RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/10 pp. 5-7
  • Magungano Eruwa—Nguva Yokunamata Kunofadza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Magungano Eruwa—Nguva Yokunamata Kunofadza
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Magungano Edu Eruwa Anoratidza Pachena Zvakaita Chokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Nguva Yokudya Mune Zvokunamata Uye Yokufara
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Wagadzirira Nokuda Kwemabiko Ezvokunamata Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mazuva Matatu Okuzorodzwa Mune Zvokunamata
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 4/10 pp. 5-7

Magungano Eruwa—Nguva Yokunamata Kunofadza

1. Mitambo yevaIsraeri yakafanana papi nemagungano edu eruwa emazuva ano?

1 Josefa, Mariya, nevana vavo nevamwe, vaigara vachienda kuJerusarema kunopinda mitambo yaiitwa gore negore. Panguva dzakadai, ivo nevamwe vanamati vaisazvidya mwoyo nezvenhamo dzavo asi vaifunga nezvezvinhu zvainyanya kukosha zvaiva nechokuita nokunamata. Mitambo iyi yaiita kuti vave nenguva yokufungisisa uye yokutaura nezvekunaka kwaJehovha uye kufunga nezveMutemo wake. Magungano edu eruwa ari kuuya achatipa mikana yakaita seiyi yokunamata Jehovha kunofadza.

2. Zvii zvatinofanira kuita kuti tigadzirire gungano reruwa riri kuuya?

2 Kugadzirira Kunodiwa: Rwendo rwaifambwa nemhuri yaJesu kubva kuNazareta nokudzoka rwaiva makiromita 200. Kunyange tisingazivi kuti Jesu aiva nevanin’ina vangani, mupfungwa dzedu tinogona kuona Josefa naMariya vachishanda nesimba vachigadzirira rwendo urwu. Wakagadzirira kuti uvepo pagungano reruwa mazuva ose ari matatu here? Izvi zvingareva kuti unofanira kukumbira waunoshandira kuti usauya kubasa kana kuti kukumbirira mwana wako kumudzidzisi wake. Kana kuri kuti uchada pokugara, wakatopawana here? Ungakwanisa here kuita chimwe chinhu kuti ubatsire mumwe munhu anoda rubatsiro ari muungano kuti apinde gungano reruwa?—1 Joh. 3:17, 18.

3. Mitambo yevaIsraeri yaiita kuti pave nemikana yokuti vawadzane vachikurudzirana sei?

3 Kuwadzana Kunokurudzira: Mitambo yevaJudha yaivapa mukana wakanaka chaizvo wokuti vawadzane vachikurudzirana nevamwe vavainamata navo. Zviri pachena kuti mhuri yaJesu yaitarisira kuonana nehama neshamwari dzavakanga vava nenguva vasina kuona. Vaivawo nemikana yokuva neshamwari itsva pamapoka evaJudha nevamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vaizovapo kana kuti vaiva vari parwendo rwokuenda kana kudzoka kubva kuJerusarema.

4. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa kubatana kwedu kwechiKristu?

4 Muranda akatendeka, akangwara anoronga kuti tiungane, titeerere hurukuro pamagungano eruwa kwete kungoita kuti hurukuro dzacho dziite zvokunyorwa pamapepa. Chikonzero chacho ndechokuti tikurudzirane. (VaH. 10:24, 25) Saka, ronga kuti ukurumidze kusvika pagungano mazuva ose kuitira kuti unakidzwe nokushamwaridzana nevamwe sachigaro asati asuma mumhanzi wokutanga, unoratidza kuti yava nguva yokuti vanhu vagare pasi. Tinokurudzirwa kuti tiuye nezvokudya zvemasikati zvishoma zvisingazoiti kuti tirare, todyirapo kuitira kuti tiwane nguva yokukurukura nevamwe vanenge vari pagungano kwete kuzobva pari kuitirwa gungano tava kunotsvaka zvokudya panguva yemasikati. Kubatana kwedu kwechiKristu chipo chinobva kuna Jehovha chatinofanira kukoshesa.—Mika 2:12.

5. Chii chichatibatsira kuti tinyatsobatsirwa nepurogiramu?

5 Nguva Yokudzidza: Kubvira achiri muduku, Jesu aishandisa nguva yaaiva kumitambo kuti adzidze nezvaBaba vake vokudenga. (Ruka 2:41-49) Chii chichatibatsira isu nemhuri dzedu kuti tinyatsobatsirwa nezvose zvichakurukurwa? Panguva yepurogiramu, rambai makagara pasi uye regai kungotaura-taura zvisina basa. Musavhiringidzwa kana kuvhiringidza vamwe nefoni yenyu, peja kana kuti nezvimwe zvinhu zvakada kudaro. Tarisa mukurukuri uye nyora tumanotsi tushoma. Garai pamwe chete semhuri kuitira kuti muve nechokwadi chokuti vana venyu vari kuteererawo. Manheru, ivai nenguva yokuti mukurukure pamwe chete pfungwa dzakunakidzai.

6. Panyaya yemapfekero edu nokushambidzika zvii zvatinofanira kuyeuka?

6 Kupfeka Nokushambidzika: Vatengesi vokune dzimwe nyika vaifamba munzira vaigona kuziva nyore nyore mhuri yaJesu uye vamwe vanamati vechiJudha vaifamba vachienda kana kuti kudzoka kubva kumitambo pamusana penguo dzavaiva vakapfeka dzaiva netambo yebhuruu pamusoro pemipendero yaiva nemasa. (Num. 15:37-41) Kunyange vaKristu vasingapfeki yunifomu inovasiyanisa nevamwe, isu tinozivikanwa nokupfeka zvinhu zvine mwero uye zvakachena. Hatifaniri kungopfeka zvachero patinenge tichienda nekudzoka kugungano uye patinenge tiri muguta rinenge richiitirwa gungano racho. Kunyange kana tikachinja hembe purogiramu yapera, tinofanira kupfeka zvine mutsigo uye topfeka bheji regungano. Patinoita izvi, zvichaita kuti tisiyane nevanhu vasiri Zvapupu uye kuti vanotiona vatiyemure.

7. Nei tichifanira kufunga nezvokuzvipira kushanda pagungano reruwa?

7 Panodiwa Vanhu Vanozvipira: Kuti gungano rinyatsofamba zvakanaka, panodiwa vashandi vakawanda. Zvingaita here kuti uzvipire kubatsira? (Pis. 110:3) Basa rinoitwa pamagungano nderimwe remabasa matsvene uye rinoita kuti vanhu vataure zvakanaka nezvedu. Mumwe maneja weimwe nzvimbo inoitirwa gungano reruwa akashamiswa chaizvo nevanhu vakazvipira kuchenesa chivako chacho, zvokuti akanyora kuti: “Ndinoda kukutendai nezvekuungana kunoomesa mate mukanwa kwandisati ndamboona. Ndaingonzwa kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vakasiyana nevamwe uye vane mukurumbira wagara uchizivikanwa mubhizimisi redu rokuhayisa nzvimbo wokuti vanosiya nzvimbo yakachena kupfuura zvavanenge vaiwana yakaita. Imi nesangano renyu maita kuti chivako chino chiratidzike zvakanaka munzvimbo ino uye zvaitwa neboka revanhu vane tsika dzakanaka chaizvo vatanga tisati tambozivana navo.”

8. Mikana ipi yokupupura ichavapo muguta richaitirwa gungano?

8 Mikana Yokupupurira: Muguta rinoitirwa gungano vanhu vakawanda vachaona vashanyi vakapfeka zvakanaka uye vakazvishongedza zvine ruremekedzo vakapfeka mabheji, uye izvi zvinogona kuita kuti vade kuziva zvakawanda zvobva zvatipa mikana yokuti tivaudze nezvegungano. Purogiramu payakapera, mumwe mwana ane makore mana akaenda kune imwe resitorendi nebhuku idzva rakanga richangobudiswa akanoratidza hweta wechikadzi anoshandamo. Izvi zvakaita kuti vabereki vomukomana uyu vakoke mukadzi wacho kugungano.

9. Tingatevedzera sei mhuri yaJesu pakukoshesa zvinhu zvokunamata zvatinopiwa naJehovha?

9 Mitambo yaiitwa kare yaiva nguva inofadza chaizvo zvokuti vaJudha vaida zvokunamata vaiona sokuti vanonokerwa. (Dheut. 16:15) Mhuri yaJesu yaifara kurega zvimwe zvinhu kuti iende kumutambo kwayainonyatsobatsirwa. Nesuwo tinokoshesa magungano edu eruwa zvakafanana, tichiaona sechipo chinobva kuna Baba vedu vokudenga vane rudo. (Jak. 1:17) Iye zvino ndiyo nguva yokuti tigadzirire mukana uyu wokunamata kunofadza Jehovha unovapo pagore negore.

[Bhokisi riri papeji 6, 7]

Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa

◼ Nguva Dzepurogiramu: Purogiramu ichatanga na9:20 mangwanani musi weChishanu neMugovera uye musi weSvondo ichatanga na8:20 mangwanani. Panosumwa mumhanzi, tose zvedu tinofanira kunge tagara pasi kuitira kuti purogiramu itange zvine ruremekedzo. Musi weChishanu neMugovera purogiramu ichapera na4:55 masikati uye musi weSvondo ichapera na2:40 masikati.

◼ Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano, nzvimbo dzokupaka motokari dzinenge dzisingabhadharwi, uye dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Vanhu vakaremara chete nevakwegura ndivo vachabvumirwa kupaka panzvimbo dzavakachengeterwa.

◼ Kubata Nzvimbo: Munogona kubatira nzvimbo vaya vamunenge muri kufamba navo mumotokari imwe chete kana kuti vaya vamunenge muchigara navo kumba, kusanganisira vaya vamuri kudzidza navo Bhaibheri.—1 VaK. 13:5.

◼ Zvokudya Zvemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano muchinotsvaka zvokudya panguva yokuzorora. Mungashandisa chokuisira zvokudya chiduku chinokwana pasi pechigaro chenyu. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, uye midziyo yemagirazi hazvibvumirwi panoitirwa gungano.

◼ Mari Yezvipo: Tingaratidza kuti tinoonga urongwa hwegungano nokupa mari yezvipo nokuzvidira yokutsigira basa romunyika yose. Izvi tingazviita paImba yedu yoUmambo kana kuti pagungano. Cheki dzose dzinonyorwa pagungano dzinofanira kunyorwa kuti “Watch Tower Society.”

◼ Tsaona Uye Kurwara Kunoda Kukurumidzirwa: Kana munhu akarwara, achida kukurumidza kutarisirwa ari panzvimbo yegungano, tapota zivisai murindiri anenge ari pedyo uye iye achazivisa veFirst Aid nokukurumidza kuitira kuti vanhu vanenge varipo vakanyatsodzidziswa vaone kuti urwere hwacho hwakamira sei vobatsira. Kana zvakakodzera, veFirst Aid vachadaidza chiremba.

◼ Shangu: Gore negore vanhu vakawanda vanokuvara pamusana peshangu. Zvakanaka kusarudza shangu dziri pakati nepakati dzinonyatsokwana, dzinoita kuti munhu akwanise kufamba zvisina ngozi pamasitepisi nepadzimwe nzvimbo dzakada kudaro.

◼ Kurekodha: Zvokurekodhesa zvose hazvifaniri kupfekerwa kana kubatanidzwa nemagetsi epanoitirwa gungano kana kuti negudzanzwi, asi zvingangoshandiswa nenzira isingavhiringidzi vamwe.

◼ Mafomu Ane Chokuita Nokuona Vanhu: Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanoratidza kufarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Vaparidzi vanofanira kuuya nefomu rimwe chete kana maviri kugungano. Mafomu anenge azadzwa angaendeswa kuImba yeMabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu kana madzokera kuungano yokwenyu.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, hwaNovember 2009 p. 4.

◼ Urongwa Hwepokugara: Uri kuronga kugara kumba kwevamwe here? Kuita maererano nezviyeuchidzo zvinotevera kuchatibatsira kuti tirambe tiine zita rakanaka. (1) Usatarisire kuti muridzi wepamba pauchange uchigara achakupa zvokudya zvemahara kunyange zvazvo iri hama yechiKristu. (2) Iva nomwoyo murefu uye remekedza muridzi wepamba paunenge uchigara paanenge achiedza kukupa pokugara. (3) Remekedza zvinhu zvomunhu akugamuchira. Kana vana vakasatarisirwa vanogona kutamba kana kuti kumhanya-mhanya mugadheni vachitsika-tsika maruva uye vangapinda mudzimba dzavasingafaniri kupinda. Vamwe vana vanoita ruzha rwakanyanyisa, vachivhiringa mhuri yepo kana kuti vavakidzani. Vabereki havafaniri ‘kungorega’ vana vavo asi vanofanira kuvatarisira kuitira kuti mufambiro wavo ukudze Jehovha nguva dzose.—Zvir. 29:15.

◼ Basa Rokuzvipira: Kana tikazvipira kuti tibatsire pabasa rinenge richidiwa pagungano, tichafara zvokufara zviya. (Mab. 20:35) Vanoda kuzvipira kushanda vanofanira kuenda kudhipatimendi reVazvipiri rinenge riri pagungano. Vana vari pasi pemakore 16 vanogona kubatsirawo nokushanda pamwe chete nevabereki vavo kana kuti mumwe munhu mukuru anovatarisira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe