito somunhu hwakatsamira paropafadzo yebasa yaaiva nayo here?’ Mibvunzo yakadaro ingabetsera muKristu akaora mwoyo kuita shandiso yomunhu oga ndokuziva kuti iye haana kukundikana.
“Mutsigire Vasine Simba”
Bhaibheri rinokurudzira, kuti: “Mutsigire vasine simba.” (1 VaTesaronika 5:14) Kuvapo kwegadziriro yeshamwari dzechiKristu idzo dzinogona kugovera tarisiro inoshanda ndiimwe betsero yorudzidziso rwechokwadi. Shamwari chaidzoidzo ndiavo “vanoberekwa apo kunenge kune nhamo,” uye ivo vanonamatirana zvirokwazvo nomunhu akaora mwoyo. (Zvirevo 17:17, NW) Apo muapostora Pauro akanzwa “aora mwoyo” uye aiva “norutyo mukati,” akanyaradzwa “nokuvapo kwaTito.” (2 VaKorinte 7:5, 6, NW) Nenzira yakafanana, shanyo dzomutsa norunhare panguva dzakafanira sezvingabvira dzichaongwa zvikuru nemweya yakaora mwoyo. Ungabvunza kana pane nzira ipi yaunogona kupa nayo betsero inoshanda, zvakadai sokutumwa, kuita basa romumba, kana kuti zvakafanana.a MuKristu anonzi Maria anoti: “Apo ndakanga ndaora mwoyo, shamwari yakandinyorera kanoverengeka uye nguva dzose yaibatanidza magwaro anokurudzira. Ndairava ndaravazve tsamba yacho, ndichichema sezvandaiirava. Tsamba dzakadaro dzakanga dzakafanana nendarama kwandiri.”
Pashure pokukurudzira ungano kubetsera “mweya yakaora mwoyo,” Pauro anoti: “Muve nomwoyo murefu kuna vose. Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva zvakaipa nezvakaipa.” (1 VaTesaronika 5:14, 15) Shiviriro inokosha, nokuti nemhaka yamarwadzo endangariro, kufunga kwakaipa, uye kuneta nokushaiwa kurara, munhu akaora mwoyo angapindura no“kuvhurumuka,” sezvakaita Jobho. (Jobho 6:2, 3) Rachelle, mumwe muKristu ana amai vakava vakaora mwoyo zvakakomba, akazivisa, kuti: “Kakawanda Amai vaitaura chimwe chinhu nokuvenga zvikuru. Dzakawanda zvikurusa dzeidzi nguva, ndakaedza kuzviyeuchidza ndimene nezvorudzi rwomunhu Amai vari chaizvoizvo—vane rudo, vane mutsa, uye vane rupo. Ndakadzidza kuti vanhu vakaora mwoyo vanotaura zvinhu zvakawanda zvavasingarevi. Chinhu chakaipa zvikurusa icho munhu anogona kuita kudzorera mashoko akaipa kana kuti zviito.”
Vamwe vakadzi vechiKristu vakakura mumudzimu vangakwanisa zvikuru kuunza nyaradzo kuvamwe vakadzi vanotambura nhamo yendangariro. (Enzanisa na 1 Timotio 5:9, 10.) Ava vakadzi vechiKristu vanokwanisa vanogona kukuita pfundo kutaura navakadaro nenzira inonyaradza panhambo dzakakodzera. Padzimwe nguva kwakafanira zvikuru kuti hanzvadzi dzechiKristu dzakakura mumudzimu panzvimbo pehama dzipfuurire kubetsera mukadzi. Kupfurikidza nokuronga zvinhu nokuzvitarisira nenzira yakafanira, vakuru vechiKristu vanogona kuva nechokwadi chokuti mweya yakaora mwoyo inogamuchira tarisiro inodikanwa.
Vakuru Vane Ndimi Dzakadzidziswa
Zvikurukuru vafudzi vomudzimu vanofanira kuva ne“zivo nouchenjeri” kuti vago“ziva nzira yokutaura nayo kukurudzira vakaneta.” (Jeremia 3:15; Isaya 50:4, Beck) Kana mukuru asingangwariri, zvisinei, angaita nenzira isiri yamaune kuti munhu akaora mwoyo anzwe zvakaipa zvikuru. Somuenzaniso, shamwari nhatu dzaJobho sezvinofungidzirwa dzakaenda “kundomunzwira urombo nokumunyaradza.” Asi mashoko avo, akasundwa nomurangariro wakaipa womugariro waJobho, akabatira ku‘muparadza’ panzvimbo pokumunyaradza.—Jobho 2:11; 8:1, 5, 6; 11:1, 13-19; 19:2.
Nyaya dzakasiana-siana dzomuzvinyorwa zveWatch Tower zvakaronga nheyo dzinogona kushandiswa mukupa zano vanhu vamwe navamwe.b Vakuru vazhinjisa vakashandisa mashoko akadaro. Bva, muzvimwe zvinoitika kutaura kusino mufungo kwakaitwa navakuru—pamwero womunhu oga kana kuti zvimwe muhurukuro—kwave kuchikuvadza zvikuru. Naizvozvo vakuru ngavarege ‘kutaura nenzira isina mufungo senokubaya nomunondo’ asi no‘rurimi runoporesa rwavakachenjera.’ (Zvirevo 12:18) Kana mukuru akafunga nezvomuuyo unobvira wetsinhiro dzake asati ataura, mashoko ake anogona kuva anonyaradza. Naizvozvo, vakuru, kurumidzai kuteerera ndokunonoka kuita mhedziso pasina kuva nechiono chose.—Zvirevo 18:13.
Apo vakuru vanova nefariro yechokwadi muvanhu vakaora mwoyo, vanhu vakadaro vanonzwa vachidiwa uye vachiongwa. Tarisiro isiri youdyire yakadaro ingasunda ava vanhu kufuratira kutaura kupi nokupi kunoodza mwoyo. (Jakobho 3:2) Vanhu vakaora mwoyo kazhinji kazhinji vanokurirwa nokuva nemhaka, uye vakuru vanogona kuvabetsera kuwana murangariro wakadzikama wezvinhu. Kunyange apo chivi chakakomba chinenge chaparwa, tarisiro yomudzimu inogoverwa navakuru inogona kubetsera ‘chakaremara kuporeswa.’—VaHebheru 12:13.
Apo vanhu vakaora mwoyo vanonzwa kuti minyengetero yavo haishandi, vakuru vanogona kunyengetera navo uye nokuda kwavo. Kupfurikidza nokurava navo nyaya dzakavakirwa paBhaibheri dzinobata nokuora mwoyo, vakuru vanogona ‘kuzora’ vanhu ivava mashoko omudzimu anonyaradza. (Jakobho 5:14, 15) Vakuru vanogonawo kubetsera munhu akaora mwoyo kuita nhano dzapaMagwaro dzokupedza misiano ipi neipi yomunhu oga iyo angave nayo nomumwe munhu, kana ikoku kuri chinetso. (Enzanisa naMateo 5:23, 24; 18:15-17.) Kazhinji kazhinji, rwisano dzakadaro, zvikurukuru mumhuri, dzinosakisa kuora mwoyo.
Ziva kuti kunaya kunotora nguva. Kunyange nhamburiko dzorudo dzaErikano hadzina kukurumidza kusunungurira Hana kuora mwoyo kwake. Minyengetero yake amene pamwe chete nevimbiso dzakaitwa nomuprista mukuru pakupedzisira zvakatungamirira kurusununguko. (1 Samueri 1:12-18) Nokudaro, iva anoshivirira kana pane mhinduro inonoka. Chokwadika, vakuru vose zvavo havasi vanachiremba uye naizvozvo ivo vangawana nhamburiko dzavo dzakaganhurirwa muzvinoitika zvakati. Ivo, pamwe chete nemitezo yemhuri yomunhu akaora mwoyo, vangada kukurudzira iyeyo kutsvaka betsero yavanachiremba. Kana kuri madikanwa, vakuru kana kuti mitezo yemhuri vanogona kutsanangura zvakajeka kuna chiremba upi nouipi ukoshi hwokuremekedza zvitendero zvorudzidziso zvaakaora mwoyo.
Kutozosvikira munyika itsva yaMwari, hakuna munhu achava noutano hwakakwana hwomuviri, hwendangariro, kana kuti hwemifungo. Munguva ino, muKristu upi noupi anorasikirwa nomufaro wake nemhaka yokuora mwoyo anogona kuwana simba kwete bedzi muungano yechiKristu asi kuna Baba wedu wokudenga, “vanonyaradza vakaora mwoyo.”—2 VaKorinte 7:6, New American Standard Bible.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Defeating Depression—How Others Can Help” iri muAwake! yaNovember 8, 1987, mapeji 12-16.
b Ona nyaya dzinoti “An Educated Tongue—‘To Encourage the Weary’” muNharireyomurindi yechiNgezi yaJune 1, 1982, uye “‘Mashoko Omudzimu’ Nokuda Kwavanotambudzika Mundangariro” muchinyorwa chaNovember 15, 1988.
[Bhokisi riri papeji 29]
NZIRA YOKUTAURA NAYO NENZIRA INONYARADZA
□ SANOTEERERA—Nemibvunzo yokunzwisisa ‘budisa’ mirangariro yomwoyo womunhu wacho. Kurumidza kuteerera uye nonoka kusvika mhedziso dzipi nedzipi usati wava nechiono chakazara.—Zvirevo 20:5; 18:13.
□ RATIDZA TSITSI—“Tsitsi” dzinofanira kukumbanirana ne‘ngoni’ sezvaunoedza kuzvizivisa mumirangariro neakaora mwoyo. ‘Chema naanochema.’—1 Petro 3:8; VaRoma 12:15.
□ IVA NOMWOYO MUREFU—Kungatora kurukurirano dzinodzokororwa, naizvozvo iva anoshivirira. Furatira “kuvhurumuka” uko akaora mwoyo angataura nemhaka yekangaidziko.—Jobho 6:3.
□ SIMBISA NAMASHOKO—Betsera akaora mwoyo kuona mavara ake akanaka. Ipa rumbidzo yakananga. Ratidza kuti zvinetso, zvinoitika zvakashata zvomunguva yakapfuura, kana kuti zvikanganiso hazvitapuri faniro yomunhu oga. Tsanangura chikonzero nei Mwari achimuda uye achimuitira hanya.—Jobho 16:5.