Purogiramu Yevhiki yaDecember 3
VHIKI INOTANGA NADECEMBER 3
Rwiyo 128 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 2 ¶7-13, bhokisi riri pap. 20 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Nahumi 1-3–Habhakuki 1-3 (10 min.)
Nha. 1: Habhakuki 2:1-14 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Nei Zvichikosha Kuti Titaure Chokwadi Tiine Chivimbo?—2 Tim. 1:7, 8 (5 min.)
Nha. 3: Mumwe Nomumwe Wedu Angawana Sei Zivo Yechokwadi Nouchenjeri?—rs p. 387 ¶1-3 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna December. Kukurukurirana. Kwemasekonzi 30 kusvika kuminiti imwe chete taurai kuti zvii zvichaita kuti magazini acho afarirwe nevanhu mundima yenyu. Zvadaro, muchishandisa nyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo nerugwaro rwavachaverenga zvichaita kuti vanhu vafarire. Itai zvimwe chetezvo nenyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeAwake!, uye kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya iri mune imwe yemagazini acho. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
10 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Zvinonakidza Zvakaitika Pakugovera Maturakiti. Kukurukurirana kunoitiswa nemutariri webasa. Kumbirai vateereri kuti vataure zvakavanakidza pavaigovera maturakiti muna November. Itai kuti vaparidzi vaviri vakawana vokudzidza navo Bhaibheri vaenzanisire kuti vakagovera sei maturakiti pavaiparidza paimba neimba.
Rwiyo 96 Nemunyengetero