Purogiramu Yevhiki yaSeptember 3
VHIKI INOTANGA NASEPTEMBER 3
Rwiyo 6 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt chits. 26 ¶1-8, bhokisi riri pap. 204 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 39-41 (10 min.)
Nha. 1: Ezekieri 40:17-31 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Maziso Edu Angatitsausa Sei?—Gen. 3:2-6 (5 min.)
Nha. 3: Kusatsigira Zvematongerwo Enyika Kunoitwa nevaKristu Kunoreva Here Kuti Havana Hanya Nenhamo Dzinosangana Nevavakidzani Vavo?—rs p. 155 ¶2 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Tingakurukura Sei Nasaimba Nenzira Inoita Kuti Afunge—Chikamu 2. Kukurukurirana kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 253 ndima 2 kusvika kunoperera peji 254. Enzanisirai kwenguva pfupi pfungwa imwe chete kana kuti mbiri.
10 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna September. Kukurukurirana. Kwehafu yeminiti kusvika kuminiti imwe chete taurai kuti chii chingaita kuti vanhu vari mundima yenyu vafarire magazini. Zvadaro, muchishandisa nyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo nerugwaro rwavachaverenga zvichaita kuti vanhu vafarire. Itai zvimwe chetezvo nenyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeAwake! uye, kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya kubva mumagazini idzi. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
Rwiyo 34 Nemunyengetero